RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yc chidzidzo 4 pp. 10-11
  • Akafadza baba vake naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akafadza baba vake naJehovha
  • Dzidzisai Vana Venyu
  • Mashoko Akafanana
  • Aidiwa naMwari Uye Neshamwari Dzake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Chipikirwa chaJefta
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kutendeka Kunoita Kuti Tifarirwe naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Vimbiso yaJefta
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Dzidzisai Vana Venyu
yc chidzidzo 4 pp. 10-11
Jefta aine mwanasikana wake paainge achiri muduku

CHIDZIDZO 4

Akafadza Baba Vake naJehovha

Jefta achinyengetera kuna Jehovha masoja evaIsraeri achirwisa vavengi vavo

Jefta ari kuvimbisa Jehovha kutii?

Jefta anodzokera kumba achibva kuhondo, ombundira mwanasikana wake auya kuzomutambira

Zvaisava nyore, asi mwanasikana waJefta akaita zvakavimbiswa nababa vake

Uri kuona here musikana ari pamufananidzo?— Mwanasikana wemurume anonzi Jefta. Bhaibheri haritiudzi zita rake, asi tinoziva kuti akafadza baba vake naJehovha. Ngatidzidzei nezvake uye nezvababa vake, Jefta.

Jefta aiva murume akanaka uye aitora nguva yakawanda achidzidzisa mwanasikana wake nezvaJehovha. Aivawo murume akasimba uye mutungamiriri akanaka. Saka vaIsraeri vakamukumbira kuti avatungamirire pakurwisa vavengi vavo.

Jefta akanyengeterera kubatsirwa naMwari kuti akunde. Jefta akavimbisa kuti kana akakunda, aizopa Jehovha munhu aitanga kubuda muimba yake paaidzoka kumba. Munhu uyu aizogara uye aizoshanda patebhenekeri yaMwari kweupenyu hwake hwose. Tebhenekeri yaiva nzvimbo yaienda vanhu kunonamata Mwari kare ikako. Jefta akakunda pakurwisana kwacho! Unoziva here kuti ndiani akatanga kubuda muimba yake paakadzoka kumba?—

Aiva mwanasikana waJefta! Ndiye chete aiva mwana wake, uye iye zvino Jefta aizofanira kumurega achienda. Izvi zvakaita kuti Jefta asuruvare zvikuru. Asi yeuka kuti ane zvaainge avimbisa. Pakarepo, mwanasikana wake akati: ‘Baba, mune zvamakavimbisa Jehovha, saka munofanira kuzviita.’

Mwanasikana waJefta achiunganidza huni patebhenekeri; shamwari dzake dzauya kuzomuona

Gore negore, shamwari dzemwanasikana waJefta dzaimushanyira

Mwanasikana waJefta akasuruvarawo. Patebhenekeri, aisagona kuroorwa ova nevana. Asi aida chaizvo kuita zvakavimbiswa nababa vake uye kufadza Jehovha. Izvozvo zvainyanya kukosha kwaari kupfuura kuroorwa kana kuva nevana. Saka akabva pamba akanogara kutebhenekeri kweupenyu hwake hwose.

Unofunga kuti zvaakaita zvakafadza baba vake naJehovha here?— Zvakavafadza! Kana uchiteerera uye uchida Jehovha unogona kuva semwanasikana waJefta. Iwewo uchaita kuti vabereki vako naJehovha vafare zvikuru.

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO

  • Dheuteronomio 6:4-6

  • Vatongi 11:30-40

  • 1 VaKorinde 7:37, 38

MIBVUNZO:

  • Jefta aiva ani? Akavimbisei?

  • Nei zvainge zvakaomera mwanasikana waJefta kuita zvakavimbiswa nababa vake?

  • Chii chaida kuitwa nemwanasikana waJefta kupfuura zvinhu zvose?

  • Ungatevedzera sei mwanasikana waJefta?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe