“Kuti Vawane Upenyu Husingaperi”
“Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—JOHANI 17:3.
RUZIVO runogona kuponesa upenyu. Nouhou aiva nemwedzi gumi yokuberekwa paakatanga kurwara, uye amai vake avo vaishandira bazi rezveutano muNiger vaiziva zvavaifanira kuita. Vakamugadzirira mvura ine shuga nemunyu kuti anwe kuitira kuti adzorere mvura yakanga yarasika mumuviri. Sangano reUNICEF rinoti nemhaka “yezvakakurumidza kuitwa nemukadzi uyu uye neruzivo rwake rwezvoutano, mwana wacho akakurumidza kupora.”
Kuziva Bhaibheri kunogonawo kuponesa upenyu hwevanhu. Munyori wokutanga weBhaibheri Mosesi akati: “Nokuti harisi shoko risina zvarinobatsira kwamuri, asi rinoreva upenyu hwenyu, uye neshoko iri mungaita kuti mazuva enyu ave mazhinji.” (Dheuteronomio 32:47) Ndizvo here kuti Bhaibheri rinogona kuita kuti tirarame kwenguva yakareba? Rinoita sei kuti tive noupenyu?
Nyaya shanu dzapfuura pane dzino dzakatevedzana dzaratidza kuti Bhaibheri ibhuku rakasiyana nemamwe nemhaka yokuti rine uprofita hwatinogona kuvimba nahwo, nhoroondo dzaro ndedzechokwadi, rakarurama panyaya dzesayenzi, rinobvumirana uye rine mazano anoshanda. Izvi zvinoratidza kuti Bhaibheri rakasiyana nemamwe mabhuku. Saka kana richiti rinogona kukuratidza zvaungaita kuti urarame nokusingaperi, hazvina kukodzera here kuti unyatsoridzidza?
Tinokukurudzira kuti udzidze kuti kuwana zivo yakarurama yeBhaibheri kungaita sei kuti udekare mupfungwa iye zvino uye kuti uzofara mune remangwana. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukuratidza kuti ungawana sei ruzivo rwakadaro.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]
Bhaibheri rakasiyanawo nemamwe mabhuku pakuti ndiro chete rinopindura zvinogutsa mibvunzo inokosha yakadai sokuti:
• Takasikirwei?
• Nei kuine matambudziko akawanda kudai?
• Ndichazomboona here hama dzangu dzakafa?
Unogona kuwana mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo iyi mubhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.