Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira kuva nechitendero chandinopinda here?
▪ Unyengeri uye mazvake-mazvake anoitwa nevanhu vanoenda kumachechi nevafundisi vavo zvinokusembura zvokuti unozeza kuva nechitendero chaunopinda here? Kana zvakadaro, chirevo chokuFrance chingaratidza mafungiro aunoita. Chinoti, “Kazhinji uya ari pedyo nechechi ari kure naMwari.”
Zvimwe unoremekedza zvinotaurwa neBhaibheri uye unoona sokuti hurumende nevamwe vanhu vanofanira kuremekedza kodzero dzomumwe nomumwe dzokuti aende kuchitendero chaanoda. Asi ungadaro uchinetseka kuti, ‘Mwari anonyatsotaura here kuti vaya vanoda kumunamata vanofanira kunge vane chitendero chavanopinda?’
Mhinduro ndeyokuti hongu. Nei tichidaro? Uye zvinoreva here kuti chero chitendero chawapinda chakanaka?
Ngatimboongororai zvakaitwa naJesu. Aiva nechitendero chaaipinda here? Paaiva muduku, Jesu aibatana nemhuri yake yechiJudha nevamwe vaiva netsika yokuenda kutemberi yaiva kuJerusarema kuti vanonamata. (Ruka 2:41-43) Jesu paakanga akura ainamata Mwari pamwe chete nevamwe vaJudha pasinagogi yaiva kwavaigara. (Ruka 4:14-16) Paaitaura nemumwe mukadzi aipinda chitendero chakasiyana nechake, akati: “Isu tinonamata chatinoziva.” (Johani 4:22) Apa Jesu akaratidza pachena kuti aipinda chitendero chechiJudha.
Pava paya, Jesu akataura kuti pamusana pokuti rudzi rwevaJudha rwakamuramba, Mwari aizoramba manamatiro avo akanga asina kunaka. (Mateu 23:33–24:2) Zvisinei, akaratidza kuti vaya vanoda kunamata zvinogamuchirwa naMwari vaizofanira kuva nechitendero chavanopinda. Akaudza vateveri vake kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Kuti mudzidzi waJesu aratidze vamwe rudo aizofanira kunge achiwadzana nevamwe. Jesu akatoenzanisa zvitendero nemigwagwa miviri. Mumwe wacho akauti “mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa.” Mumwe wacho akauti: “Gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.”—Mateu 7:13, 14.
Saka zviri pachena kuti hazvisi zvitendero zvose zvakanaka. Bhaibheri rinonyevera kuti hazvina kunaka kubatana nevaya “vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.” Shoko raMwari rinopfuurira richiti, “usiyane naivava.” (2 Timoti 3:5) Asiwo kana tikaziva vaya vari mumugwagwa unoenda kuupenyu uye tikawadzana navo tichabatsirwa chaizvo. Tichakurudzirwa uye kutsigirwa iye zvino uye tichawana tariro yechokwadi yeramangwana.—VaHebheru 10:24, 25.
Ungaziva sei kuti chitendero ichi ndiwo mugwagwa wakatetepa? Wadii kuona mhinduro dzinobva muBhaibheri dziri muchitsauko 15 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a Bhuku iroro richakubatsira kuti unyatsosarudza zvakanaka chitendero chechokwadi chaunofanira kupinda.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.