Swedera Pedyo naMwari
Anoziva “Mwoyo Yevanakomana Vevanhu”
NDIANI wedu asina kumbomomoterwa nematambudziko nenhamo dzoupenyu? Dzimwe nguva, zvingaita sokuti hapana anonyatsonzwisisa nhamo dzedu kana kuti kushushikana kwatinoita mupfungwa. Asi pane mumwe munhu anonyatsonzwisisa manzwiro atinoita—Jehovha Mwari. Tinogona kunyaradzwa nemashoko aSoromoni, atinowana pana 2 Makoronike 6:29, 30.
Soromoni ari kunyengetera pakutsaurirwa kwetemberi muJerusarema muna 1026 B.C.E. Mumunyengetero wake uyo ungadaro wakareba maminitsi gumi, Soromoni anorumbidza Jehovha achiti ndiMwari akavimbika, Muzadzisi wezvipikirwa, uye Munzwi womunyengetero.—1 Madzimambo 8:23-53; 2 Makoronike 6:14-42.
Soromoni anokumbira Mwari kuti anzwe kuteterera kwevanamati vake. (Ndima 29) Kunyange zvazvo Soromoni achitaura nezvematambudziko akawanda (ndima 28), anotaura kuti munamati mumwe nomumwe anoziva “dambudziko rake nokurwadziwa kwake.” Mumwe anogona kushushikana nechimwe chinhu asi mumwe anogona kuva nechakewo chinenge chichimunetsa.
Chero zvazvingava, vanhu vanotya Mwari vanofanira kuyeuka kuti vane anovabatsira pamatambudziko avo. Paanenge achinyengetera, Soromoni anofunga nezvemunamati anenge ‘akatambanudza zvanza zvake’ achinyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose.a Zvichida Soromoni anoyeuka kuti baba vake Dhavhidhi pavakanga vachishungurudzika chaizvo vakati: “Kanda mutoro wako pana Jehovha.”—Pisarema 55:4, 22.
Jehovha achapindura sei kuteterera kwomwoyo wose kwokukumbira kubatsirwa? Soromoni anoteterera Jehovha achiti: “Inzwai muri kumatenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara, mukanganwire uye mupe mumwe nomumwe zvinoenderana nenzira dzake dzose.” (Ndima 30) Soromoni anoziva kuti “Munzwi womunyengetero,” ane hanya nomumwe nomumwe wevanamati vake kwete seboka chete. (Pisarema 65:2) Jehovha anopa rubatsiro runodiwa, kusanganisira kukanganwira mutadzi anodzoka kwaari nomwoyo wake wose.—2 Makoronike 6:36-39.
Chii chinoita kuti Soromoni ave nechokwadi chokuti Jehovha achapindura kuteterera kwomunamati anopfidza? Achienderera mberi nomunyengetero wake, Soromoni anoti: “Nokuti [Jehovha] munoziva mwoyo wake (nokuti imi moga ndimi munonyatsoziva mwoyo yevanakomana vevanhu).” Jehovha anoziva dambudziko kana kuti kurwadziwa mumwoyo kunoita munamati wake akatendeka, uye ane hanya nokushungurudzika kwake.—Pisarema 37:4.
Tinogona kunyaradzwa nomunyengetero waSoromoni. Vanhu vakaita sesu havangagoni kunyatsonzwisisa zviri kutsi kwemwoyo yedu, kureva kuti ‘dambudziko redu nokurwadziwa kwedu.’ (Zvirevo 14:10) Asi Jehovha anoziva zviri mumwoyo medu uye ane hanya nesu chaizvo. Kana tikanyengetera tichimutaurira zviri kutsi kwemwoyo yedu, zvichava nyore kutsungirira matambudziko edu.Bhaibheri rinoti: “Muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.”—1 Petro 5:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Munguva inotaurwa muBhaibheri, ‘kutambanudza zvanza,’ kusimudza maoko akatarisa mudenga, chaiva chiratidzo chokunyengetera.—2 Makoronike 6:13.