Chokwadi nezveAmagedhoni
‘Mweya yemadhimoni . . . inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose . . . , ipapo vakaunganidza madzimambo pamwe chete panzvimbo inonzi nechiHebheru Amagedhoni.’ (Tisu tatsveyamisa mashoko.)—ZVAKAZARURWA 16:14, 16, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.
AMAGEDHONI iyo inowanzonzi Harmagedhoni, izita renzvimbo. Asi zvinoita sokuti nzvimbo iyi haina kumbobvira yavapo panyika.
Saka shoko rokuti “Amagedhoni” rinomborevei chaizvo? Sei richiwanzotaurwa pazviitiko zvakaita sehondo?
Vakaunganidzwa Panzvimbo Inonzi Amagedhoni
Shoko rechiHebheru chepakutanga rokuti Harmagedhoni rinoreva kuti “Gomo reMegidho.” Kunyange zvazvo pasina kumbova negomo rinonzi Megidho, kune nzvimbo ine zita iroro. Nzvimbo iyi iri paisangana migwagwa miviri yakakura, kuchamhembe kwakadziva kumadokero kwenzvimbo yaigarwa nevaIsraeri vekare. Pedyo nenzvimbo iyi pairwiwa hondo dzokukunda zvine mutsindo. Izvi zvakaita kuti kana vanhu vakanzwa zita rokuti Megidho vafunge nezvehondo.a
Zita rokuti Megidho harinei nokuti ihondo dzipi dzakarwiwa imomo asi kuti nei dzairwiwa. Megidho yaiva chikamu cheNyika Yakapikirwa iyo Jehovha Mwari akapa vaIsraeri. (Eksodho 33:1; Joshua 12:7, 21) Akapikira vaIsraeri kuti aizovadzivirira kana vaizorwiswa uyewo ndizvo zvaakaita. (Dheuteronomio 6:18, 19) Somuenzaniso, paiva paMegidho apo Jehovha akadzivirira vaIsraeri nenzira inoshamisa pauto raida kuvapamba ramambo wevaKenani Jabhini nemukuru weuto rake Sisera.—Vatongi 4:14-16.
Saka shoko rokuti Amagedhoni rine zvarinofananidzira zvakakura. Rinopa pfungwa yemauto ane simba ari kutatsurana zvakasimba.
Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezvenguva pfupi iri kuuya, apo Satani nemadhimoni vachafurira hurumende dzevanhu kuti dziunganidze mauto adzo, uye vachashandisa chisimba kuti vakanganise vanhu vaMwari nebasa ravo. Kurwisa kwavo kuchaguma norufu rwemamiriyoni evanhu nokuti Mwari achakunda vapambi ava.—Zvakazarurwa 19:11-18.
Asi nei Mwari achizouraya vanhu vakawanda kudaro nepo iye achirondedzerwa neBhaibheri saMwari “ane ngoni, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo?” (Nehemiya 9:17) Kuti tinzwisise maitiro aMwari panyaya iyi, tinofanira kunzwisisa mhinduro dzemibvunzo mitatu inotevera: (1) Ndiani achatanga hondo yacho? (2) Chii chichaita kuti Mwari apindire? (3) Kurwisana uku kuchaita kuti zvinhu zvimire sei panyika nevanhu vari mairi?
1. NDIANI ACHATANGA HONDO YACHO?
Hondo yeAmagedhoni hausi utsinye hwaMwari hwokungoda kuuraya vanhu nechisimba. Iye achatozopindira kuti anunure vanhu vakanaka mumaoko evaya vanenge vachida kuvatsakatisa. “Madzimambo enyika yose inogarwa,” kureva vatongi venyika, ndiwo achatanga chisimba ichi. Nei vachizorwisa vanhu vaMwari? Satani achafurira hurumende nemauto adzo kuti dziite zvose zvadzinogona pakurwisa vanamati vaJehovha Mwari.—Zvakazarurwa 16:13, 14; 19:17, 18.
Kana tichitarisa kurwira kuri kuita vanhu kutaura maonero avo uye kunamata vakasununguka mune dzimwe nyika mazuva ano, zvingaita sokuti hurumende hadzisi kuzombonetsa kana kuti kuedza kurambidza masangano ezvokunamata. Kunyange zvakadaro, kurwisa uku kwakamboitika muzana remakore rechi20 uye kuri kutoitika.b Zvisinei, kurwiswa kwakaitwa machechi kwakasiyana nekuchaitwa pedyo neAmagedhoni munzira dzinenge mbiri. Yokutanga ndeyokuti kurwiswa kwacho kuchaitika munyika yose. Yechipiri, Jehovha Mwari achapindira zvaasina kumbobvira aita. (Jeremiya 25:32, 33) Bhaibheri rinorondedzera kurwisa kuchaita Jehovha hurumende nemauto adzo richiti “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.”
2. CHII CHICHAITA KUTI MWARI APINDIRE?
Jehovha anodzidzisa vanamati vake kuti vagarisane zvakanaka nevamwe, vachida vavengi vavo. (Mika 4:1-3; Mateu 5:43, 44; 26:52) Saka havasi kuzotsvaka zvombo kuti vazvidzivirire pakurwiswa uku kwoutsinye kuri kuuya. Kana Mwari akasapindira kuti adzivirire vanhu vake, ivo vachatsvairwa vose. Saka zita raJehovha kana kuti mukurumbira wake, zvinobva zvazvidzwa zvikuru. Uyewo kana vavengi vakatsakatisa vanhu vake, zvinobva zvaita sokuti Jehovha haana rudo, mutongi akaipa uye kuti haana simba. Izvozvo hazvimbofa zvakaitika!—Pisarema 37:28, 29.
Mwari hapana waanoda kuparadza, ndokusaka achinyevera pachena kuti chii chaachaita mune remangwana. (2 Petro 3:9) Ari kushandisa nhoroondo dziri muBhaibheri kuudza vanhu vose kuti iye akamborwira vanhu vake pavairwiswa. (2 Madzimambo 19:35) Bhaibheri rinoyambirawo kuti kana vanhu vaMwari vava kurwiswa naSatani nevanhu vake, Jehovha haasi kuzopeta maoko asi achaonesa vavengi vake chitsvuku. Shoko raMwari rakagara ratozvitaura kare kuti Jehovha achaparadza vakaipa. (Zvirevo 2:21, 22; 2 VaTesaronika 1:6-9) Panguva iyi, hapana mubvunzo kuti vavengi vachaziva kuti vari kurwisana naMwari Wemasimbaose.—Ezekieri 38:21-23.
3. KURWISANA UKU KUCHAITA KUTI ZVINHU ZVIMIRE SEI?
Hondo yeAmagedhoni ichaita kuti mamiriyoni evanhu aponeswe. Zvechokwadi, kuchava kutanga kworugare panyika.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezve“boka guru” revanhu vasingagoni kuverengwa vachapukunyuka pahondo iyi. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Vachitungamirirwa naMwari, vachashanda pakugadzira nyika kuti ive Paradhiso sezvaidiwa naJehovha pakutanga.
Tinoziva here kuti kurwiswa uku kwevanhu vaMwari kuchaitika rini?
[Mashoko Omuzasi]
a Kupa hondo zita renzvimbo kwagara kuchingoitika. Somuenzaniso, vanhu vakanzwa nezveguta rokuJapan reHiroshima iro rakaparadzwa nebhomba guru vanobva vafunga nezvehondo yenyukireya.
b Kuurayiwa kwevaJudha nevamwe vanhu kwakaitwa nevaNazi unotova muenzaniso wokuti hurumende inogona kutsakatisa mapoka ezvitendero uye marudzi evanhu. Kubvira muna 1917 kusvika muna 1991, masangano ezvitendero aiva muRussia akaoneswa chakati tende nehurumende yaitonga panguva iyoyo. Ona nyaya inoti: “Vanhu Vasingadi Zvezhowe-zhowe Vanochenura Zita Ravo,” iri muNharireyomurindi yaMay 1, 2011, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Jehovha Mwari akadzivirira vanhu vake munguva dzekare
[Mufananidzo uri papeji 7]
Jehovha achadzivirirazve vanhu vake pahondo yeAmagedhoni