RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 6/1 p. 14
  • ‘Mweya Wenyu Uchakotamira Pamusoro Pangu’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Mweya Wenyu Uchakotamira Pamusoro Pangu’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • “Ndaisa Mashoko Angu Mumuromo Mako”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • “Uvaudze Shoko Iri”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • “Handigoni Kuramba Ndakanyarara”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Iva Akashinga saJeremia
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 6/1 p. 14

Swedera Pedyo naMwari

‘Mweya Wenyu Uchakotamira Pamusoro Pangu’

KAZHINJI munhu anozvininipisa anofarirwa nevanhu. Asi munyika ino zvakaoma kuwana vanhu vanonyatsozvininipisa kunyanya kana vane masimba kupfuura vamwe. Ko Jehovha Mwari uyo ane simba risina anoenzana naro anozvininipisa here? Ngatimboongororai mashoko aJeremiya ari pana Mariro 3:20, 21.​—Verenga.

Jeremiya akanyora bhuku raMariro zvinhu pazvakanga zvisina kumira zvakanaka muIsraeri. Akanga achangobva kuona guta raaida reJerusarema richiparadzwa nevaBhabhironi uye izvi zvakamurwadza kusvika pokupedzisira. Muprofita uyu ainetseka aiziva kuti zvainge zvakakodzera kuti Mwari arange vaIsraeri nemhaka yezvivi zvavo. Asi Jeremiya akanga asisina tariro here? Aiona sokuti Jehovha aiva kure chaizvo zvokutadza kuona kuti vanhu vake vainge vapfidza ovanyaradza here? Inzwa Jeremiya paari kutaura achimiririra vaIsraeri.

Jeremiya anotarisira kuti zvinhu zvichanaka kunyange zvazvo vakawanda vachinetseka chaizvo. Anochema kuna Jehovha achiti: “Chokwadi mweya wenyua [kureva Jehovha pachake] uchayeuka, wokotamira pamusoro pangu.” (Ndima 20) Jeremiya ane chivimbo chizere. Anoziva kuti Jehovha haazomukanganwi iye nevamwe vanhu vaMwari varatidza kupfidza. Saka Mwari wemasimbaose achaitei?​—Zvakazarurwa 15:3.

Jeremiya ane chokwadi chokuti Jehovha ‘achakotamira’ vaya vanopfidza zvechokwadi. Mashoko iwayo anotibatsira kunzwisisa kuti Jehovha ndiMwari anonzwira tsitsi. Jehovha ‘Wokumusorosoro kwenyika yose,’ achaita seadzika kana kuti akotama osimudza vanamati vake kubva mumamiriro ezvinhu akaderera avari otanga kuvafarirazve. (Pisarema 83:18) Jeremiya anosimbiswa netariro iyi uye anonyevenutswa marwadzo ari pamwoyo pake. Muprofita uyu akavimbika akatsidza kuramba akamirira kusvikira nguva yaJehovha yakwana yokuti anunure vanhu vake vapfidza.​—Ndima 21.

Mashoko akanyorwa naJeremiya anotidzidzisa zvinhu zviviri nezvaJehovha. Chokutanga, anozvininipisa. (Pisarema 18:35) Kunyange zvazvo ‘ane simba rakakwirira,’ Jehovha akagadzirira kuzvideredza kuti aite seaenzana nesu kuti atibatsire kana tichinetseka. (Jobho 37:23; Pisarema 113:5-7) Izvozvo hazvinyaradzi here? Chechipiri, Jehovha ndiMwari ane ngoni ‘akagadzirira kukanganwira’ vatadzi vanopfidza ovagamuchira zvekare. (Pisarema 86:5) Kazhinji munhu anozvininipisa anenge aine ngoni.

Tinoonga chaizvo kuti Jehovha haana kufanana nevatongi vakaoma musoro uye vasinganzwi kuchema kwevamwe nemhaka yokuzvikudza kwavo. Haunzwi here uchida kudzidza zvakawanda nezvaMwari uyu anozvininipisa uyo akagadzirira kuzvikotamisa kuti aite kuti vanamati vake vari kunetseka vave netariro?

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna June:

◼ Jeremiya 51-52; Mariro 1-5–Ezekieri 1-5

[Mashoko Omuzasi]

a Vanyori vekare vakachinja mashoko endima iyi kuti ati “mweya wangu,” kuti zviite sokuti mashoko acho aireva Jeremiya. Hapana mubvunzo kuti vaiona sezvisingaiti kutaura kuti mweya vachireva Mwari, shoko rinotaurwa neBhaibheri richireva zvisikwa zvepano pasi. Asi kakawanda Bhaibheri rinotsanangura Mwari nenzira inoita kuti zvive nyore kuti timunzwisise. Saka kana shoko rokuti “mweya” richigona kureva “upenyu hwedu,” mashoko okuti “mweya wenyu” anoreva kuti “imi.”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Jehovha akagadzirira kuzvideredza kuti aite seaenzana nesu kuti atibatsire kana tichinetseka

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe