RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 10/1 pp. 26-29
  • Jehovha Akakomborera Kutsunga Kwangu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Akakomborera Kutsunga Kwangu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhuri Inotama
  • Onano Yokutanga Nezvokwadi yeBhaibheri
  • Kuzadzika Chishuvo Changu Chikurusa
  • Masuo Matsva Ebasa Anozaruka
  • Kudzivirira Fariro dzoUmambo
  • Gilead Inosimbisa Kutsunga Kwangu
  • Tsungiriro Inotungamirira Kufambiro Mberi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kutsungirira Kunounza Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ndakasimbiswa Nechivimbo Changu Muna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kubatira Jehovha Semhuri Yakabatana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 10/1 pp. 26-29

Jehovha Akakomborera Kutsunga Kwangu

YAKATAURWA NARICHARD WUTTKE

“Uchafa mukati memwedzi mitatu!” “Munorevei?” “Ndizvo izvo chiremba wawakabvunza muAssis akandiudza,” mukoma wangu William akapindura kudaro.

ASI ndaida kurarama, kwete kufa. Kwenguva yokutanga, ndakanyengetera kuna Mwari nokuda kwebetsero. Nomufaro, makore 46 gare gare, ndinogona kutaura kuti kunyange zvazvo chiremba asina kutaura chakanga chiri chinetso changu, nzvero yake yakanga isina kururama. Katyamadzo, zvisinei, yakandiita kuti ndifunge pamusoro pedonzo rangu muupenyu nokudikanwa kwokubatira Musiki wedu.

Mhuri Inotama

Apo ndakaberekwa pana November 11, 1921, vabereki vangu vakanga vachigara muGrosen, taundi duku mumabvazuva eGermany. Ivo vakaberekerwa muRussia navatami veGermany. Asi, apo mukiro yaBolshevik muna 1917 yakapinza chiKomonizimu, ivo pamwe chete navamwe vakabva Germany vakadzingwa ndokurasikirwa nezvinhu zvavo zvose. Pashure porwendo rurefu nechitima chinotakura zvinhu, vabereki vangu navana vavo vaduku vakasvika pamuganhu weGermany. Zvisinei, ivo vakarambidzwa kupinda uye vaitofanira kuita rwendo rwokudzokera kuRussia. Ikoko vakarambidzwa kupindazve, naizvozvo vaifanira kudzokera kuGermany. Pashure pemwedzi yenhamo, pakupedzisira vakabvumirwa kupinda munyika.

Apo ndakanga ndava namakore gumi okukura, baba vangu vakafa. Makore maviri gare gare, muna 1933, Hitler akatonga, uye ndakamanikidzirwa kukumbanira sangano reNazi Youth. Mukati mehurumende yaHitler, makanga mune zvinetso zvavaGermany vakaberekerwa mudzimwe nyika, uye kwakanga kune ufakazi hwokuti Germany yakanga ichigadzirira imwe hondo. Naizvozvo takasarudza kuenda kuBrazil, tichikurudzirwa navamwe vakanga vatotamirako. Takasvika muSantos, Brazil, muna May 1936.

Pashure pokushanda mwedzi mishomanene mumunda wekofi, takatenga purazi duku munharaunda yakaorera pedyo neMaracaí munyika yeSão Paulo. Apo takanga tichivaka imba yedu, takakwanisa kugara mumusha womufundisi weLutheran. Iye akatikurudzira kupinda chechi yake asi apo iye, uye gare gare mutsivi wake, akavamba kutaura zvamatongerwe enyika mumharidzo dzake, takabva muchechi yacho.

Onano Yokutanga Nezvokwadi yeBhaibheri

Pakanga pari panenge panguva ino apo mukoma wangu akandiudza pamusoro peongororo yakakomba yachiremba. Naizvozvo ndakaenda kuSão Paulo kundowana mufungo wechipiri. Apo ndakanga ndiriko, mhuri yandakanga ndichigara nayo yakashanyirwa neshamwari yavo, Otto Erbert. Iye akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye akavamba kupupurira kwatiri. Zvisinei, mhuri yacho haina kunzwisisa zvaakanga achitaura, uye mumwe nomumwe ivo vose vakabva mukamuri, vachisiya ini ndine mushanyi wavo.

Otto akataura kwandiri kwaanenge maawa maviri panhau dzehero yomwoto; kusafa kwomweya; Mwari wechokwadi, Jehovha; Umambo hwake; uye tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi. Inguva yemberi yakaisvonaka zvakadini yaakaratidzira! Yakanga yakasiana sei neizvo ndakanga ndadzidza muChechi yeLutheran! Pakupedzisira, Otto akabvunza, kuti: “Unodavira dzidziso dzenhema dzechiKristudhomu kana kuti Bhaibheri here?”

“Bhaibheri,” ndakapindura kudaro.

“Ipapo rifunde!” iye akakurudzira kudaro, achiwedzera, kuti: “Kana uchida kunzwa zvakawanda pamusoro paro, uya undione.” Sezvo ndakada izvo ndakanga ndanzwa, zvikurukuru pamusoro pokurarama nokusingaperi pasi pano, ndakaenda kundomuona zuva rakatevera racho. Kurukurirano yechipiri iyoyo yakandipwisa kuti ndakanga ndawana ‘zvokwadi inosunungura rudzi rwomunhu.’ (Johane 8:32) Ndakabva ndine kabhukwana, Health and Life, uye kokero kufundo yeBhaibheri muchiGermany.

Kuzadzika Chishuvo Changu Chikurusa

Munguvayo, ndakawana kurapwa kwakafanira uye ndakakwanisa kudzokera kumusha. Ndakaenda naOtto Erbert nokuda kwezororo. Mai vakafara zvikuru kuti ndakanga ndichifunda Bhaibheri, bhuku iro nguva dzose raiva patafura yedu asi risina kutongorahwa. Pashure pokunge Otto adzokera kuSão Paulo, ndakava nefundo yeBhaibheri nemhuri yangu hunodokuva usiku huri hwose, zvakanakisisa sezvandaigona. Ndakafara zvikuru apo mai vangu, mukoma wangu Robert, uye hanzvadzi yangu Olga vose vakagamuchira shoko rezvokwadi. Musha wedu nguva dzose wakanga wave uri nzvimbo yomubato wenzanga, asi pashure peinenge mwedzi miviri yokupupurira kwedu, wakadokuva usino munhu. Mumwe waavo vaisiuya kumusha kwedu akati: “Kana mukapfuurira naikoku, muchaguma mava munzvimbo yamapenzi!”

Zvisinei, chishuvo changu chokubatira Jehovha chakapfuurira kukura. Ndakawana zvinyorwa zvakawanda, uye ndairava kusvikira usiku chaihwo. Asi mabhuku ose akanga ari muchiGermany, uye ndakaziva kuti kana ndaizodzidzisa vamwe, ndaizofanira kudzidza chiPutukezi. Naizvozvo, muna 1945, ndakatamira kuSão Paulo kundofunda chiPutukezi. Ndakagara naOtto Erbert, uyo gare gare akaroora hanzvadzi yangu Olga.

Pamwe chete navamwe vanenge 50, ndakavamba kupinda misangano muHoro yoUmambo bedzi muSão Paulo. Ungano imwe iyoyo zvino yakura kusvikira kuungano dzinopfuura 510 muSão Paulo huru, navanopfuura vaparidzi voUmambo 50 000. Pana January 6, 1946, ndakabhapatidzwa muratidziro yetsauriro yangu yokuita kuda kwaMwari. Gore rimwe chetero ndakapinda “Farai Marudzi” Gungano Roubati Ushe hwaMwari muSão Paulo, gungano guru rangu rokutanga. Wakanga uri mufaro wakadini kuona vanhu vane 1 700 vaivapo paSvondo! Paiyi kokorodzano ndakasangana naOtto Estelmann, uyo akandikurudzira, achiti: “Richard, uri muduku; wakasimba; naizvozvo iva piona.”

Ndakanga ndarangarira ushumiri hwenguva yakazara kare, asi zvino ndakaita saizvozvo zvakakomba zvikuru. Pamwe navamwe vaviri ndakasarudza nguva mwedzi mitanhatu munguva yemberi yokuvamba. Apo nguva yacho yakasvika, ndakabvunza, kuti: “Magadzirira kuenda here?” Hapana nomumwe wavo akanga akagadzirira. Naizvozvo ndakavaudza kuti ndaingozovamba zvangu. “Uchava nezvinetso,” ivo vakanyevera kudaro. Asi ndakaomerera kuchisarudzo changu. Pana May 24, 1947, ndakagamuchira mugove wangu sapiona wenguva dzose.

Masuo Matsva Ebasa Anozaruka

Ndima yangu yakanga iri hombe, kubatanidza zvikamu zvinogarwa nezvebhizimisi zveSão Paulo. Ndakagovera mazana amabhuku namabhukwana mwedzi mumwe nomumwe. Mangwanani mamwe ndakapinda mukamuri huru umo varume vanoverengeka vakanga vachishanda. Ndakakwira kumurume wokutanga ndokumugovera bhuku ra“The Truth Shall Make You Free.”

“Une mabhuku mangani muchikwama chako?” akabvunza kudaro.

“Anenge 20,” ndakapindura kudaro. Iye akaatora ose ndokupa rimwe kumurume mumwe nomumwe aivamo. Yakabvumikisa kuva horo yeguta!

Zvisinei, mufaro wangu mukurusa wakanga uri mukuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Mukati mamakore mana, kuonga kuna Jehovha, 38 vaavo ndakafunda navo vakabhapatidzwa. Vanoverengeka vakatanga ushumiri hwenguva yakazara. Pakati pavo pakanga pana Afonso Grigalhunas, uyo akabatira kwaanopfuura makore gumi sapiona webetsero, kutozosvikira parufu rwake muna 1988—uye ikoko negumbo rokuisira. Ipapo kwakanga kune mhuri yaCiuffa. Francisco, mwanakomana, akabatira kwamakore somutariri anofambira, uye hanzvadzi yake, Ângela, achiri piona.

Muna 1951 ndakakokwa kuva mutariri anofambira. Mugove wangu wakabatanidza nharaunda huru dzenyika dzeRio Grande do Sul neSanta Catarina. Zviuru zvavanhu vorudzi rweEurope zvaigara imomo mumaodzanyemba eBrazil. Zhinjisa dzeshanyo dzaiva pavanhu vari voga namapoka, sezvo kwakanga kune ungano shomanene panguva iyoyo. Makanga mune nzizi dzakawanda asi mazambuko mashomanene, uko kwakareva kuyambuka duku nesutukezi yangu pamusana pangu uye tapureta yangu nechikwama mumaoko angu. Migwagwa yakanga isina kukurwa uye yakazadzwa namakomba. Kudzivirira zvipfeko zvangu paguruva, ndaipfeka chipfeko chichena chokunze. Ikoku kwakatungamirira vamwe kufunga kuti ndakanga ndiri muprista wavo mutsva, uye vakaedza kutsvoda ruoko rwangu.

Kudzivirira Fariro dzoUmambo

Sezvandakaedza kuchengeta zvinetso mumurangariro wakarurama, ndakatevera iyi nheyo: Kana vamwe vachigona kugara kure kwazvo namaguta, kufamba muutu tunzira ndokuyambuka idzi nzizi, neiko ini ndisingagoni kuita zvimwe chetezvo, zvikurukuru sezvo ndine shoko rinokosha zvakadaro rokuunza?

Zvinetso zvorudzi rwakasiana kazhinji kazhinji zvaimuka mumataundi maduku zvikuru. Somuenzaniso, imwe nguva takaita gadziriro dzokuva nomusangano muchikoro chomunzvimbomo pedyo nepaki. Pano rumwe rutivi rwepaki pakanga pane bhawa duku nechechi yeKaturike. Apo mudzidzisi asina kuuya kuzozarura chikoro, ndakasarudza kupa hurukuro mupaki. Nokukurumidza pashure pokunge hurukuro yavamba, varume vatanhatu vakabuda mubhawa ndokuvamba kudanidzira ndokusimudza maoko. Takaziva gare gare kuti vakanga vabhadharwa kuita ikoku nomuprista.

Ndakavamba kutaura zvinonzwika zvikuru, ndichitaura zvakananga kwavari. Ivo vakamira, uye mumwe akati: “Ari kutaura pamusoro paMwari. Muprista angagona sei kutaura kuti ndowaDhiabhorosi?” Apo muprista akaona kuti varume vakanga vasati vachizomisa musangano, akapinda mujipi yake ndokuchaira achitenderera paki, achidanidzira, kuti: “Munhu upi noupi ari muKaturike haafaniri kupinda uyu musangano!” Hakuna munhu akabva, uye musangano wakapfuurira norugare.

MuMirante do Paranapanema, São Paulo, ndakashanyira mukuru wamapurisa kuzotsanangura rudzi rwebasa redu nokukumbira kushandiswa kwehoro nokuda kwehurukuro yavose. Iye akatirongera kushandisa horo yebandiko. Takamuudza kuti taizova tichigadzirirawo mahendibhiri okuzivisa hurukuro. “Muchava muchiagovera murutivii rwetaundi?” iye akabvunza kudaro. Pashure pokunge tamuudza, akakumbira mamwe okugovera murumwe rutivi rwetaundi. PaSvondo iye akauya kuhurukuro, achiuya namamwe mapurisa maviri, sezvaakati, “kuchengetedza rugare.”

“Munoda kuti ndisume hurukuro yenyu here?” iye akabvunza kudaro.

“Ndingada izvozvo,” ndakapindura kudaro, “asi ndikutsanangurirei kusuma kwatinoita vakurukuri vedu.” Pashure pokundisuma, iye akagara pasi pachikuva kuti ateerere. Ndidavirei, vakanga vari vateereri vanosanozvibata. Hatina kuva nechinetso ipapo, namapurisa maviri aiva pasuo uye mukuru akagara pachikuva!

Muna March 1956 ndakagoverwa somutariri woruwa ndokubatira magungano muBrazil yose. Madaro okufamba akanga ari makuru. Pane imwe nguva kwakatora mazuva matatu kubva kugungano rimwe kuenda kunotevera. Murutivi rwokuchamhembe rwenyika, kufamba pane dzimwe nguva kwaiva nengoro. Idzodzi dzakanga dzisina mawindo, nokudaro dzaipinda mhepo yakawanda, iyoyi yakanga iri pfungwa yakanaka, nokuti vakwiri vaibatanidza huku nenguruve!

Gilead Inosimbisa Kutsunga Kwangu

Wakanga uri mufaro wakadini muna 1958 kupinda Watchtower Bible School of Gilead! Kirasi yedu yakapedza kufunda zhezha iroro mukati mekokorodzano yeYankee Stadium nePolo Grounds, apo vane 253 922 vakabva kunyika 123 dzakasiana-siana vakapinda hurukuro yavose. Chaiva chiono chakadini! Ipapo ndakadzokera kuBrazil, ndakatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kuramba ndichizivisa Umambo hwaJehovha.

Muna 1962 ndakaroora Ruth Honemann, uyo akanga atobatira anopfuura makore matanhatu somufundisi muBrazil. Chibviro cheroorano yedu ndakapfuurira kufarikanya maropafadzo okuwedzera ebasa, kuitisa kosi muChikoro Choushumiri hwoUmambo neChikoro Chebasa Roupiona, pamwe chete nokutungamirira mukuronga kokorodzano dzorudzi nedzamarudzi nomukuvaka Horo yeGungano yokutanga yeSão Paulo.

Panguva ino tiri kufarikanya ropafadzo hurusa yamabasa edu oubati ushe hwaMwari semitezo yemhuri yeBheteri yeBrazil. Ndichitarira shure paanopfuura makore 40 ebasa renguva yakazara, 35 awo somutariri anofambira, ndinogona kutaura kuti ave akazara nemibato inofadza, inotusa. (Zvirevo 10:22) Ndakadzidza zvakawanda musangano raJehovha, kubatanidza kudikanwa kwokuratidzira kuzviisa munzvimbo yavamwe, kuva shamwari kwete bhasi, uye kusava akanyanyobatikana zvokusagona kutarisira zvinodikanwa zvavamwe. Mumhedziso, ndingada kutaura, zvikurukuru kuvaduku, izvo Hama Estelmann akataura kwandiri makore apfuura, kuti: “Uri muduku; wakasimba; naizvozvo iva piona!”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Musha wedu wazvino, Bheteri yeBrazil

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe