RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 9/1 p. 15
  • “Haiwa Jehovha, . . . Munondiziva”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Haiwa Jehovha, . . . Munondiziva”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anosanotiziva!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mwari Anokuziva Chaizvoizvo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mwari Anokunzwisisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Jehovha—“Mupukunyutsi” Panguva Yainyorwa Bhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 9/1 p. 15

Swedera Pedyo naMwari

“Haiwa Jehovha, . . . Munondiziva”

“HAPANA chinhu chinorema sokuziva kuti hapana munhu anokuda kana ane hanya newe.”a Wakambonzwawo saizvozvo here? Wati wamboona sokuti hapana munhu anonzwisisa dambudziko rako kana kuti ane hanya naro here, uye kuti hapana anotombonzwisisa manzwiro auri kuita? Kana zvakadaro, nyaradzwa nokuziva izvi: Jehovha ane hanya chaizvo nevanamati vake zvokuti anoona zvose zvinoitika kwavari zuva nezuva. Mashoko aDhavhidhi ari pana Pisarema 139 anotivimbisa kuti pfungwa iyoyo ndeyechokwadi.

Aine chivimbo chokuti Mwari ane hanya naye, Dhavhidhi anoti: “Haiwa Jehovha, makandiongorora, uye munondiziva.” (Ndima 1) Pano Dhavhidhi anoshandisa shoko rinonyatsobudisa pfungwa yacho. Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “ongorora” rinogona kureva kuchera dombo rinokosha (Jobho 28:3), kusora nzvimbo (Vatongi 18:2), kana kuti kuongorora nyaya iri mudare (Dheuteronomio 13:14). Chokwadi Jehovha anonyatsotiziva zvokuti anoita seari kunyatsoongorora zvose zvatinoita. Dhavhidhi paanoshandisa shoko rokuti “munondiziva,” ari kutidzidzisa kuti Mwari anoda mushumiri wake mumwe nomumwe. Anoongorora mumwe nomumwe wavo osvika pakumuziva.

Dhavhidhi anowedzera mamwe mashoko anoratidza kuti Mwari anonyatsoongorora, paanoti: “Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu. Makanzwisisa kufunga kwangu muri kure.” (Ndima 2) Nemamwe mashoko, Jehovha anogara “kure” kumatenga. Asi anoziva patinogara pasi, zvichida pakunyura kwezuva ratinenge taswera takangomira, uye anoziva patinomuka mangwanani totanga kuita mabasa edu. Anozivawo zvatinofunga, zvatinoda, uye zvatinoronga kuzoita. Dhavhidhi anotya here kunyatsoongororwa naJehovha saizvozvo? Aiwa, ndiye anotokumbira kuongororwa naye. (Ndima  23, 24) Sei zvakadaro?

Dhavhidhi anoziva kuti Jehovha ane vavariro yakanaka yokuongorora zvinoitwa nevanamati vake. Anotaura nezvevavariro iyi achinyora kuti: “Makayera kufamba kwangu nokuzvambarara kwangu, kunyange nzira dzangu dzose munodziziva.” (Ndima 3) Zuva nezuva Jehovha anoona ‘nzira dzedu dzose,’ kureva zvatinokanganisa nezvakanaka zvatinoita. Anonyanya kutarisa zvakaipa here kana kuti zvakanaka? Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “yera” rinogona kureva “kusefa” kana kuti “kuurutsa,” sezvinoita murimi anourutsa hundi isingabatsiri kwosara zviyo chaizvo. Shoko rokuti “munodziziva” rinoshandurwa kubva pashoko rechiHebheru rinogona kureva kuti “kuda chinhu.” Jehovha paanoongorora zvinhu zvinotaurwa uye zvinoitwa nevanhu vanomunamata zuva nezuva, anokoshesa zvakanaka zvacho. Sei achidaro? Anokoshesa zvose zvavanoita kuti vamufadze.

Pisarema 139 rinotidzidzisa kuti Jehovha ane hanya chaizvo nevanomunamata. Anovaongorora uye anovatarisira mumararamiro avo zuva nezuva. Saka anoziva matambudziko avanotarisana nawo, uye anonzwisisa kuti matambudziko aya anoita kuti varwadziwe mumwoyo nomupfungwa. Haunzwi uchida kunamata Mwari ane hanya zvakadaro here? Kana uchinzwa saizvozvo, iva nechokwadi cheizvi: Jehovha haazombofi ‘akakanganwa basa rako norudo rwawakaratidza nokuda kwezita rake.’—VaHebheru 6:10.

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna September:

◼ Pisarema 119-150

[Mashoko Omuzasi]

a Mashoko aya akataurwa naArthur H. Stainback.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe