Tingava Sei Vanamati Vakatendeka Asi Tichiteerera Mutemo Wenyika?
ZVINHU zvipi zviviri zvainyanya kuitwa naJesu muushumiri hwake? Chokutanga, aiedza kuchinja mwoyo yevanhu, kwete kuchinja masangano ezvematongerwo enyika. Somuenzaniso, ona zvakasimbiswa naJesu muMharidzo yake yepaGomo. Asati ataura nezvekukosha kwokuita semunyu kana kuti chiedza, akaudza vateereri vake kuti mufaro wechokwadi unowanikwa nevaya “vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” Akawedzera kuti: “Vanofara vanyoro, . . . vakachena mumwoyo, . . . vanoita kuti pave norugare.” (Mateu 5:1-11) Jesu akabatsira vateveri vake kuti vaone kuti zvaikosha kuchinja mafungiro avo uye maonero avaiita mitemo yaMwari yezvakanaka nezvakaipa uye kuti zvaikosha kushumira Mwari nomwoyo wose.
Chechipiri, Jesu paakaona vanhu vachitambura, akavanzwira tsitsi zvikaita kuti aderedze dambudziko ravo. Zvisinei, chinangwa chake chaisava chokubvisa kutambura kwacho kwose. (Mateu 20:30-34) Akarapa vairwara, asi zvirwere zvakaramba zviripo. (Ruka 6:17-19) Akazorodza vaidzvinyirirwa, asi kutambura kwakaramba kuripo nokuti vanhu vaisatongwa zvakarurama. Akapa vane nzara zvokudya, asi nzara yakaramba ichitambudza vanhu.—Mako 6:41-44.
Kuchinja Mwoyo Yevanhu uye Kuderedza Kutambura
Chii chakaita kuti Jesu anyanye kuisa pfungwa pakuchinja mwoyo yevanhu uye pakuita kuti vasanyanya kutambura asi asingachinji masangano kana kubvisa kutambura? Aiziva kuti Mwari aiva nechinangwa chokuzoshandisa Umambo hwake kuti agumise hurumende dzose dzevanhu uye abvise zvose zvinokonzera kutambura. (Ruka 4:43; 8:1) Naizvozvo vadzidzi pavakambokurudzira Jesu kuti apedze nguva yakawanda achirapa varwere, Jesu akavati: “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, mumataundi omumusha ari pedyo, kuti ndiparidze ikokowo, nokuti ndakauyira izvozvo.” (Mako 1:32-38) Jesu akaita kuti vanhu vakawanda vasanyanya kutambura, asi ainyanya kukoshesa basa rokuparidza Shoko raMwari nokuridzidzisa.
Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kutevedzera Jesu pabasa razvo rokuparidza. Vanoita zvinhu zvinobatsira vamwe pavanenge vachinetseka, zvichiita kuti vanhu vacho vasanyanya kutambura. Asi Zvapupu hazviedzi kubvisa zvinhu zvose zvakaipa zviri kuitika munyika. Vanoziva kuti Umambo hwaMwari huchabvisa zvinhu zvinokonzera matambudziko ose. (Mateu 6:10) Sezvaiita Jesu, vanoedza kuchinja mwoyo yevanhu, kwete kuchinja masangano ezvematongerwo enyika. Maonero akadaro akanaka nokuti vanhu vari kunyanya kutambura netsika dzakaipa, kwete nyaya dzezvematongerwo enyika.
Vagari Vomunyika Vanoteerera
Zvapupu zvaJehovha zvinozivawo kuti sevaKristu, zvinofanira kuva vagari vomunyika vanoteerera. Saka vanokudza nokuremekedza hurumende. Vanoshandisa mabhuku avo nebasa ravo rokuparidzira kuti vakurudzire vavakidzani vavo kuteerera mutemo. Zvisinei, hurumende painoti vaite zvinonyatsopesana nemitemo yaMwari, Zvapupu zvinoteerera “Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29; VaRoma 13:1-7.
Zvapupu zvaJehovha zvinoshanyira vanhu vose kwazvinogara zvichivaudza kuti zvinoda kudzidza navo Bhaibheri vasingabhadhari. Dzidzo iyi yakaita kuti mwoyo yemamiriyoni evanhu ichinjwe. Gore negore, mazana ezviuru zvevanhu anobatsirwa kurega maitiro anokuvadza akaita sokusvuta, kudhakwa, kushandisa madhiragi zvisina kukodzera, kubhejera, uye unzenza. Vakachinja vakava vagari vomunyika vane tsika dzakanaka nokuti vakadzidza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwavo.—Ona nyaya inoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu,” iri papeji 18 yemagazini ino.
Uyezve, dzidzo iri muBhaibheri inobatsira vanhu vakaroorana, vana nevabereki uye vana pachavo. Inoita kuti vose vawedzere kuremekedzana uye kukurukurirana zvakanaka. Izvi zvinoita kuti mhuri dzisimbe zvoita kuti vanhu vagarisane zvakanaka munyika.
Mushure mokuongorora pfungwa dzakurukurwa munyaya dzino, unofunga kuti vaya vanosanganisa zvematongerwo enyika nechitendero vari kuita maererano nezviri muBhaibheri here? Mhinduro yakajeka ndeyokuti havasi. Asi vaKristu vechokwadi vanofanira kuva vagari vomunyika vakavimbika here? Hungu. Vangazviita sei? Nokutevedzera murayiro waJesu wokuita somunyu uye sechiedza chenyika.
Vaya vanoedza kuita zvinhu izvi zvakataurwa naKristu vachazvibatsira ivo nemhuri dzavo, pamwe chete nenharaunda dzavanogara. Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara zvichafara kukuudza mamwe mashoko nezvepurogiramu yokudzidza Bhaibheri iri kuitwa kwaunogara.a
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida, unogona kuwana mashoko nezveZvapupu zvaJehovha pakero yepaIndaneti inoti www.watchtower.org
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]
Jesu aiedza kuchinja mwoyo yevanhu, kwete kuchinja masangano ezvematongerwo enyika
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti zvinofanira kuva vagari vomunyika vanoteerera