RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 8/1 pp. 28-31
  • Mamishinari Anotumwa Kunoita Kuti Vanhu “Vave Vadzidzi”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mamishinari Anotumwa Kunoita Kuti Vanhu “Vave Vadzidzi”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvakanga Zvisingaiti Kuti Vadzidzi Vangogara Kumba”
  • “Zvirumbidze Muna Jehovha”
  • “Muchaita Basa Ramakavinga Here?”
  • Dzimwe Pfungwa Huru Dzakakurukurwa Papurogiramu Yacho
  • ‘Nyatsocherechedzai Makunguo.’
  • Zvakaitika Uye Kubvunzurudza
  • Zuva Raitarisira Mamishinari Kuudzwa Nyika Dzavaizonoshandira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mwoyo Unoda Ndiwo Unounza Vanhu kuGiriyedhi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kukurudzirwa Kushumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mamishinari Anotumwa “Kurutivi Ruri Kure Kwazvo Rwenyika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 8/1 pp. 28-31

Kirasi Yechi128 Inopedza Kudzidza kuGiriyedhi

Mamishinari Anotumwa Kunoita Kuti Vanhu “Vave Vadzidzi”

“KUTI vanhu vemarudzi ose vanzwe mashoko akanaka, vamwe vaKristu vaizofanira kuzvipira kusiya mhuri dzavo nemisha yavo kuitira kuti vanoparidza mashoko akanaka kune dzimwe nyika.” Ndiwo mashoko akatanga kutaurwa nahama David Splane veDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha kuvanhu vakanga vakaunganira chiitiko chinokurudzira pakunamata.

Musi waMarch 13, 2010, vanhu vanosvika 8 000 vakaungana kuti vaone kupedza kudzidza kwekirasi yechi128 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Hama neshamwari nevaenzi vaibva kunyika 27 dzakasiyana-siyana vakanga varipo.

“Zvakanga Zvisingaiti Kuti Vadzidzi Vangogara Kumba”

Sezvo Hama Splane vaiva sachigaro, vakavhura musangano wacho nokukurukura murayiro waJesu wokuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu. 28:19, 20) Vakasimbisa kuti Jesu akatuma vadzidzi vake kuenda kune vanhu. Ichokwadi kuti paPendekosti ya33 C.E., vanhu vakasiyana-siyana vaibva kuMesopotamia, North Africa, nedzimwe nzvimbo dzaitongwa neUmambo hweRoma vakauya kuJerusarema uye vakanzwa mashoko akanaka. Mukurukuri wacho akati kunyange zvakadaro, “vadzidzi vakanga vasingafaniri kungogara mudzimba vachimirira kuti vanhu vemamwe marudzi vauye kwavari. Vaifanira kuenda kunzvimbo dziri kure kwazvo dzenyika.”—Mabasa 1:8.

Hama Splane vakati, “Jesu haana kungogumira pakuudza vadzidzi vake zvokuita. Asi akavadzidzisa maitirwo azvo. Haana kungovaudza kuti vanyengetere, asi akavadzidzisa kuti kunyengetera kunoitwa sei. Haana kungovaudza kuti vanoparidza, asi akavaratidza kuti vaizonoparidza sei. Haana kungovaudza kuti vave vadzidzisi vakanaka, asi akavaratidza nzira yokudzidzisa nayo zvakanaka uye zvavangaita kuti vave nyanzvi pakudzidzisa.”

Achiudza vabereki vevadzidzi ava vakanga vapedza, sachigaro akadzokorora zvakavimbiswa naJesu kuvadzidzi vake zvokuti: “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mateu. 28:20) Hama Splane vakavimbisa vateereri kuti Jesu aizoramba achitarisira vadzidzi ava kunyika dzavakanga vachizoenda.

“Zvirumbidze Muna Jehovha”

Hama Anthony Morris veDare Rinodzora vakakurudzira kirasi kuti ‘zvirumbidzei.’ Vakataura kuti pane kuzvirumbidza kwakanaka kwoita kumwe kwakashata. Kwakashata kunosanganisira kuda kuzvipa mbiri. Asi kwakanaka kunotsanangurwa pana 1 VaKorinde 1:31 kuti: “Anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Jehovha.” Hama Morris vakati: “Kuva nenzwisiso uye zivo pamusoro paJehovha Mwari ndicho chinhu chokuti tizvikudze nacho. Kutaura zvazviri, ropafadzo yakakura zvikuru yamunayo uye yandinayo ndeyokudanwa nezita iroro dzvene, kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.”—Jeremiya 9:24.

Mukurukuri akazosimbisa kukosha kwokuita kuti zita raJehovha rizivikanwe paakataura zvakaitika kune mumwe mumishinari ari kuAfrica. Mumishinari wacho nemudzimai wake vaienda kunopa hurukuro inobva muBhaibheri. Pavakasvika parodhibhuroku, mumwe musoja wechiduku akanongedzera pfuti kuhama iyi akabva aibvunza zita rayo. Mudzimai wake, ayeuka zvavakadzidziswa kuGiriyedhi, akaswedera nechepedyo akamunyevezera achiti, “Muudze kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha uye uri kuenda kunopa hurukuro yeBhaibheri.” Akateerera zano romudzimai wake vakabva vabvumirwa kupfuura parodhibhuroku iyi. Mangwana acho murume nomukadzi uyu vakazonzwa paredhiyo kuti purezidhendi akanga audza masoja ake kuti angwarire vanhu vanozviti mamishinari asi dziri mhandu. Kutaura kwavakaita kuti Zvapupu zvaJehovha pane kuti vaiva mamishinari ndiko kwakaita kuti vasazvipinza mutsekwende. Hama Morris vakapedzisa hurukuro yavo vachiti: “Pamunosvika kwamuri kuenda, zvirumbidzei. Zvirumbidzei pane zvose zvichaitwa naJehovha achikushandisai pakuita kuti akudzwe nokusingaperi.”

“Muchaita Basa Ramakavinga Here?”

Hama Geoffrey Jackson, mumwe weDare Rinodzora uye aimbova mumishinari, vakabatsira vadzidzi kuti vafunge nezvemubvunzo uri pamusoro apa. Vakabvunza kuti, “Zvinomborevei patinoti munhu uyu mumishinari?” Vakatsanangura kuti shoko rokuti “mumishinari” rinobva pane rechiLatin rinoreva munhu kana kuti boka revanhu rinotumwa kunoita basa rinokosha. SeZvapupu zvaJehovha, basa redu nderokuparidza mashoko akanaka uye kubatsira vamwe kuti vave noukama hwakanaka naJehovha. Patinoita basa iri tinenge tichitevedzera Jesu Kristu, uyo aigara achiita basa raakanga avinga pasi pano asina chinomuvhiringidza. Jesu akaudza Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato kuti: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.”—Johani 18:37.

Mukurukuri akabatsira kirasi kuti ifunge nezvenyaya iri muBhaibheri yokurwiswa kwakaitwa Jeriko. Kwemazuva matanhatu varwi vechiIsraeri vaifumobata jongwe muromo, vopfeka nguvo dzokurwa nadzo, vobva vafora vachitenderera Jeriko vozodzokera kumba. Mukurukuri wacho akabva ati: “Tikangozvitarisawo, zvaiita sokuti basa ravaiita harina musoro uye kupedza nguva.” Hama iyi yakati mamwe masoja anogona kunge akafunga kuti, ‘Uku ndiko kunonzi kutambisa nguva chaiko.’ Pazuva rechinomwe, vaIsraeri vakaudzwa kuti vakomberedze guta kanomwe, vozoshevedzera kwazvo nokuda kwehondo. Zvakaguma nei? Masvingo eJeriko akakoromoka kusvika pasi chaipo!—Joshua 6:13-15, 20.

Hama Jackson vakataura zvidzidzo zvina kubva panyaya iyi. (1) Kuteeerera kunokosha. Tinofanira kuita zvinhu nenzira yaJehovha, kwete kufunga kuti maonero edu ndiwo ari ani. (2) Kutenda uye kuvimba naJehovha kunokosha. “Nokutenda, masvingo eJeriko akawira pasi,” asi kwete pachishandiswa zvokugumurisa masvingo. (VaHebheru 11:30) (3) Tinofanira kuva nomwoyo murefu. Nokufamba kwenguva makomborero aJehovha ‘achakubata.’ (Dheuteronomio 28:2) (4) Usakanda mapfumo pasi. Usambofa wakakanganwa basa rako. Hama Jackson vakapedzisa hurukuro yavo vachiti: “Kana mukaramba muchiyeuka mazano aya, muchaita basa renyu kuti Jehovha arumbidzwe uye akudzwe.”

Dzimwe Pfungwa Huru Dzakakurukurwa Papurogiramu Yacho

“Ida Bhaibheri Nemunyori Waro.” Ndiwo waiva musoro wehurukuro yakataurwa nahama Maxwell Lloyd, mumwe ari muDare reBazi rekuUnited States. Vakaudza kirasi yacho kuti, “Bhaibheri ngarikubatsirei.” Vakabva vavakurudzira vachiti: Usambofa wakaderera pakuda kwako Jehovha Mwari. Usangofunga kuti munhu wose anonzwisisa zvauri kudzidzisa. Dzidza kudzidzisa chokwadi chiri muBhaibheri zviri nyore kuitira kuti zvaunodzidzisa zviti dyoo mumwoyo womudzidzi wako. Zvininipise. Usazviita sokunge une zivo inopfuuura yevamwe. Itawo zvaunodzidzisa. Dai vaunodzidzisa vakaona kuti unoda Bhaibheri zvakadzama.

‘Nyatsocherechedzai Makunguo.’

Hama Michael Burnett, murayiridzi wekirasi yacho uye aimbovawo mumishinari, vakataura hurukuro yaiva nemusoro uri pamusoro apa. Vakati pano neapo tichambozvidya mwoyo. Asi yeukai zano raJesu rokuti: “Nyatsocherechedzai kuti makunguo haadyari mbeu kana kukohwa, . . . asi Mwari anoapa zvokudya.” (Ruka 12:24) Maererano nesungano yoMutemo, makunguo akanga asina kuchena, asingakodzeri kudyiwa. Aionekwa sezvinhu zvinosemesa. (Revhitiko 11:13, 15) Pasinei neizvi, Mwari anoapa zvokudya. Hama Burnett vakati: “Saka kana mukazenge mava kuzvidya mwoyo, fungai nezvemakunguo. Kana Mwari achitarisira shiri isina kuchena, inosemesa, ko imi makachena mumaziso ake, achatonyanya kukutarisirai.”

“Handisi Kukuitira Zvakaipa.” Mumwe murayiridzi weGiriyedhi anonzi Mark Noumair, akabatsira vose vaiva vakateerera kuti vaongorore muenzaniso wakapiwa naJesu wevashandi vemumunda wemizambiringa. Vamwe vashandi vakafondoka muswere wezuva. Vamwe vakangoshanda awa imwe chete bedzi. Asi vose vakapiwa mubhadharo wakaenzana. Vaya vakanga vashanda muswere wose vakatanga kugunun’una. Tenzi wemunda wemuzambiringa akaudza mumwe wevashandi vaigunun’una kuti, “Handisi kukuitira zvakaipa. Hauna kubvumirana neni dhinari here? Tora zvinhu zvako, uende.” (Mateu 20:13, 14) Tinodzidzei? Musazvienzanisa nevamwe. Hama Noumair vakati “Kana mukazvienzanisa nevamwe muchatadza kufara. Kuzvienzanisa nevamwe kwakaipira kuti kungaita kuti usiye basa rako, urege ropafadzo inokosha chaizvo.” Mukurukuri wacho akayeuchidza kirasi kuti Jesu ndiye ari kutungamirira kukohwa kune chokuita nokunamata kuri kuitika mazuva ano uye anogona kuita zvaanoda kuvateveri vake. Kana Jehovha naJesu vakasarudza kuitira vamwe zvaunenge usina, havasi kukuitira zvakaipa. Iwe funga zvaunazvo, usambofa wakaita kuti “mubayiro” wevamwe ukutsause pabasa rawakapiwa naJehovha kuti uite.

Zvakaitika Uye Kubvunzurudza

Vadzidzi veGiriyedhi pavanenge vasiri mukirasi kana kuti vasiri kuita basa ravanoitira kumba, vanobatana neungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinenge dziri pedyo pakuita basa rokuparidza. Sam Roberson, mumwe wevarayaridzi veGiriyedhi akabvunzurudza vakati oo vevadzidzi nezvezvimwe zvinhu zvakaitika pavaiparidza. Somuenzaniso, hanzvadzi Alessandra Kirchler vakasangana nemumwe mukadzi aishungurudzika chaizvo nezvekusvuta kwaiita mwanakomana wake. Alessandra paakazodzokera kunoona mukadzi uya akaenda neMukai! yaitaura nyaya yokusvuta. Akawana pamba pasina munhu, akabva asiya magazini yacho. Pakupedzisira Alessandra akazowana mukadzi uyu ari pamba akamuti apinde mumba. Mukadzi wacho akatenda chaizvo magazini akati, “Ndainetseka kuti Mwari ari kuda kundidzidzisei nemiedzo yose iyi yaari kundipa.” Alessandra akamuratidza achishandisa Bhaibheri kuti Mwari haakonzeri zvinhu zvakaipa kuti zviitike. (Jakobho 1:13) Iye zvino mukadzi wacho nemwanakoma wake vari kunakidzwa nokudzidza Bhaibheri.

Melvin Jones anoshanda muDare Rebasa akabvunzurudza vamwe vatatu vakapedza kudzidza paGiriyedhi: Jon Sommerud, ari kushumira ari kuAlbania; Mark Anderson, ari kushumira ari kuKenya; uye James Hinderer, ari kushumira ari kuDhipatimendi Rezvikoro Zvokunamata. Vose vari vatatu vakabvuma kuti chikoro cheGiriyedhi hachingodzidzisi chokwadi chiri nyore chiri muBhaibheri asi chinodzidzisawo kuti chokwadi ichi chingashandiswa sei pasinei nokuti vadzidzi vacho vakaita sei kana kuti vachanoshumira kupi.

Mumwe wevadzidzi akazoverenga tsamba yaibaya mwoyo yairatidza kuonga kwekirasi yacho. Hama John Barr vane makore 96, mukuru pazera pane vose muDare Rinodzora, vakagumisa purogiramu nomunyengetero, vachikumbira Jehovha kuti akomborere basa rekirasi yechi128 yeGiriyedhi.

[Mufananidzo uri papeji 31]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

8 nhamba yenyika dzaimirirwa

54 vadzidzi vose

27 vakaroorana

35.2 avhareji yezera

19.1 avhareji yemakore kubvira pakubhabhatidzwa

13.8 avhareji yemakore omuushumiri hwenguva yakazara

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Vaiva mukirasi yacho vakaendeswa kunyika 25 dziri pasi apa:

NYIKA DZAKATUMIRWA MAMISHINARI

HONDURAS

GUATEMALA

NICARAGUA

DOMINICAN REPUBLIC

ARUBA

GUYANA

ECUADOR

BOLIVIA

PARAGUAY

LATVIA

ROMANIA

KOSOVO

SERBIA

ALBANIA

GUINEA

LIBERIA

CÔTE D’IVOIRE

GHANA

NAMIBIA

RWANDA

MADAGASCAR

MONGOLIA

TAIWAN

CAMBODIA

INDONESIA

(VANOTARISIRWA NEBAZI REAUSTRALIA)

[Mufananidzo uri papeji 30]

Vadzidzi veGiriyedhi vanoedzesera zvimwe zvaiitika pavaiparidza

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kirasi Yechi128 Yechikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi Inopedza Kudzidza

Pane zvakarongwa pasi apa, mitsetse yakarongwa ichibva mberi ichidzoka shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Keller, E.; Ostopowich, I.; Jacobsen, S.; Arias, M.; Dieckmann, Y.; Tanaka, J.; Harada, K.

(2) Camacho, L.; Kirchler, A.; Rodríguez, S.; Ward, B; Trenalone, K.; Victoria, V.; Oxley, F.; Nguyen, K.

(3) Oxley, O.; De Dios, A.; Lindström, C.; Allen, J.; Meads, T.; Waddington, J.; Victoria, E.

(4) Harada, H.; Lindström, A.; Orsini, E.; Logue, D.; Missud, T.; Bergeron, S.; Camacho, G.; Ward, T.

(5) Kirchler, W.; Nguyen, H.; Kremer, E.; Burgaud, C.; Titmas, N.; De Dios, C.; Rodríguez, A.; Waddington, M.

(6) Dieckmann, J.; Allen, C.; Titmas, R.; Arias, J.; Bergeron, E.; Keller, J.; Ostopowich, F.; Burgaud, F.

(7) Tanaka, K.; Kremer, J.; Jacobsen, R.; Trenalone, J.; Logue, J.; Meads, D.; Missud, D.; Orsini, A.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe