RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 8/15 pp. 25-28
  • Zvakanakirei Kubata Nguva?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakanakirei Kubata Nguva?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha ndiMwari Anoita Zvinhu Zvake Nenguva
  • Kubata Nguva Kunokosha Pakunamata
  • Zvaungaita Kuti Ubate Nguva
  • Kubatsirwa Nokubata Nguva Pamisangano YechiKristu
  • Iva Netsika Yokubata Nguva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kusvika Panguva Newe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kubata Nguva
    Mukai!—2016
  • Ratidza Kuonga Imba yaMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 8/15 pp. 25-28

Zvakanakirei Kubata Nguva?

HAZVISI nyore nguva dzose kubata nguva kana kuti kuita zvinhu nenguva. Chimwe chinoita kuti zviome zvinhambwe zvakakura zvatinofanira kufamba, kuwanda kwemotokari mumugwagwa, nezvimwewo zvakawanda zvokuita. Asi kubata nguva kunokosha chaizvo. Somuenzaniso, kumabasa munhu anosvika nenguva anoonekwa somunhu wokuvimba naye uye anoshanda nesimba. Asiwo munhu anononoka kusvika anogona kuvhiringa mashandiro evamwe kana kuti zvingakonzera kuti basa racho risanyatsobuda nomazvo. Kunonoka kusvika kuchikoro kungaita kuti mwana awane zvimwe zvidzidzo zvapera uye kungaderedza magonero aanenge achiita. Kutadza kubata nguva dzokuchipatara kungaita kuti usazorapwa zvakanyatsonaka.

Zvisinei, mune dzimwe nzvimbo nyaya yokubata nguva haionekwi seinokosha. Kunzvimbo dzakadaro tinogona kutojairira tsika yokunonoka. Kana zvakadaro, zvinokosha chaizvo kuti tiedze kuva nechido chokuita zvinhu nenguva. Kunzwisisa kukosha kwokuita zvinhu nenguva kunototibatsira kuti tive vanhu vanobata nguva. Ndezvipi zvimwe zvinoita kuti tide kubata nguva? Tingakunda sei dambudziko iri rokutadza kubata nguva? Uye zvii zvatinowana kana tikaita zvinhu nenguva?

Jehovha ndiMwari Anoita Zvinhu Zvake Nenguva

Chikuru chinoita kuti tide kubata nguva ndechokuti tinoda kutevedzera Mwari watinonamata. (VaEf. 5:1) Jehovha anotiratidza muenzaniso wakazonaka panyaya yokubata nguva. Hapana kana paanombononoka. Anoita zvaanenge ataura panguva chaiyo kuitira kuti azadzise zvinangwa zvake. Somuenzaniso, Jehovha paakafunga zvokuparadza nyika yakanga ine vanhu vakaipa mumafashamo, akaudza Noa kuti: “Gadzira areka nomuti unobudisa zvinonama.” Nguva yokuti achiparadza payakanga yava pedyo, Jehovha akaudza Noa kuti apinde muareka ndokumuti: “Kwasara mazuva manomwe chete kuti ndinayise mvura panyika kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana; ndichaparadza panyika zvinhu zvose zvandakaita.” Zvadaro, panguva chaiyo, “mazuva manomwe gare gare mvura yemafashamo yakauya panyika.” (Gen. 6:14; 7:4, 10) Imbofungidzira kuti dai Noa nemhuri yake vakanonoka kupinda muareka chii chaizoitika. Vakabata nguva sezvaingoitawo Mwari wavainamata.

Makore 450 Mafashamo apera, Jehovha akaudza musoro wemhuri Abrahamu kuti aizova nemwanakomana. Mumwanakomana wacho ndimo maizobva Mwana akapikirwa. (Gen. 17:15-17) Mwari akati Isaka aizoberekwa “panguva ino yakatarwa gore rinouya.” Ndizvo zvakaitika here? Magwaro anotiudza kuti: “Abrahamu paakanga akwegura, Sara akava nepamuviri, akamuberekera mwanakomana, panguva yakatarwa iyo Mwari akanga audza Abrahamu.”—Gen. 17:21; 21:2.

Bhaibheri rizere nemienzaniso inoratidza kuti Mwari anobata nguva. (Jer. 25:11-13; Dhan. 4:20-25; 9:25) Rinotiudza kuti timirire zuva raJehovha rokutonga riri kuuya. Kunyange kana vanhu vakaona seriri ‘kunonoka,’ tinovimbiswa kuti “hazvizononoki.”—Hab. 2:3.

Kubata Nguva Kunokosha Pakunamata

Varume vose vechiIsraeri vaifanira kuvapo uye kubata nguva panzvimbo yakasarudzwa kuitwa “mitambo yaJehovha yomwaka nomwaka.” (Revh. 23:2, 4) Mwari akaronga nguva dzaizofanira kupiwa zvibayiro zvakasiyana-siyana. (Eks. 29:38, 39; Revh. 23:37, 38) Izvi zvinoratidza kuti Mwari anoda kuti vashumiri vake vabate nguva pakuita zvinhu zvine chokuita nokunamata, handizvo here?

Muzana ramakore rokutanga, muapostora Pauro paakarayira vaKorinde nezvemaitirwo emisangano yechiKristu, akavakurudzira kuti: “Zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.” (1 VaK. 14:40) Saka kunamata kwechiKristu kwaifanira kuitwa panguva yakatarwa. Maonero aJehovha panyaya yokubata nguva haana kuchinja. (Mar. 3:6) Saka zvii zvatingaita kuti tisvike pamisangano yeungano iyi nenguva?

Zvaungaita Kuti Ubate Nguva

Vamwe vakaona kuti kugara varonga zvinhu zvavo kunobatsira chaizvo. (Zvir. 21:5) Ngatitii tinofanira kufamba chinhambwe chakati rebei kuti tisvikeko nenguva, kuchenjera here kuti titange kusimuka panguva yatinoziva kuti tinonosvikirana nokutanga kwemisangano? Hakusi kuchenjera here kuti tizvipe mamwe maminitsi kuitira kuti tisanonoka, kunyange kana pakava nezvimwe “zviitiko zvisingafanoonekwi”? (Mup. 9:11) Rimwe jaya rinobata nguva rinonzi José rinoti, “Kuziva kuti kwaunoenda kunoda nguva yakawanda sei kuti usvike kuchaita kuti ubate nguva.”a

Vamwe vanofanira kuita humwe urongwa kuti vakurumidze kupedza basa kuitira kuti vasvike pamisangano yeungano nenguva. Izvi ndizvo zvakaita chimwe Chapupu chokuEthiopia pachakaona kuti chaizononoka kumisangano nemaminitsi 45 nokuti aishanda basa raaiita zvokuchinjana nevamwe. Akakumbira aimuchinja kuti ati kurumidzei kuuya kana ari manheru emisangano. Chapupu chacho chakazobvumawo kushandira mumwe wacho pane rimwe zuva zvichiita kuti awedzere maawa manomwe pane aanowanzoshanda.

Kana tiine vana vaduku, kusvika pamisangano nenguva ibasa chairo. Kazhinji amai ndivo vanofanira kuona kuti vana vageza uye vapfeka here, asi vamwe vomumhuri vanogona kubatsirawo uye ndizvo zvavanofanira kuita. Vamwe amai vokuMexico vanonzi Esperanza vari kurera vana vavo vasere vari voga. Iye zvino vana ava vari pamazera ari pakati pemakore 5 kusvika 23. Esperanza anotsanangura kuti anozvigona sei kuti abate nguva achiti: “Vanasikana vangu vakuru vanobatsira kuona kuti vadiki vose vageza uye vapfeka here. Izvi zvinondibatsira kuti ndipedze mabasa angu omumba uye ndigadzirire kuenda kumisangano nenguva.” Mhuri iyi yakaronga nguva yokubva pamba uye mumwe nomumwe wavo anobatsirawo kuti vabate nguva.

Kubatsirwa Nokubata Nguva Pamisangano YechiKristu

Tinonzwa tichida kuita zvose zvatinogona kuti tibate nguva kana tikafunga nezvezvikomborero zvatinowana nokusvika kumisangano yechiKristu nenguva. Mumwe mudzimai wechiduku anonzi Sandra uyo anogara achisvika pamisangano nenguva anoti: “Ndinofarira kusvika pamisangano nenguva nokuti ndinowana mukana wokukwazisana nehama nehanzvadzi, kutaura navo, uye kuzivawo nezvoupenyu hwavo.” Patinokurumidza kusvika paImba yoUmambo, tinogona kubatsirwa nokunzwa nezvokutsungirira kwevanenge varipo uye basa ravo rinoratidza kutendeka. Kukurumidza kusvika kwatinoita uye kukurukura nehama nehanzvadzi nyaya dzinovaka kunovakurudzira kuti vave ‘nerudo nemabasa akanaka.’—VaH. 10:24, 25.

Rwiyo uye munyengetero wokutanga musangano wechiKristu zvinhu zvinokosha pakunamata kwedu. (Pis. 149:1) Nziyo dzedu dzinorumbidza Jehovha, dzinotiyeuchidza nezveunhu hwatinofanira kuva nahwo, uye dzinotikurudzira kuti tinyatsofara patinenge tiri muushumiri. Ko munyengetero wokutanga unotibatsira sei? Makare kare Jehovha aidana temberi yake kuti “imba yokunyengeterera.” (Isa. 56:7) Nhasi tinoungana kuti tinyengetere kuna Mwari pamisangano yedu. Munyengetero wokutanga hausingori wokuti tikumbire kutungamirirwa naJehovha nomudzimu mutsvene asi unotibatsirawo kuti pfungwa dzedu uye mwoyo yedu zvigadzirire zvatinenge tava kuda kunzwa. Tinofanira kuedza nepatinogona napo kuti tisvike kumisangano nenguva rwiyo rwokutanga nomunyengetero zvisati zvaitwa.

Helen, ane makore 23, anotaura nezvezvakanakira kukurumidza kusvika kumisangano achiti: “Ndinofunga kuti ndiyo nzira yokuratidza kuda kwandinoita Jehovha, sezvo zvose zvinoitwa ipapo, zvinosanganisira rwiyo nomunyengetero wokutanga, huri urongwa hwake.” Haasiri iwo maonero atinofanira kuva nawo here? Zvechokwadi ndizvo zvatinofanira kuita. Saka ngatiedzei kuva netsika yokubata nguva pazvinhu zvose zvatinoita, kunyanya zvine chokuita nokunamata Mwari wedu wechokwadi.

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Gadzirira pachine nguva

[Mufananidzo uri papeji 26]

Siyira nguva ‘yezviitiko zvisingafanoonekwi’

[Mifananidzo iri papeji 26]

Nakidzwa nezvikomborero zvinovapo kana ukakurumidza kusvika pamisangano

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe