RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 2/1 pp. 3-5
  • Amagedhoni—Vamwe Vanoti Inombova Chii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Amagedhoni—Vamwe Vanoti Inombova Chii?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Armagedhoni—Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Amagedhoni—Mugumo Une Njodzi Zvikuru Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 2/1 pp. 3-5

Amagedhoni—Vamwe Vanoti Inombova Chii?

‘Zvino vakandovaunganidza panzvimbo inonzi nechiHebheru Amagedhoni.’—ZVAKAZARURWA 16:16, Bhaibheri Rinoera.

CHII chinouya mupfungwa dzako paunonzwa shoko rokuti “Amagedhoni?” Pamwe ungafunga nezvenjodzi yakaipisisa. Kunyange zvazvo shoko racho richiwanika kamwe chete muBhaibheri, rinogara richitaurwa nevanobudisa nhau pamwe chete nevafundisi vezvitendero.

Zvinotaurwa nevakawanda nezveAmagedhoni zvinoenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri here? Kuziva mhinduro yomubvunzo uyu kunokosha. Nei? Nokuti kuziva chokwadi nezveAmagedhoni kunogona kukubatsira kuti usangogara uchitya, uve netarisiro yakajeka yeramangwana uye kunokubatsirawo pamaonero aunoita Mwari.

Ongorora mibvunzo mitatu inotevera uye ona kuti zvinotaurwa nevanhu nezveAmagedhoni zvakasiyana sei nezvinonyatsodzidziswa neBhaibheri.

1. AMAGEDHONI INJODZI INOKONZERWA NEVANHU HERE?

Vatori venhau uye vanotsvakurudza vanowanzoti shoko rokuti “Amagedhoni” rinoreva njodzi dzakaipisisa dzinokonzerwa nevanhu. Somuenzaniso, vanhu vanowanzoti Hondo yeNyika Yokutanga neYechipiri ndiyo yaiva Amagedhoni. Pakapera hondo idzi vanhu vakatanga kutyira kuti United States neSoviet Union dzaizokandirana mabhomba. Vanobudisa nhau vakapa njodzi yaizogona kuitika zita rokuti “Amagedhoni yenyukireya.” Vanotsvakurudza vari kutyirawo kuti kusvibiswa kwemhepo kuchangoerekana kwachinja mamiriro ekunze panyika, saka vari kuti iye zvino tatarisana ne“Amagedhoni yemamiriro ekunze.”

Zvavanenge vachireva: Vanhu vane simba rokuparadza nyika nezviri mairi mune remangwana. Kana hurumende dzikatadza kushandisa pfungwa, nyika ichaparara zvokusagadzirisika.

Zvinodzidziswa neBhaibheri: Mwari haasi kuzorega vanhu vachiparadza pasi redu. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Jehovhaa haana kusikira nyika “pasina,” asi “akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Pane kurega vanhu vachiparadza nyika zvachose, Mwari ‘achaparadza vacho vanoparadza nyika.’—Zvakazarurwa 11:18.

2. AMAGEDHONI INJODZI INONGOITIKA YOGA HERE?

Dzimwe nguva vatori venhau vanoshandisa shoko rokuti “Amagedhoni” pavanenge vachitaura nezvenjodzi dzakakura dzinongoitika dzoga. Somuenzaniso, muna 2010 imwe nyaya yakanga yakanyorwa kuti “‘Amagedhoni’ muHaiti.” Nyaya yacho yairondedzera nezvekutambura, kuparara kwezvinhu uye kufa kwevanhu kwakakonzerwa nekudengenyeka kwenyika kwakaipisisa kwakawira nyika yeHaiti. Vatori venhau uye vanogadzira mafirimu vanowanzoshandisa shoko rokuti “Amagedhoni” pakutsanangura njodzi dzakatoitika uyewo dzavanotyira kuti dzichaitika. Somuenzaniso, vakashandisa shoko iri pakurondedzera zvavanofunga kuti zvingangoitika kana pasi redu rikabonderana nerimwe puraneti.

Zvavanenge vachireva: Amagedhoni injodzi inongoerekana yaitika uye inouraya vose vakanaka nevakaipa. Hautombokwanisa kupukunyuka.

Zvinodzidziswa neBhaibheri: Amagedhoni yakasiyana nenjodzi dzinogara dzichiitika idzo dzinongotsvaira vakanaka nevakaipa. Pahondo yeAmagedhoni vakaipa chete ndivo vachatsakatika. Bhaibheri rinovimbisa kuti nokukurumidza “munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo.”—Pisarema 37:10.

3. MWARI ACHAPARADZA NYIKA PAAMAGEDHONI HERE?

Vanhu vakawanda vezvitendero vanotenda kuti pachava nokurwisana kwokupedzisira pakati pezvakanaka nezvakaipa uye zvichaguma nokuparara kwepasi redu. Ongororo yakaitwa nesangano rePrinceton Survey Research Associates muUnited States yakaratidza kuti vanhu 40 pazana roga roga vanofunga kuti nyika ichaguma “pahondo yeAmagedhoni.”

Zvavanenge vachireva: Vanhu havana kusikirwa kurarama pasi pano nokusingaperi uyewo nyika haina kusikirwa kuti irambe iripo. Mwari akasika vanhu achida kuti vazofa vose panguva imwe chete.

Zvinodzidziswa neBhaibheri: Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti Mwari “akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Nezvevanhu vari panyika, Bhaibheri rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

Zvinotaurwa neBhaibheri zvinopesana chaizvo nepfungwa dzakawanda dzinotaurwa nevanhu nezveAmagedhoni. Saka chokwadi ndechipi?

[Mashoko Omuzasi]

a Jehovha ndiro zita raMwari muBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe