RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/14 p. 2
  • Iva Netsika Yokubata Nguva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Netsika Yokubata Nguva
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakanakirei Kubata Nguva?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kubata Nguva
    Mukai!—2016
  • Kusvika Panguva Newe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ratidza Kuonga Imba yaMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 5/14 p. 2

Iva Netsika Yokubata Nguva

1. Jehovha anotiratidza sei muenzaniso pakubata nguva?

1 Jehovha anogara achibata nguva. Somuenzaniso, anobatsira vashumiri vake “panguva yakakodzera.” (VaH. 4:16) Anogoverawo zvokudya zvokunamata “panguva yakakodzera.” (Mat. 24:45) Saka tinogona kuva nechivimbo chokuti zuva rokutsamwa kwake riri kuuya ‘harizononoki.’ (Hab. 2:3) Tinobatsirwa chaizvo nokubata nguva kunoita Jehovha! (Pis. 70:5) Asi, sevanhu vane chivi vanogara vakabatikana, kubata nguva kunogona kutiomera chaizvo. Nei tichifanira kuva netsika yokubata nguva?

2. Nei kubata nguva kuchiita kuti Jehovha akudzwe?

2 Mumazuva ano okupedzisira, kubata nguva kwava chinhu chakaoma chaizvo nokuti vakawanda vanozvida uye havazvidzori. (2 Tim. 3:1-3) Saka, kana vaKristu vachibata nguva pavanoenda kubasa, pavanorangana nevamwe, uye kumisangano, vamwe vanhu vanozvicherechedza, uye zvinoita kuti Jehovha akudzwe. (1 Pet. 2:12) Tinowanzotanga basa redu rekunyika nenguva here, asi tononoka pane zvokunamata? Kubata nguva pamisangano yechiKristu, kusanganisira nziyo nemunyengetero zvokutanga, kunoratidza kuti tine chido chokutevedzera Baba vedu vokudenga vakarongeka.—1 VaK. 14:33, 40.

3. Nei kubata nguva kuchiratidza kuti tine hanya nevamwe?

3 Kubata nguva kunoratidzawo kuti tine hanya nevamwe. (VaF. 2:3, 4) Somuenzaniso, patinosvika pamisangano nenguva, kusanganisira misangano yebasa remumunda, hatizovhiringidzi vamwe vatinonamata navo. Asi kana tine tsika yekunonoka, zvichaita kuti vamwe vafunge kuti tinoona sekuti nguva yedu inokosha kupfuura yavo. Kubata nguva kunoratidza kuti tiri vanhu vanogona kuvimbwa navo, vanoshanda nesimba uye vakavimbika—unhu hunodiwa nevanhu vakatipoteredza.

4. Kana tichigara tichinonoka, tingavandudza sei?

4 Kana uchigara uchinonoka, fungisisa nezvezvikonzero zvacho. Ronga zvinhu zvako kupfurikidza nokuva nepurogiramu chaiyo ichakubatsira kuti uite zvinhu nenguva. (Mup. 3:1; VaF. 1:10) Kumbira Jehovha kuti akubatsire. (1 Joh. 5:14) Kubata nguva kunoratidzawo kuti tinonzwisisa zvinorehwa nemirayiro mikuru miviri, wokuda Mwari uye kuda muvakidzani wedu.—Mat. 22:37-39.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe