RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 6/1 pp. 27-29
  • Shoko Rokuti “Hazvitomboiti”—Rinorevei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shoko Rokuti “Hazvitomboiti”—Rinorevei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvose Zvinobvira Kuna Mwari
  • “Unotenda Izvi Here?”
  • Kurarama Nokusingaperi Pasi Pano Chinhu Chisingatombokwanisiki Here?
  • “Hazvibviri Kuti Mwari Areve Nhema”
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Ruka 1:37—“Nokuti Hakuna Chinhu Chisingagoni Kuitwa naMwari”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • “Zvinhu Zvose Zvinobvira Kuna Mwari”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Tingasimbisa Sei Kutenda Kwedu Muvimbiso yaJehovha Yenyika Itsva?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 6/1 pp. 27-29

Shoko Rokuti “Hazvitomboiti”—Rinorevei?

NGARAVA inonzi Titanic iyo yakatanga kufamba muna 1912 ndiyo yakanga yakakura uye yakanaka kupfuura dzose dzepanguva iyoyo. Ngarava iyi yainzi “hainyuri” nokuti yakanga yakagadzirwa nounyanzvi hwepamusoro-soro hwesayenzi. Asi chii chakazoitika? Parwendo rwayo rwokutanga, yakarovera pamatombo echando mugungwa reNorth Atlantic ndokunyura uye yakauraya vanhu vanenge 1 500. Ngarava iyi yainzi haimbofi yakanyura yakanyangarika mugungwa pashure pemaawa mashomanana.

Patinoti chimwe chinhu hachitomboiti tinogona kunge tichireva zvinhu zvakasiyana-siyana. Pamwe tinenge tichireva kuti hatikwanisi kuchiita, kuchinzwisisa kana kuti kuchitsungirira. Makare-kare zvakawanda zviri kugadzirwa noruzivo rwemazuva ano zvaionekwa sezvisingaiti nokuti panguva iyoyo vanhu vaisakwanisa kuzviita kana kuti kufungidzira kuti zvingaitika. Mumakore 50 apfuura, pane zvimwe zvinhu zvaionekwa sezvisingatomboitiki zvakadai sokutumira munhu kumwedzi, kutumira chitundumuseremusere kupuraneti inonzi Mars chichitekenywa nevanhu vari panyika pano, kunyatsoziva zvakaita magenes emuviri womunhu uye kugona kuona zviri kutoitika mune dzimwe nzvimbo kana kuti pasi pose. Ronald Reagan uyo aimbova mutungamiriri weUnited States akataura nezvenyaya iyi muchidimbu kunyanzvi dzinotungamirira pakutsvakurudza mune zvesayenzi achiti: “Makaita kuti zvinhu zvaionekwa sezvisingamboiti makare-kare zviite uye zvisatomboshamisa mazuva ano.”

Achitaura nezvezvinhu zvinoshamisa zvava kugona kuitwa, muzvinafundo anonzi John Brobeck akati: “Hazvichaiti kuti nyanzvi yesayenzi itaure kuti chimwe chinhu hachigoni kuitwa zvachose. Inogona chete kungoti zvingasakwanisika kana kuti hatisati tava kugona kuzvitsanangura noruzivo rwatiinarwo iye zvino.” Muzvinafundo uyu akaenderera mberi achiti, kana chimwe chinhu chikaita sechakatiomera “pane simba rinobva kwatisingazivi ratinofanira kuwedzerwa mukutsvakurudza kwedu kwesayenzi. Magwaro anoratidza kuti iri isimba raMwari.”

Zvinhu Zvose Zvinobvira Kuna Mwari

Pachine mazana emakore Muzvinafundo John Brobeck asati ataura nezvenyaya iyi, Jesu weNazareta uyo agara achirondedzerwa semunhu mukuru pane vose vakamborarama akati: “Zvinhu zvisingabviri kuvanhu zvinobvira kuna Mwari.” (Ruka 18:27) Mudzimu mutsvene waMwari ndiro simba rinopfuura rimwe rose kudenga nepanyika. Ruzivo rwevanhu harugoni kuongorora zvakaita simba racho. Mudzimu mutsvene unogona kutibatsira kuti tiite zvinhu zvataisagona kuita.

Tinowanzosangana nezvinhu zvinotiremera zvinoita kuti tinzwe sokuti hatichazvikwanisa. Somuenzaniso, tinogona kufirwa nomunhu watinoda kana kuti mumhuri medu tingasangana nematambudziko angaita kuti tide kukanda mapfumo pasi. Kana kuti mararamiro edu angatinyudza mumatambudziko atingafunga kuti haabudiki. Izvi zvingaita kuti tipererwe nemazano uye tingaona sokuti hatichabatsiri chinhu. Tingaitei kana zvadaro?

Bhaibheri rinotiudza kuti munhu anotenda mune Wemasimbaose uye anonyengeterera mudzimu wake mutsvene paanenge achiedza kuita zvinofadza Mwari, anogona kupiwa rubatsiro rwokukunda zvipingamupinyi zvinoita semakomo. Funga nezvemashoko aJesu anokurudzira okuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wose anoudza gomo iri kuti, ‘Simuka uwire mugungwa,’ aine chokwadi nazvo mumwoyo make uye achitenda kuti zvaanotaura zvichaitika, zvichaitika saizvozvo kwaari.” (Mako 11:23) Kana tikabvumira simba reShoko raMwari uye mudzimu wake kuti zvititungamirire muupenyu, hapana mamiriro ezvinhu angatiomera zvokuti tinotadza kuakunda kana kuti kuatsungirira.

Funga nezvomumwe murume akanga ava nemakore 38 akaroorana nomudzimai wake kusvikira mudzimai wacho azofa nekenza. Zvakamupedza simba kwazvo. Ainzwa sokuti haachakwanisi kutsungirira. Dzimwe nguva aitoona sokuti kufa kuri nani pane kurarama asina mudzimai wake. Akataura kuti ainzwa sokuti ari kufamba mumupata wezarima. (Pisarema 23:4) Achifunga zvose zvakaitika, anoti kunyengetera achinyatsotaurira Jehovha nhunha dzake, kuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye kutsvaka nomwoyo wose kutungamirirwa nemudzimu waMwari ndiko kwakamubatsira kutsungirira matambudziko aaiona segomo chairo.

Panewo imwe mhuri yaisangana nematambudziko akakura chaizvo. Murume wacho aida zvokurwa uye aiva netutsika twakawanda twakaipa. Saka mudzimai wake aiva panguva yakaoma zvokuti akatomboedza kuzviuraya. Zvisinei, murume wacho akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Zvaakadzidza zvakamubatsira kurega tutsika twakaipa uye kurega kurova mudzimai wake. Mudzimai wacho akakangwa mate mukanwa nokuchinja kwaiita murume wake uko kwaiita so“kusingatomboitiki.”

Mumwe murume akarondedzera mararamiro aaimboita okushandisa zvinodhaka uye eunzenza achiti kwaiva kurasika pfungwa. Akataura kuti: “Ndakanga ndava kuonekwa sebenzi rokupedzisira.” Akanyengetera nemwoyo wose kuna Mwari achiti: “Ishe ndinozviziva kuti muriko. Ndapota ndibatsirei!” Pashure pokunge anyengetera, Zvapupu zvaJehovha zvakauya kuzodzidza naye Bhaibheri uye zvaaidzidza zvakaita kuti achinje mararamiro ake zvaisafungidzirwa kuti angaita. Anoti: “Ndinogara ndichizvipa mhosva zvikuru uye ndichizviona sendisina zvandinobatsira. Dzimwe nguva ndinoora mwoyo zvikuru. Asi Shoko raMwari rinondibatsira kuti ndikunde mafungiro aya anoshayisa mufaro. Pandaishaya hope usiku, ndaifunga nezvendima dzeBhaibheri dzandakadzidza. Magwaro aya akandibatsira kuti ndichenese pfungwa dzangu.” Iye zvino murume uyu ari kufara pamwe nemhuri yake. Iye nomudzimai wake vari kushingaira chaizvo kubatsira vamwe kuti vavimbe nesimba reShoko raMwari. Somurume wechiduku aizvidya mwoyo, angadai akaona sokuti zvaisatomboita kuchinja mararamiro ake.

Zvakaitika muupenyu hwevanhu vose ava zvinoratidza kuti Shoko raMwari rine simba uye kuti mudzimu wake mutsvene unogona kuita zvinhu zvingaoneka “sezvisingatomboitiki” muupenyu hwedu. Asi ungati, “Izvi zvinotoda kutenda.” Ichocho ichokwadi nokuti Bhaibheri rinototi ‘pasina kutenda hazvibviri kunyatsofadza Mwari.’ (VaHebheru 11:6) Asi chimbofunga izvi: Ngatitii shamwari yako yepedyo ingadaro iri maneja womubhangi kana kuti ine chimwewo chinzvimbo inokuudza kuti: “Usatombonetseka. Kana pane chawangoda unouya kwandiri.” Hapana mubvunzo kuti mashoko iwayo aizokunyaradza. Asi zvinosuwisa kuti kazhinji vanhu vanotadza kuita zvavanenge vativimbisa. Dzimwe nguva shamwari yako inenge iine vavariro yakanaka inogona kusangana nemamiriro ezvinhu angaitadzisa kukuitira zvayakakuvimbisa. Pamwe shamwari yako inogona kufa, zvoita kuti zvose zvaanga achida kukuitira zvibve zvangoenda musango. Asi kusiyana nezvingaitika kuvanhu, Mwari haana chinomuwira. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Hakuna chinhu chisingagoni kuitwa naMwari.”—Ruka 1:37, Bhaibheri Rinoera.

“Unotenda Izvi Here?”

Pane zviitiko zvakawanda zviri muBhaibheri zvinoratidza kuti rugwaro rwatataura pamusoro apa nderwechokwadi. Chimbofunga nezvemienzaniso inotevera.

Mumwe mukadzi aiva nemakore 90 ainzi Sara akaseka paakaudzwa kuti aizobereka mwanakomana, asi kuvapo kwakaita rudzi rwaIsraeri kunoratidza kuti zvechokwadi akazova nemwana wacho. Mumwe murume akamedzwa nehove yakakura, akararama ari mudumbu rayo kwemazuva matatu, akatozonyora nyaya yake. Zita rake ainzi Jona. Ruka uyo aiva chiremba aiziva musiyano wemunhu akafa neangofenda, akanyora kuti rimwe jaya rainzi Yutiko rakadonha pahwindo reimba yepamusoro rikafa, asi rikazomutswa. Idzi hadzisi ngano. Kunyatsoongorora nhoroondo idzi kunoratidza kuti dzakanyatsoitika.—Genesisi 18:10-14; 21:1, 2; Jona 1:17; 2:1, 10; Mabasa 20:9-12.

Jesu akaudza shamwari yake Marita mashoko aya anoshamisa okuti: “Munhu wose mupenyu uye anotenda mandiri haangambofi.” Vimbiso iyi yaiita sokuti haikwanisiki, saka Jesu akawedzera mubvunzo uyu unokosha wokuti: “Unotenda izvi here?” Nanhasi zvichiri kukosha kuti tinyatsoongorora mubvunzo iwoyo.—Johani 11:26.

Kurarama Nokusingaperi Pasi Pano Chinhu Chisingatombokwanisiki Here?

Mune imwe ongororo yesayenzi yakaitwa, vanyori vakati: “Zvinoita sokuti nguva yokuti tirarame nokusingaperi yava pedyo.” Bhuku rinonzi The New Encyclopædia Britannica rinotsanangura kuti zvinoita sokuti rufu runokonzerwa nechimwe chinhu chatisinganzwisisi chinoita kuti zvinhu zvisafamba zvakanaka mumuviri kana kuti zvirege kushanda zvachose, kwete kuti kupera kwemasero, kuchembera, kana zvimwewo.a Rinotiwo: “Zvinogona kuita kuti titi kukwegura kwomunhu kunokonzerwa nokurega kushanda kwezvinhu zviri mumiviri yedu asi hatizvinzwisisi.”

Kunyange zvazvo izvi zvichiratidza kuva nemusoro, Bhaibheri rinotipa chikonzero chakasimba chinopfuura chatingapiwa nesayenzi chokuti tinogona kurarama nokusingaperi. Musiki wedu, Jehovha Mwari uyo akatipa upenyu, anotivimbisa kuti “chokwadi achaparadza rufu nokusingaperi.” (Pisarema 36:9; Isaya 25:8) Unotenda izvi here? Jehovha ndiye anotivimbisa izvi uye hazvingamboiti kuti areve nhema.—Tito 1:2.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uone panonyatsokurukurwa nezvekukwegura uye kureba kwakaita upenyu hwedu, ona nyaya inoti “Ungararama Makore Akawanda Sei?” inotangira papeji 23 muMukai! yaJuly 2006 yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

“Zvinhu zvaionekwa sezvisingamboiti makare-kare [zvava kuita mazuva ano].”—RONALD REAGAN

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]

Paunoona sokuti zvoupenyu hauchambozvikwanisi, unotsvaka kubatsirwa nani?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 27]

NASA photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe