RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/01 p. 1
  • “Zvinhu Zvose Zvinobvira Kuna Mwari”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zvinhu Zvose Zvinobvira Kuna Mwari”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Shoko Rokuti “Hazvitomboiti”—Rinorevei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • ‘Aya Mashoko Akanaka Achaparidzwa’!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Nesimba Romunhu Here? Kana Kuti Nomudzimu Wamwari Here?
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Pfuurira Kutaura Shoko raMwari Noushingi
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 4/01 p. 1

“Zvinhu Zvose Zvinobvira Kuna Mwari”

1 Basa guru reungano yechiKristu nderokuparidza mashoko oUmambo munyika yose. (Mat. 24:14) Iwoyo mutoro unokosha zvikuru. Kune vakawanda vanocherechedza, zvinoita sokunge panoda chimwe chinhu chatisina. Kune vamwe kuita basa iri hakutomboiti nemhaka yokuti tinotukwa, tinoshorwa, uye tinotambudzwa. (Mat. 24:9; 2 Tim. 3:12) Vasingatendi havatombobvumi kuti basa iri rinobvira kuripedza. Zvisinei, Jesu akati: “Zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.”—Mat. 19:26.

2 Mienzaniso Yakanaka Yokutevedzera: Jesu akatanga ushumiri hwake ari munhu mumwe chete achipikisana nenyika yose. Kuti vaedze kumutadzisa, vashori vakamunyadzisa nepavaigona napo, vakazopedzisira vamuuraya zvinorwadza zvikuru. Asi pakupedzisira Jesu akati nechivimbo: “Ndakunda nyika.” (Joh. 16:33) Uku kupedza zvaaida kuita kunoshamisa zvechokwadi!

3 Vadzidzi vaJesu vakaratidza ushingi nokushingaira zvakadarowo muushumiri hwechiKristu. Vazhinji vakarohwa, vakakandwa mujeri, kana kutourayiwa. Asi vakanga “vachifara nokuti vakanga varangarirwa sevakafanirwa nokuzvidzwa nokuda kwezita rake.” (Mab. 5:41) Zvinhu zvakavaomera kudai, vakapedza basa rairatidzika kuva risingabviri rokuparidza mashoko akanaka “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.”—Mab. 1:8; VaK. 1:23.

4 Nzira Yokubudirira Nayo Muzuva Redu: Isuwo tave tichishingaira kuita basa rokuparidza Umambo zvinhu zvichiratidzika sezvakatiomera. Pasinei nokurambidzwa, kutambudzwa, kuiswa mumajeri, nedzimwe nzira dzechisimba dzokuedza kutimisa, tiri kubudirira. Izvi zvinobvira sei? “Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi nomweya wangu—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Zek. 4:6) Hapana chingamisa basa redu nokuti Jehovha ari kutitsigira!—VaR. 8:31.

5 Patinoparidza, hatina chikonzero chokuzengurira kana kutya kana kufunga kuti hatikwanisi. (2 VaK. 2:16, 17) Tine zvikonzero zvakakura zvokuramba tichienderera mberi mukuparadzira mashoko akanaka oUmambo. Tichibatsirwa naJehovha, tichaita “zvisingabviri”!—Ruka 18:27.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe