RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 7/1 pp. 6-8
  • Sei Munzwi Womunyengetero Achitirega Tichitambura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Munzwi Womunyengetero Achitirega Tichitambura?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Zvatora Nguva Refu Kudai?
  • Mwari Achagadzirisa Sei Zvinhu?
  • Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
    Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
  • Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 7/1 pp. 6-8

Sei Munzwi Womunyengetero Achitirega Tichitambura?

VAMWE vanhu vanonyengetera zvavo asi havana chokwadi kana Mwari ariko. Nei vasina chokwadi? Pamwe nokuti vanoona vanhu vachitambura chaizvo munyika. Wakambozvibvunzawo here kuti nei Mwari achitirega tichitambura?

Ichokwadi here kuti Mwari akasika vanhu achida kuti vatambure uye vatadze sezvavari kuita? Taisazoremekedza mwari akadaro anoda kuti vanhu vatambure. Asi chimbofunga izvi: Paunenge uchiyeva motokari itsva woona kuti pane payakarovera, ungataura here kuti yakangogadzirwa yakadaro? Haungambodaro. Ungati yakagadzirwa zvakanaka asi pane mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu chakairovera.

Saizvozvowo patinoyeva kunaka uye kurongeka kwezvinhu zvakasikwa, toona kusagadzikana kwezvinhu uye uori huri muvanhu, tinofanira kutii nazvo? Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari akasika vanhu vaviri vokutanga vasina chivi asi vakazorumwa nechokuchera. (Dheuteronomio 32:4, 5) Zvinofadza kuti akavimbisa kuti achagadzirisa dambudziko racho obvisa chivi chatinacho. Asi nei atora nguva yakareba kudai asati azvigadzirisa?

Nei Zvatora Nguva Refu Kudai?

Chikonzero chacho chine chokuita nenyaya yokuti ndiani ane kodzero yokutonga vanhu. Jehovha haana kumbosika vanhu achiti vazvitonge. Ndiye aifanira kuva Mutongi wavo. Bhaibheri pacharo: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Zvinosuwisa kuti vanhu vaviri vokutanga vakasarudza kupandukira utongi hwaMwari. Kusateerera kwavakaita kwakaita kuti vave vatadzi. (1 Johani 3:4) Saka vakazopedzisira vava nechivi uye izvi zvakavaparamurira matambudziko ivo nevana vavo.

Kwezviuru zvemakore, Jehovha akapa vanhu mukana wokuti vazvitonge asi zvakaitika zvinoratidza kuti vanhu havazvikwanisi. Zvinoratidza kuti hurumende dzose dzevanhu dziri kuita kuti vanhu vatambure. Hapana kana hurumende imwe chete yakakwanisa kupedza hondo, kuparwa kwemhosva, udzvinyiriri kana kuti zvirwere.

Mwari Achagadzirisa Sei Zvinhu?

Bhaibheri rinotivimbisa kuti munguva pfupi iri kuuya Mwari achaita kuti pave nenyika itsva yakarurama. (2 Petro 3:13) Vanhu vachabvumidzwa kugara munyika iyoyo ndevaya chete vanoratidza kuti vanoda Mwari nevanhu.—Dheuteronomio 30:15, 16, 19, 20.

Bhaibheri rinotaurawo kuti pa“zuva rokutongwa” iro rava pedyo, Mwari achabvisa kutambura uye vanhu vanokonzera kutambura. (2 Petro 3:7) Mushure meizvi, Jesu Kristu uyo akasarudzwa naMwari semutongi, ndiye achange ava kutonga vanhu vanoteerera. (Dhanieri 7:13, 14) Zvii zvichaitika paanenge ava kutonga? Bhaibheri rinoti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

Jesu saMambo wokudenga achabvisa matambudziko akadai sezvirwere, kuchembera uye kufa, ayo akavapo vanhu pavakapandukira Jehovha, “tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Jesu acharapa vose vanobvuma utongi hwake hworudo. Paachange ava kutonga, vimbiso idzi dzeBhaibheri dzichazadzikiswa:

◼ “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’ Vanhu vachagara munyika yacho vachava vaya vakaregererwa kukanganisa kwavo.”—Isaya 33:24.

◼ “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

Hazvinyaradzi here kuziva kuti munguva pfupi iri kuuya Mwari achazadzisa vimbiso yake yokuti achabvisa kutambura kwose? Asi parizvino tinogona kuva nechokwadi chokuti anonzwa minyengetero yedu kunyange zvazvo achitirega tichitambura.

Mwari ariko. Anogona kukunzwa kunyange paunenge uchirwadziwa uye uchishushikana. Uye anoda kuti urarame kusvikira panguva ichapera zvose zvinoita kuti usava nechokwadi uye zvinokurwadza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe