Dzidza Kubva Mushoko raMwari
Nei Mwari Aine Sangano?
Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.
1. Nei Mwari akasarudza vaIsraeri sevanhu vake?
Mwari akaita kuti vazukuru vaAbrahamu vave rudzi rwakazvimirira uye akavapa mitemo. Akavatumidza kuti Israeri uye vaifanira kuita kuti kunamata kwechokwadi neMagwaro Matsvene zvirambe zviripo. (Pisarema 147:19, 20) Izvi zvakaita kuti marudzi ose evanhu abatsirwe.—Verenga Genesisi 22:18.
Mwari akasarudza vaIsraeri kuti vave zvapupu zvake. Pavaiteerera mitemo yaMwari, yaivabatsira chaizvo. (Dheuteronomio 4:6) Patinodzidza zvakawanda nezvenhoroondo yevaIsraeri, tinogona kuziva zvakawanda nezvaMwari wechokwadi.—Verenga Isaya 43:10, 12.
2. Nei paine sangano revaKristu vechokwadi?
Nokufamba kwenguva, vaIsraeri havana kuzofarirwa naMwari saka Jehovha akatsiva rudzi irworwo neungano yechiKristu. (Mateu 21:43; 23:37, 38) Kare vaIsraeri ndivo vaiva zvapupu zvaMwari. Iye zvino vaKristu vechokwadi ndivo vava Zvapupu zvaJehovha.—Verenga Mabasa 15:14, 17.
Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vashande seboka pakupupura nezvaJehovha uye kuti vaite kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi. (Mateu 10:7, 11; 24:14; 28:19, 20) Basa iroro rava kusvika kwamvura yacheka makumbo. Jehovha ari kuunza mamiriyoni evanhu vemarudzi akasiyana-siyana mukunamata kwechokwadi zvaasati amboita kubvira kare. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Jesu akarayira vanamati vechokwadi kuti vashande pamwe chete seboka kuti vakurudzirane uye vabatsirane. Pasi pose vanodzidza zvinhu zvakafanana zvomuBhaibheri pavanenge vachiita misangano yavo.—Verenga VaHebheru 10:24, 25.
3. Sangano reZvapupu zvaJehovha riripo iye zvino rakatanga sei?
Sangano reZvapupu zvaJehovha rakatanga kuma1870. Boka duku revadzidzi veBhaibheri rakatanga kunzwisisa dzidziso dzechokwadi dzeBhaibheri dzakanga dzava nenguva yakareba dzisingazivikanwi. Vaiziva kuti Jesu akarayira vaKristu vechokwadi kuti vaparidze. Saka vakabva vatanga kuita basa rokuparidza Umambo munyika yose. Muna 1931, vakatanga kushandisa zita rokuti Zvapupu zvaJehovha.—Verenga Mabasa 1:8; 2:1, 4; 5:42.
4. Mazuva ano sangano reZvapupu zvaJehovha rakarongwa sei?
Muzana remakore rokutanga, ungano dzechiKristu dzaiva munyika dzakawanda dzaitungamirirwa nedare rinodzora. Dare iri raiumbwa nevaapostora nevarume vakuru avo vaiona Jesu seMusoro weungano. (Mabasa 16:4, 5) Saizvozvowo, mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvinoona Jesu seMutungamiriri wazvo. (Mateu 23:9, 10) Vanobatsirwawo chaizvo nokutungamirira kunoita Dare Rinodzora iro rinoumbwa nevakuru vane ruzivo vanovakurudzira vachishandisa Magwaro uye vanopa mirayiridzo ungano dzinopfuura 100- 000. Muungano dzacho munogadzwa varume vanokwanisa vanoshanda sevakuru kana kuti vatariri. Varume ava vanotarisira makwai aMwari nerudo.—Verenga 1 Petro 5:2, 3.
Zvapupu zvaJehovha seboka zvinoparidza mashoko akanaka uye zvinoita basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Vanoshandura, vanodhinda uye vanoparadzira mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro inopfuura 500 kuti vabatsire vanhu munyika yose. Vanoparidza paimba neimba sezvaingoitwa nevaapostora. (Mabasa 20:20) Kana munhu akaratidza kuti anoda kuziva chokwadi, vanokumbira kudzidza naye Bhaibheri. Vanhu vaJehovha vane mufaro sezvo vachinyanya kufunga nezvekufadza Mwari uye kubatsira vanhu.—Verenga Pisarema 33:12; Mabasa 20:35.
Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 19 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.