“Aya Mashoko Akanaka Oumambo Achaparidzwa”
“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—MATEU 24:14.
Zvazvinoreva: Munyori weEvhangeri Ruka akati Jesu “akaenda muguta neguta uye mumusha nomusha, achiparidza nokuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.” (Ruka 8:1) Jesu akati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43) Akatuma vadzidzi vake kuti vaparidze mashoko akanaka mumataundi nemisha, akazovarayira kuti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”—Mabasa 1:8; Ruka 10:1.
Zvaiitwa nevaKristu Vokutanga: Vadzidzi vaJesu havana kumbotambisa nguva asi vakaita zvaakanga avaudza. “Mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.” (Mabasa 5:42) Munhu wose aiita basa rokuparidza uye hapana vainzi ndivo chete vakakodzera. Mumwe munyori wenhoroondo dzekare anonzi Neander akati “Celcus uyo aiva munhu wokutanga kunyora achipikisa chiKristu aitsoropodza nyaya yokuti vanhu vaigadzira shinda, shangu, matehwe, vasina kudzidza uye vanhuwo zvavo, vaishingaira kuparidza evhangeri.” Mubhuku rake rinonzi The Early Centuries of the Church, Jean Bernardi akanyora kuti: “[VaKristu] vaifanira kuenda kwose kwose vonotaura nevanhu vose. Mumigwagwa uye mumaguta, nomunzvimbo dzaiungana vanhu uye mumisha. Vaiparidza pasinei nokuti vanhu vaivagamuchira here kana kuti kwete. . . . Munyika yose.”
Ndivanaani Vari Kutevedzera Muenzaniso Wacho? Mupristi wechechi yeAnglican, David Watson akanyora kuti: “Kutadza kwechechi kukoshesa basa rokuparidza nokudzidzisa ndicho chimwe chezvikonzero zviri kuita kuti vanhu vasafarira zvokunamata.” Mubhuku rake rinonzi Why Are the Catholics Leaving?, José Luis Pérez Guadalupe akanyora nezvezvinoitwa nevanopinda chechi dzomweya, Masabata, nevamwewo achiti “havaendi paimba neimba.” Asi akanyora nezveZvapupu zvaJehovha kuti: “Vanoenda paimba neimba nguva dzose.”
Jonathan Turley akanyora nezvekuongorora kwaakaita mubhuku rinonzi Cato Supreme Court Review, 2001-2002 kuti: “Ingotaura kuti Zvapupu zvaJehovha, uye vakawanda vanobva vangofunga nezvevanhu vanoparidza vachitivhiringidza nokutishanyira padzimba dzedu patinenge tiine zvimwe zvokuita. Zvapupu zvaJehovha hazvingoiti basa rokuparidza paimba neimba kuti vasimudzire chitendero chavo, asi basa iri ndiro rinoratidza kutenda kwavo.”
[Bhokisi riri papeji 9]
Wava Kuziva vaKristu Vechokwadi Here?
Uchifunga nezvezviri muMagwaro zvakurukurwa munyaya dzino dzakatevedzana, unofunga kuti nhasi ndivanaani vane chiratidzo chechiKristu chechokwadi? Kunyange zvazvo paine zviuru zvemachechi anoti ndeechiKristu, funga zvakataurwa naJesu kuvateveri vake, zvokuti: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.” (Mateu 7:21) Kuziva vaya vari kuita zvinodiwa naBaba, kureva vaya vane chiratidzo chokuti ndivo vaKristu vechokwadi, uye kuwadzana navo kunogona kuita kuti tiwane zvikomborero zvisingaperi muUmambo hwaMwari. Tinokukumbira kuti utaure neZvapupu zvaJehovha zvakuunzira magazini ino, kuti unzwe zvakawanda nezvoUmambo hwaMwari nezvikomborero zvahuchaunza.—Ruka 4:43.