RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 9/1 pp. 5-9
  • Zvechokwadi Mabasa Akaipa Achaguma!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvechokwadi Mabasa Akaipa Achaguma!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu Vari Kuchinja Unhu Hwavo, Kunyange Iye Zvino
  • Pakupedzisira—Ruramisiro Nokuda Kwavose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Upenyu Hwaachaita Kuti Huvepo
    Mukai!—2007
  • Mazuva Okunamata Satani Ava Mashomanene
    Mukai!—1994
  • Rarama Nokusingaperi Muparadhiso Yapasi
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 9/1 pp. 5-9

Zvechokwadi Mabasa Akaipa Achaguma!

MWARI akatipa Shoko rake rakafuridzirwa, iro rinoratidza zvinoita kuti vanhu vaite zvakaipa. Akatipawo rusununguko rwokusarudza zvatinoda uye kuzvidzora, izvo zvinoita kuti tigone kusarudza kuita zvinhu zvakanaka. (Dheuteronomio 30:15, 16, 19) Kuziva izvi kunogona kutibatsira kuti tione mafungiro akaipa atingava nawo tobva tatora matanho okuagadzirisa. Pakupedzisira, patinorega kuita zvakaipa zvichaita kuti tifare uye tichafadzawo vatinogara navo.—Pisarema 1:1.

Kunyange zvakadaro, nyangwe tikaedza sei kusaita zvakaipa, nyika iri kuramba ichizara nezvakaipa zvinoitwa nevamwe vedu. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Ziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.” Kuratidza chinoita kuti mazuva acho ave ‘akaoma kubata nawo,’ ndima yacho inoenderera mberi ichiti: “Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo; usiyane naivava.”—2 Timoti 3:1-5.

Zvimwe waona mashoko okuti “mazuva okupedzisira” muuprofita hwataurwa pamusoro apa. Mashoko aya anorevei kwauri? Kungotaura kuti “mazuva okupedzisira,” zvinobva zvangouya mumusoro ndezvokuti chimwe chinhu chava kusvika kumugumo. Chingava chii ichocho? Ona zvinovimbiswa naMwari muShoko rake.

Vanhu vanoita zvakaipa vachatsakatiswa.

“Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—PISAREMA 37:10, 11.

“Jehovha anorinda vose vanomuda, asi achatsakatisa vakaipa vose.”—PISAREMA 145:20.

Zvokudzvinyirirana zvinenge zvapera.

“Achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba.”—PISAREMA 72:12, 14.

“Zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—VAROMA 8:21.

Mwari achapa vanhu zvose zvavanoda pakurarama.

“Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa.”—MIKA 4:4.

“Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya. Nokuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva omuti; uye vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere.”—ISAYA 65:21, 22.

Pachange pane kururamisira.

“Saka, Mwari haangaiti here kuti vakasarudzwa vake vanoshevedzera kwaari masikati nousiku varuramisirwe . . . ? Ndinokuudzai, Iye achaita kuti vakurumidze kururamisirwa.”—RUKA 18:7, 8.

“Jehovha anoda kururamisira, haazosiyi vakavimbika vake. Vachachengetedzwa nokusingagumi.”—PISAREMA 37:28.

Munyika muchazara nokururama.

“Vagari vomunyika inobereka vachadzidza kururama.”—ISAYA 26:9.

“Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.”—2 PETRO 3:13.

Vanhu Vari Kuchinja Unhu Hwavo, Kunyange Iye Zvino

Ichokwadi kuti tose tichafadzwa nezviri kuvimbiswa izvi. Asi tinoziva sei kuti zvichanyatsoitika? Chokwadi ndechokuti zviri kutoitika iye zvino zvinoratidza kuti zvinovimbiswa naMwari zvichaitika zvechokwadi. Tinozviziva sei? Nokuti mamiriyoni evanhu nhasi pasi rose akakwanisa kusiya tsika dzakadai sekuda kungoita zvakavanakira ivo, unzenza, kuita zvokungorwisana vakapedzisira vava vanhu vakatendeseka, vane rugare uye vane mutsa. Kubvira kare nakare zvinhu zvinokonzera kuti pave neruvengo, kurwisana uye kuurayana, zvinosanganisira kusiyana kwemadzinza, kwerudzi, mitauro, nyaya dzoupfumi uye zvematongerwo enyika. Nhasi uno Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni manomwe ihama dzakabatana pasi rose pasinei nezvipingamupinyi zvataurwa izvi.a Kuchinja kuri kuitika uku nhasi kunoita kuti tinyatsova nechokwadi chokuti zvakavimbiswa naMwari zvichazadzika pasi rose.

Chii chinoita kuti pave nokuchinja uku? Mhinduro tinoiwana kubva pane imwe vimbiso iri muBhaibheri yakanyorwa nomuprofita Isaya. Akati:

“Mhumhi ichagara negwayana gono kwenguva duku, ingwe icharara pasi nembudzana, mhuru nomwana weshumba ava nezenze nemhuka yakakodzwa pamwe chete; uye mukomanawo zvake muduku achazvitungamirira. . . . Kunyange shumba ichadya uswa senzombe. Mwana anoyamwa achatamba pamwena wemhungu; uye mwana akarumurwa achaisa ruoko rwake muburi rinopinza chiedza mumwena wenyoka ine uturu. Hazvizombokuvadzi kana kumboparadza pagomo rangu rose dzvene; nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.”—Isaya 11:6-9.

Uprofita uhwu huri kungofanotaura nguva iyo mhuka dzichagarisana zvakanaka nevanhu here? Aiwa, hazvingogumiri ipapo. Cherechedza kuti mashoko okupedzisira orugwaro rwacho anoratidza chichaita kuti zvinhu zvichinje paanoti: “Nyika ichazara nokuziva Jehovha.” Kuziva Mwari kunoita kuti mhuka dzichinje mafungiro adzo here? Hazvifi zvakaita. Asi vanhu ndivo vanogona kuchinja. Uprofita uhwu hunoreva kuti vaya vaimbova neunhu hwakafanana nemhuka vachahusiya vova neunhu hwakafanana nehwaKristu pamusana pokudzidza kwavanenge vachiita uye kuita zvinodzidziswa neBhaibheri.

Chimboona muenzaniso waPedro.b Paakabatana nerimwe sangano remagandanga aifunga kuti akanga ari kurwira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka. Pashure pokunge adzidziswa basa remagandanga, akaudzwa kuti aende kunobhomba imwe kamba yemapurisa. Paakanga achigadzirira kunobhomba, akabva asungwa. Pedro akapedza mwedzi 18 ari mujeri, maakaramba achiedza kuda kupidigura hurumende. Pedro paakanga ari mujeri, mudzimai wake akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Paakangobuda mujeri, Pedro akatangawo kudzidza Bhaibheri, uye zvaakadzidza nezvaJehovha Mwari zvakaita kuti achinje chaizvo mararamiro aaiita uye maonero aaiita upenyu. Pedro anoti, “Ndinotenda Jehovha kuti handina kumbouraya kana munhu mumwe chete zvake mumakore ose andaiva gandanga. Iye zvino ndava kushandisa bakatwa remudzimu, Bhaibheri, kuti ndiudze vanhu nezverugare rwechokwadi uye kururamisira, kureva mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.” Pedro akamboshanyira kamba iya yemapurisa yaaida kubhomba achida kuvaudzawo mashoko ane chokuita norugare uye nezvenyika isina zvokurwisana.

Simba rine Shoko raMwari rinogona kuita kuti vanhu vachinje. Izvozvo zvinoita kuti tive nokutenda kwakasimba muna Mwari kuti zvaakavimbisa zvokuti zvinhu zvose zvakaipa zvichaguma zvechokwadi zvichazadzika. Zvechokwadi, vanhu havazorambi vachiita zvinhu zvakaipa asi kuti vanenge vava vanhu kwavo. Kwasara nguva pfupi kuti Jehovha abvise honzeri yezvakaipa, Satani Dhiyabhorosi, uyo ari kutungamirira zviri kuitika munyika. Bhaibheri rinoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Munguva pfupi anenge asisipo. Vamwewo vachaparadzwa ndeavo vanoomesa musoro vasingadi kusiya mararamiro avo akaipa. Zvichange zvichinakidza sei kurarama munyika yakadaro!

Kuti munhu akwanisewo kurarama munyika iyi anofanira kuita sei? Yeuka kuti “kuziva Jehovha” ndiko kuri kuita kuti vanhu nhasi vachinje uye ndiko kuchaita kuti zvinhu zvichinje pasi rose mune remangwana. Kana ukava nezivo yakarurama iri muBhaibheri uye ukaita zvarinotaura sezvakaitwa naPedro, iwewo unogona kutarisira kurarama munyika ichagara “kururama.” (2 Petro 3:13) Naizvozvo tinokukurudzira kuti ushandise mukana uchiripo kuti uwane zivo pamusoro paMwari naJesu Kristu, nokuti kuita izvozvo kunoita kuti uwane upenyu husingaperi.—Johani 17:3.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uchida mamwe mashoko, ona bhurocha rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Ndivanani? Zvinodavirei? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

b Zita rakachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

Iwewo unogona kutarisira kurarama munyika ichagara “kururama.”

—2 PETRO 3:13

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe