RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 143
  • Kusvuta Kwakaipa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusvuta Kwakaipa Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Bhaibheri rine zvarinotaura here nezvekushandisa mbanje nemamwe madhiragi zvekungonakidzwa chete?
  • Midzanga Unoiramba Here?
    Mukai!—1996
  • Ndinofanira Kuzivei Nezvokusvuta?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Pane Chakaipa Here Kuna Mwari Kana Ndikasvuta Fodya?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mwari Anoona Sei Kusvuta?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 143
Munhu ari kusvuta

Kusvuta Kwakaipa Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri haritauri nezvekusvutaa kana kushandisa fodya. Asi rinoratidza kuti Mwari haadi zvinhu zvisina kuchena uye zvinokanganisa utano. Saka haabvumiri kusvuta.

  • Kukoshesa upenyu. “Mwari . . . anopa vanhu vose upenyu nemhepo yokufema .” (Mabasa 17:24, 25) Sezvo upenyu huri chipo chinobva kuna Mwari, hatifaniri kuita zvinhu zvinodimburira upenyu panzira zvakadai sekusvuta. Pasi rese, kusvuta ndicho chimwe chinhu chiri kuuraya vanhu vanga vasingafaniri kufa.

  • Kuda muvakidzani. “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Kusvuta pane vanhu hakuratidzi rudo. Vaya vanogara vachifema chiutsi chevanhu vari kusvuta fodya, vari pangozi yekubatwa nezvirwere zvinobata vanosvuta vacho.

  • Kuva vatsvene. Ipai “miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari.” (Varoma 12:1) ‘Ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nemweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.’ (2 VaKorinde 7:1) Kusvuta kunoita kuti munhu ave asina kuchena nekuti vaya vanosvuta vanenge vachitosvibisa miviri yavo nezvinhu zvinovakuvadza.

Bhaibheri rine zvarinotaura here nezvekushandisa mbanje nemamwe madhiragi zvekungonakidzwa chete?

Bhaibheri haritauri nezvembanje kana kuti mamwe madhiragi nemazita. Asi rinoratidza kuti kushandisa zvinhu zvinodhaka izvi zvekungonakidzwa, hakuna kunaka.Kuwedzera pazvinhu zvambotaurwa, fungawo zvinhu zvinotevera:

  • Kudzora pfungwa dzedu. “Ida Jehovha Mwari wako . . . nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37, 38) “Nyatsosvinurirai.” (1 Petro 1:13) Munhu haakwanisi kudzora pfungwa dzake paanenge achishandisa madhiragi, uye vakawanda vanotopindwa muropa nawo. Pfungwa dzavo dzinenge dzangova pakushandisa madhiragi pane kuti vafunge zvinhu zvinobatsira.—VaFiripi 4:8.

  • Kuteerera mitemo yenyika. ‘Teererai hurumende nevanhu vane masimba.’ (Tito 3:1) Munyika dzakawanda kune mitemo inorambidza kushandiswa kwemamwe madhiragi. Kana tichida kufadza Mwari, tinofanira kuteerera zvinotaurwa nehurumende.—VaRoma 13:1.

Zvinoita Fodya Kuutano Hwako

Sangano reWorld Health Organization rinoti gore rega rega, vanhu vanosvika 6 000 000 vanofa nezvirwere zvinokonzerwa nekusvuta fodya. Nhamba iyi inosanganisira vanhu vanopfuura 600 000 vaita zvekufema utsi hwevanosvuta. Chimbonzwa kuti fodya inokanganisa sei utano hwevanoisvuta uye hwevavanogara navo.

Kenza. Utsi hwefodya hune makemikari anokonzera kenza anodarika 50. Encyclopædia Britannica inoti utsi hwefodya ndihwo “hunofungidzirwa kuti hunokonzera 90% yekenza yemumapapu.” Utsi hwefodya hunogona kukonzera kenza mumuromo, pahuro, pachiropa, mudundira nedzimwewo nhengo dzemuviri.

Zvirwere zvekufema. Utsi hwefodya hunogona kukonzera zvirwere zvinokanganisa kufema zvakadai sechibayo uye furuu. Vana vanogara vachifema utsi hwefodya vari pangozi yekurwara neasthma, chikosoro chisingaperi uye kusashanda zvakanaka kwemapapu.

Chirwere chemwoyo. Vanhu vanosvuta vari pangozi yekuita sitiroko kana kuti chirwere chemwoyo. Utsi hwefodya hune carbon monoxide, uye painopinda mumapapu inobuda ichienda muropa mainonosvikobvisa oxygen. Kana muviri musisina oxygen yakakwana, mwoyo unenge wava kutofanira kushanda nesimba kuti muviri uve neoxygen yakakwana.

Zvinokanganisa vanaamai vakazvitakura. Madzimai anosvuta akazvitakura anoisa vana vavo pangozi yekuberekwa nguva isati yakwana, vakaondoroka, kana kuti vaine urema hwakadai sekutsemuka muromo. Vana vakadaro vanogona kunetseka nezvirwere zvinokanganisa kufema kana kuti kungoerekana vafa vachiri vacheche.

a Kusvuta kunosanganisira fodya yemidzanga, yechikwepa, kana kuti inosvetwa nemumapaipi. Asi mazano achataurwa munyaya ino anoshandawo panyaya yefodya yekutsenga, yebute neimwewo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe