RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 10/15 pp. 3-6
  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuBrazil

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuBrazil
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “ZVAKANDIOMESA MATE MUKANWA”
  • AKAKURUDZIRWA KUTI AONGOROREZVE USHUMIRI HWAKE
  • KUVA NYANZVI YEMIMHANZI KANA KUTI KUVA MUPARIDZI?
  • “NDAIFANIRA KUTONGOGARA”
  • Kubvuma Zvaunokumbirwa naJehovha Kunounza Mibayiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuEcuador
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Akawana Simba Rokuchinja
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Jehovha Akakomborera Kutsunga Kwangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 10/15 pp. 3-6

Vakazvipa Nemwoyo Unoda​—kuBrazil

MAKORE apfuura, imwe hanzvadzi yava nemakore 30 inonzi Rúbia (1), yakashanyira Sandra (2), aipayona mune imwe ungano duku iri kumaodzanyemba kweBrazil. Ari ikoko, pane zvakaitika zvakamufadza chaizvo zvakaita kuti Rúbia azochinja upenyu hwake. Chii chakaitika? Ngatinzwei iye Rúbia achitsanangura.

“ZVAKANDIOMESA MATE MUKANWA”

“Sandra akaenda neni kunoona mumwe mukadzi waaidzidza naye Bhaibheri. Tiri pakati pokudzidza, mukadzi uyu akati: ‘Sandra, pane vamwe vasikana vatatu vekubasa kwangu vari kuda kudzidza Bhaibheri, asi ndakavaudza kuti vanofanira kutomirira. Ndinoziva kuti gore rino rose wakawandirwa.’ Zvakandiomesa mate mukanwa. Vanhu vaida kuziva nezvaJehovha vaitofanira kumirira kuti vadzidzwe navo! Kuungano yekumba, zvaitondinetsa kuti ndiwane kana munhu mumwe chete wokudzidza naye. Tiri mumba memudzidzi iyeye weBhaibheri, ndipo pandakabva ndava nechido chikuru chokubatsira vanhu vomuguta iri duku. Ndakabva ndatama kubva muguta guru randaigara ndichienda kuguta raipayona Sandra.”

Zvinhu zvakafambira sei Rúbia? Anotaura kuti: “Pasina mwedzi miviri ndatamira ikoko, ndakanga ndava kutoitisa zvidzidzo zveBhaibheri 15 uye pasina nguva, ndakanga ndatovawo nevanhu vakawanda vaitoita zvokundimirira kuti vadzidze neni saSandra!”

AKAKURUDZIRWA KUTI AONGOROREZVE USHUMIRI HWAKE

Diego (3), imwe hama ichangoti pfuurei makore 20, yakashanyira boka remapiyona raishanda mune rimwe guta duku riri kumaodzanyemba kweBrazil rePrudentópolis. Kushanya kwaakaita kwakamukurudzira zvikuru, zvokuti akabva aongorora ushumiri hwake. Anotsanangura kuti: “Muungano ndaingonamatawo hangu, ndichingoita maawa mashomanana pamwedzi muushumiri. Asi pandakashanyira mapiyona aya ndichinzwa zvinhu zvavakasangana nazvo, ndakatanga kuenzanisa mufaro wavaiva nawo nekusakoshesa kwandaiita ushumiri. Pandakaona kufara kwavaiita, ndakangoti dai upenyu hwangu hwaizova sehwavo.” Pashure pokushanya, Diego akabva atanga kupayona.

Uri Chapupu chechiduku chiri kungoita basa rekuparidza nekupinda misangano yechiKristu zvachero sezvaiitwa naDiego asi uchiona kuti kuparidza hakusi kukunakidza here? Kana zvakadaro, unogona here kugadzirisa zvinhu muupenyu hwako kuti uwane mufaro unobva pakushumira kunenge kuchidiwa vaparidzi voUmambo vakawanda? Zvinonzwisisika kuti unganzwa uchityira kure kusiya upenyu hwemutambarakede. Kunyange zvakadaro, kune vechiduku vakawanda vakasarudza kuzviita. Vakazvipira kugadzirisa zvinangwa zvavo kuitira kuti vanyatsoshumira Jehovha. Funga nezvemuenzaniso unotevera waBruno.

KUVA NYANZVI YEMIMHANZI KANA KUTI KUVA MUPARIDZI?

Makore apfuura, Bruno (4), uyo ava nemakore 28, akapinda chikoro chakakurumbira chemimhanzi, uye chinangwa chake chaiva chokuzotungamirira chikwata chevaimbi. Akatofambira mberi chaizvo nezvidzidzo zvake zvokuti pane dzimwe nguva aitombodanwa kuti atungamirire chimwe chikwata chevaimbi vakawanda. Airatidza kuti aizobudirira mubasa rake. Bruno anoti: “Kunyange zvakadaro, ndaiona kuti pane chimwe chinhu chandaishayiwa muupenyu. Ndakanga ndazvitsaurira kuna Jehovha, asi ndaiona kuti ndakanga ndisiri kumushumira nemwoyo wose, uye izvi zvaindinetsa. Ndakanyengetera kuna Jehovha ndichitaura manzwiro angu, uye ndakataura nehama dzine ruzivo dzaiva muungano. Ndafungisisa, ndakazosarudza kukoshesa ushumiri hwangu pane kuita zvemimhanzi, ndikasiya zvechikoro chemimhanzi, uye ndakabva ndaenda kunoshumira kunzvimbo yaidiwa vaparidzi voUmambo.” Zvakamufambira sei?

Bruno akatamira kuguta reGuapiara (rine vagari vanenge 7 000), makiromita 260 kubva muguta reSão Paulo. Zvinhu zvakamuchinjira zvikuru. Anoti: “Ndakanga ndava kugara mukamba kasina kana firiji, TV, kana Indaneti. Zvisinei, pamba apa paiva nezvimwe zvandakanga ndisati ndambova nazvo zvakadai sebindu remuriwo nemiti yemichero!” Bruno paaishumira ikoko mune imwe ungano duku, kamwe chete pavhiki aiisa zvokudya, mvura, nemabhuku mubhegi rake oenda kunoparidza kumaruwa nemudhudhudhu wake. Vakawanda munzvimbo iyi vakanga vasati vambonzwa mashoko akanaka. Anoti: “Ndaiitisa zvidzidzo zveBhaibheri 18. Pandaiona vadzidzi ivavo vachichinja upenyu hwavo zvaindifadza zvikuru!” Anowedzera kuti: “Panguva iyi ndipo pandakatanga kuona kuti ndainge ndawana chinhu chandanga ndichishayiwa muupenyu, kugutsikana kunobva pakuisa zvinhu zvoUmambo pakutanga. Kudai ndakanga ndaramba ndichimhanyisana nezvinhu zvenyika ndingadai ndisina kumbowana mufaro wakadai.” Bruno aiwana sei chouviri paaiva kuGuapiara? Achinyemwerera anoti: “Ndaidzidzisa vanhu kuridza magitare.” Neimwe nzira akanga achiri nyanzvi yemimhanzi.

“NDAIFANIRA KUTONGOGARA”

Mariana (5), uyo ava nemakore ava kuda kusvika 30, akasangana nemamiriro ezvinhu akada kufanana neaBruno. Aiva gweta, asi pasinei nebasa rake raibhadhara, akanga asinganyatsogutsikane. Anoti: “Ndainzwa sokuti ndakanga ‘ndichidzingana nemhepo.’” (Mup. 1:17) Hama nehanzvadzi dzakati kuti dzakamukurudzira kuti afunge nezvekupayona. Afungisisa nezvazvo, Mariana, neshamwari dzake Bianca (6), Caroline (7), naJuliana (8), vakasarudza kubatsira ungano yaiva kuBarra do Bugres, guta riri kwaro roga riri pedyo neBolivia, iro raiva kure chaizvo nekwavaigara. Zvii zvakazoitika?

Mariana anoti: “Chinangwa changu chaiva chokugarako mwedzi mitatu. Asi pakazopera mwedzi iyoyo, ndakanga ndava kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 15! Zvaiva pachena kuti vadzidzi ivavo vaida kubatsirwa kuti vafambire mberi muchokwadi. Zvakandiomera kuti ndiende ndichivasiya. Ndaifanira kutongogara.” Ndizvo zvakaita hanzvadzi dzose idzi dziri ina. Saka basa raMariana idzva rakaita kuti upenyu hwake huve nechinangwa here? Anotaura kuti: “Kuziva kuti Jehovha anondishandisa kuti ndibatsire vanhu kuti vachinje upenyu hwavo kunondifadza zvikuru. Chikomborero kuziva kuti iye zvino ndava kushandisa nguva yangu nesimba pakuita chimwe chinhu chakakosha.” Manzwiro anoita hanzvadzi idzi anooneka mumashoko aCaroline okuti: “Pandinorara usiku, ndinenge ndichinyatsogutsikana zvikuru nokuti ndinenge ndashanda nesimba kuita basa roUmambo. Upenyu hwangu hwakanangana nokubatsira vanhu vandinodzidza navo Bhaibheri. Zvinozofadza kuvaona vachifambira mberi. Ndiri kuzvionera kuti mashoko okuti, ‘Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka,’ ndeechokwadi.”—Pis. 34:8.

Chokwadi Jehovha anofara zvikuru paanoona kuwanda kuri kuita hama nehanzvadzi dzechiduku pasi pose dziri ‘kuzvipa nemwoyo unoda’ kuti dziparidze mashoko akanaka oUmambo kunzvimbo dziri kwadzo dzoga! (Pis. 110:3; Zvir. 27:11) Vashandi vose ava vanopedzisira vawana chikomborero chaJehovha chinopfumisa.—Zvir. 10:22.

“Hatina Kana Chatakashayiwa”

João Paulo nemudzimai wake Noemi, pavakataura kuti vaida kunoshanda kwaidiwa vaparidzi voUmambo vakawanda, vamwe vanhu vakavashora. Vamwe vaiva muungano vaiti: “Munogona kuzova nenhamo yemari kana mukatamira kuguta duku.” Vamwewo vachiti, “Muri kuda kutamirei? Pane zvakawanda zvichiri kuda kuitwa muungano medu.” João Paulo anoti: “Zvakanga zvakaoma kuti tirambe tiine chido chokuenda taudzwa mashoko akadaro nevanhu vaitida asi achiodza mwoyo.” Zvisinei, iye zvino pashure pemakore vachishumira mune nzvimbo inodiwa vaparidzi vakawanda, João Paulo naNoemi vari kufara nokuti havana kuchinja zvavakanga vasarudza zvokuwedzera ushumiri hwavo. João Paulo anotsanangura kuti: “Kubvira patakauya kuno, hatina kana chatakashayiwa. Kana totaura nezvezvinhu zvinonyatsokosha, tava nazvo kupfuura zvataiva nazvo nekure.” Noemi anowedzera kuti: “Takauyira zviripo.”

Kuwana chokurarama nacho mumaguta maduku kwakaoma. Vaya vakatamira kunzvimbo dziri kwadzo dzoga vanowana sei mari yokurarama nayo? Vanoita mabasa akasiyana-siyana. Vamwe vanodzidzisa Chirungu kana mumwe mutauro, vanoitisa vana vechikoro zvidzidzo zvekumba, vanosona kana kuti kupenda dzimba kana chero rimwe basa ravangaita risingavatoreri nguva yakawanda. Vose vanoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda vanobvumirana kuti zvikomborero zvavanowana zvinopfuura nekure matambudziko avanosangana nawo!

Dambudziko Rekusuwa Kumba

Tiago: “Ndichangosvika muungano itsva ndakatanga kusurukirwa. Kwakanga kuine vaparidzi vashomanana uye kwakanga kusina zvakawanda zvinovaraidza. Ndakatanga kusuwa kumba. Ndakaona kuti ndaitofanira kuita chimwe chinhu chaizoita kuti ndifare. Saka ndakatora matanho okuti ndizivane nehama nehanzvadzi dzemuungano, uye zvakashanda! Ndakava neshamwari itsva uye pasina nguva ndakanga ndava kufara uye ndichinzwa sendatova kumba chaiko.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe