RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 9/1 p. 25
  • Kaini akawanepi mudzimai wake?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kaini akawanepi mudzimai wake?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Mudzimai waKaini Aiva Ani?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mukoma Nomunun’una Vakava Nemafungiro Akasiyana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Hasha Dzakaita Kuti Apedzisire Auraya
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kupa Zvibayiro Zvinogamuchirwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 9/1 p. 25

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Kaini akawanepi mudzimai wake?

▪ “Kana Adhamu naEvha vakanga vane vanakomana vaviri, Kaini naAbheri, mudzimai waKaini akabvepi?” Kunyange hazvo mubvunzo uyu uchiwanzobvunzwa nevanhu vanoshora Bhaibheri, Bhaibheri haridonongodzi zvose kuti tiwane mhinduro inogutsa.

Zvitsauko 3 ne4 zvaGenesisi zvinotiudza kuti: (1)Evha ndiye “amai vevanhu vose vapenyu.” (2) Pakapera makore akawanda kubva pakaberekwa Kaini uye paakapa chibayiro chake chakarambwa naMwari. (3) Adzingwa uye ava “mudzungairi nomupoteri,” Kaini aitya kuti ‘ani naani achamuwana’ angaedza kumuuraya. (4) Mwari akabva aisa chiratidzo chokudzivirira Kaini, chairatidza kuti hapana vanun’una kana dzimwe hama dzake dzaifanira kumuuraya. (5) “Pashure paizvozvo,” Kaini akarara nomudzimai wake “munyika yoKupotera.”—Genesisi 3:20; 4:3, 12, 14-17.

Kubva pane zviri pamusoro apa, tinoona kuti mudzimai waKaini aiva mumwe wevana vaEvha akaberekwa panguva yatisingazivi. Genesisi 5:4 inoratidza kuti pamakore 930 aakararama, Adhamu “akabereka vanakomana nevanasikana.” Ichokwadi kuti Bhaibheri harinyatsotauri kuti mudzimai waKaini aiva mwanasikana waEvha. Kutaurwa kunoitwa mudzimai waKaini pashure pokunge papera makore akawanda Kaini adzingwa, kunoratidza kuti angadaro aiva mumwe wevazukuru vaAdhamu naEvha. Ndokusaka shanduro yeThe Amplified Old Testament ichirondedzera mudzimai waKaini ‘somumwe wevana vaAdhamu.’

Mumwe anoongorora Bhaibheri womuzana remakore rechi19 anonzi Adam Clarke anofungidzira kuti chiratidzo chakaiswa naMwari kuitira kuti Kaini asaurayiwe yaive nyaya yokuti kwakanga kwatova nezvizvarwa zvevazukuru vaAdhamu, izvo zvaitokwana “kuumba misha yakati kuti.”

Kutaura kuti Kaini akaroora hanzvadzi yake kana kuti munhukadzi aiva muzukuru waAdhamu kubva kuvanakomana kana kuti vanasikana vaAdhamu zvinoonekwa nevakawanda sokuti hazvitomboiti. Vanodaro nokuti vanoti zvinoyera mutsika dzavo uye vanotya kuti unobereka vana vakaremara. Achitaurawo pfungwa dzake mubhuku rinonzi The Narrated Bible in Chronological Order, F. LaGard Smith anoti: “Zvinoratidza kuti vanhu vokutanga-tanga ava vairoorana hanzvadzi nehanzvadzi, pasinei nokuti izvi zvaizoonekwa sezvisingaiti muzvizvarwa zvaizotevera.” Uyewo kusvikira apo Mosesi akapiwa mitemo naMwari yairambidza rudzi rwaIsraeri kurara nehama yepedyo muna 1513 B.C.E., zvinoratidza kuti zvakanga zvisina kushata.—Revhitiko 18:9, 17, 24.

Mazuva ano pava nezviuru zvemakore kubva pakatadza vabereki vedu vokutanga. Kuroorana nehama yepedyo kunogona kuita kuti ubereke mwana akaremara kana kuti ane zvirwere asi kune vanhu vokutanga hapana dambudziko raivapo. Uyezve ongororo dzakaitwa munguva pfupi yapfuura, dzakaita seyakabudiswa muJournal of Genetic Counseling, dzinoratidza kuti kana hanzvadzi nehanzvadzi dzekwanaamainini kana babamunini dzikaroorana kashoma kubereka mwana akaremara sezvinofungwa nevakawanda. Kutaura zvazviri, nyaya idzi dzakanga dzisina basa panguva yakararama Adhamu uye tisati tasvika mumazuva aNoa. Saka tinogona kugumisa kuti mudzimai waKaini aiva mumwe wehama dzake dzechikadzi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe