Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Pane Chakaipa Here Kuna Mwari Kana Ndikasvuta Fodya?
▪ Munhu anogona kubvunza mubvunzo iwoyo nomwoyo wose sezvo pasina mutemo uri muBhaibheri unotaura nezvefodya. Asi zvinoreva here kuti hatigoni kuziva maonero anoita Mwari nyaya iyi? Hazvirevi hazvo kudaro.
Bhaibheri rinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Magwaro anotaura zvinhu zvakajeka zvinoratidza kuti Mwari anoda kuti titarisire sei utano hwedu. Ngatimbotanga nokukurukura zvakawanikwa nevatsvakurudzi zvinoratidza kuti kusvuta kunokanganisa sei utano hwevanhu. Zvadaro tichakurukura kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinoenderana papi nezvakawanikwa nevatsvakurudzi.
Kusvuta kunokanganisa utano uye ndicho chinhu chinonyanya kukonzera rufu runogona kudzivisika. Munyika yeUnited States, pavanhu vashanu voga voga vanofa, mumwe chete wavo anourawa nefodya. Sangano rinonzi National Institute on Drug Abuse rinoti munyika iyi nhamba yevanofa nefodya gore negore yakawanda kupfuura yevose vanourawa “nedoro, madhiragi, tsaona dzemotokari, chirwere cheAIDS, vanoita zvokupondwa, uye vanozviuraya.”
Vanosvuta fodya vanokuvadza vamwe. Utsi hwefodya hunokuvadza pasinei nokuti hushoma zvakadini. Mukana wokubatwa nechirwere chemapapu nechemwoyo kune vaya vasingasvuti asi vachifema utsi hwacho unowedzera nezvikamu 30 muzana. Mumakore achangopfuura vanachiremba vakaona kuti pane rimwe dambudziko rinokonzerwa nevanosvuta fodya. Munhu paanosvuta fodya, kunyange hazvo utsi huchinyangarika, pane muchetura unosaririra pahembe, pamakapeti nezvimwewo zvinhu. Muchetura uyu unonyanya kukanganisa utano hwevana vaduku uye ungaita kuti pfungwa dzavo dzinonoke kubata zvinhu.
Fodya inopinda muropa. Inoita kuti munhu ave muranda wayo. Vanotsvakurudza vanototaura kuti kana munhu akapindwa muropa nemuchetura uri mufodya unonzi nicotine, zvakaoma chaizvo kuzoirega.
Zvinotaurwa neBhaibheri zvinoenderana papi nezvataurwa pamusoro apa? Ona zvinotevera:
Mwari anoda kuti tikoshese upenyu. Mumutemo waakapa vaIsraeri, Mwari akataura kuti vaya vaida kumufadza vaifanira kuremekedza upenyu hwemunhu. (Dheuteronomio 5:17) VaIsraeri vaifanira kuvaka karusvingo kanodzivirira kaitenderera matenga edzimba dzavo. Vaizviitirei? Matenga acho aiva akati sandara uye ndipo pavaitandarira. Karusvingo aka kaidzivirira vanhu kuti vasadonha vokuvara kana kufa. (Dheuteronomio 22:8) Uyezve, vaIsraeri vaifanira kungwarira kuti zvipfuwo zvavo zvisakuvadza vanhu. (Eksodho 21:28, 29) Munhu anosvuta fodya anenge achipikisana nepfungwa dzinokosha dzinotsigirwa nemitemo iyi. Anokanganisa utano hwake nemaune. Uye anokanganisawo utano hwevamwe.
Mwari anotarisira kuti timude uye tidewo vavakidzani vedu. Jesu Kristu akati vateveri vake vanofanira kuteerera mitemo miviri mikuru kune mimwe yose. Vanofanira kuda Mwari nomwoyo wavo wose, mweya, pfungwa nesimba, uye vanofanira kuda muvakidzani wavo sezvavanozviita. (Mako 12:28-31) Sezvo upenyu chiri chipo chinobva kuna Mwari, munhu anosvuta fodya anoratidza kuti haatomboremekedzi zvachose chipo ichi uye anoratidzawo kuti haadi Mwari. (Mabasa 17:26-28) Kusvuta ikoko kunogona kukanganisa chaizvo utano hwevamwe, saka haagoni kutaura kuti anoda muvakidzani wake.
Mwari haadi kuti tiite tsika dzisina kuchena. Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti vazvichenese “pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu.” (2 VaKorinde 7:1) Zviri pachena kuti kusvuta fodya kunosvibisa munhu. Vaya vanenge vachida kurega kusvuta kuti vafadze Mwari vanonangana nedambudziko rakaoma. Asi vanogona kubatsirwa naMwari vorega tsika iyi inosvibisa inenge yavapinda muropa.