RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 2/1 pp. 25-26
  • Aidiwa naMwari Uye Neshamwari Dzake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Aidiwa naMwari Uye Neshamwari Dzake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Akafadza baba vake naJehovha
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Chipikirwa chaJefta
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kutendeka Kunoita Kuti Tifarirwe naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Jefta Anoita Sezvaakapika Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 2/1 pp. 25-26

Dzidzisa Vana Vako

Aidiwa naMwari Uye Neshamwari Dzake

HAPANA anoziva zita rake. Zita rababa vake rokuti Jefta ndiro rinozivikanwa chete. Ngativerengei muBhaibheri kuti tizive nezvevaviri ava. Tichaona kuti mwanasikana waJefta aidiwa naJehovha uye neshamwari dzake.

Tinogona kuverenga nezvaJefta nemwanasikana wake muBhaibheri pana Vatongi chitsauko 11. Sezvo Jefta aiva mushumiri waMwari akatendeka, hapana mubvunzo kuti aigara achikurukura Magwaro nemwanasikana wake.

Jefta akararama panguva iyo vanhu vaMwari, vaIsraeri, vakanga vasati vakumbira kuti pave namambo anovatonga. Jefta akanga ari murume akasimba aigona kurwa. Saka vaIsraeri vakamukumbira kuti avatungamirire kunorwisa vaAmoni, rudzi rwavaiva vakavakidzana narwo rwakanga rwuchirwisana navo.

Jefta aida kubatsirwa naMwari kuti akunde vaAmoni, saka akabva aita mhiko. Jefta akati kana Jehovha akaita kuti akunde, aizomupa munhu aizotanga kubuda achipemberera paanenge abva kunorwa. Munhu iyeye aizopedza upenyu hwake hwose ari patebhenekeri yaMwari, nzvimbo yainamatirwa Mwari panguva iyoyo. Unoziva here kuti ndiani akatanga kubuda?—a

Mwanasikana waJefta ufunge! Jefta akarwadziwa chaizvo. Mwana wake uyu aingova zai regondo. Jefta akanga aita mhiko kuna Jehovha saka aitofanira kuizadzisa. Mwanasikana wake akabva angoti: “Baba vangu, kana mashama muromo wenyu kuna Jehovha, ndiitirei maererano nezvabuda mumuromo menyu.” Akabva akumbira kuti vanhu vambomusiya ari oga kwemwedzi miviri kuitira kuti aende kumakomo kunochema. Ainochemei? Mhiko yakanga yaitwa nababa vake yaireva kuti akanga asingachakwanisi kuzoroorwa uye kuva nevana. Kunyange zvakadaro haana kukoshesa zvido zvake. Aida kuteerera baba vake uye kuvimbika kuna Jehovha. Unofunga kuti akaita kuti Jehovha uye baba vake vafare here?—

Saka Jefta akasiya mwanasikana wake achienda kwemwedzi miviri ane shamwari dzake dzechisikana. Paakadzoka, baba vake vakaita zvavakanga vatsidza nokumuendesa kutemberi yaMwari yaiva kuShiro kwoupenyu hwake hwose. Gore negore vakadzi vechiduku vechiIsraeri vaienda kuShiro uye vainokurudzira mwanasikana waJefta.

Unoziva here vechiduku vanoteerera vabereki vavo uye vanoda Jehovha?—Zvakanaka kuziva vechiduku ivavo wobva washamwaridzana navo. Kana ukatevedzera zvakaitwa nemwanasikana waJefta uye ukateerera wova munhu akavimbika, uchava neshamwari dzakanaka. Uchaita kuti vabereki vako vafare uye Jehovha achakudawo.

Verenga muBhaibheri rako

  • Dheuteronomio 6:4-6

  • Vatongi 11:30-40

  • 1 VaKorinde 7:37, 38

a Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira uye umukurudzire kuti ataurewo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe