RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 12/1 p. 3
  • Unonzwa Uri Pedyo naMwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unonzwa Uri Pedyo naMwari Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • UNOGONA KUVA PEDYO NAMWARI
  • Hapana Chinokosha Kupfuura Izvi Muupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvingaita Here Kuti ‘Uswedere Pedyo naMwari’?
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Unotaura naMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mwari Ndiye Shamwari Yakanakisisa Yaunogona Kuva Nayo
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 12/1 p. 3
Murume ari kufunga nezvaMwari

NYAYA IRI PAKAVHA | UNOGONA KUVA PEDYO NAMWARI

Unonzwa Uri Pedyo naMwari Here?

“Kuva shamwari yepedyo yaMwari kunoita kuti usava nechekutyira, ugutsikane uye ugadzikane. Kunoita kuti unzwe sokuti Mwari ari kugara achiita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.”​—CHRISTOPHER, MURUME WECHIDIKI WEKUGHANA.

“Mwari anoona kutambura kwese kwaunenge uchiita, uye anonyatsoratidza kuti anokuda, achikubatsira kupfuura zvaungafunga.”​—HANNAH ANE MAKORE 13 WEKUALASKA, U.S.A.

“Hapana chinokosha uye chinozorodza kupfuura kuziva kuti uri shamwari yaMwari yepedyo!”​—MUKADZI ANONZI GINA WEKUJAMAICA ANE MAKORE EKUMA40.

Christopher, Hannah, naGina havasivo voga vanonzwa saizvozvo. Vanhu vakawanda munyika yose vane chokwadi chekuti Mwari anovaona seshamwari dzake. Ko iwe? Unoonawo sekuti Mwari ari pedyo newe here? Unoda here kutanga ushamwari naMwari kana kuti kutova neushamwari hwakasimba naye? Pamwe unganetseka kuti zvinokwanisika here kuti munhu wenyama ave shamwari yaMwari Wemasimbaose? Kana zvichikwanisika, ungazviita sei?

UNOGONA KUVA PEDYO NAMWARI

Bhaibheri rinoratidza kuti zvinokwanisika kuti munhu ave shamwari yaMwari yepedyo. Rinoti Mwari akadana Abrahamu, muHebheru kuti “shamwari yangu.” (Isaya 41:8) Onawo zvauri kukumbirwa neushamwari kuti uite pana Jakobho 4:8 panoti: ‘Swedera pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo newe.’ Saka zviri pachena kuti munhu anogona kuva pedyo naMwari, kana kuti kuva shamwari yake. Asi sezvo Mwari asingaoneki, ungaswedera sei pedyo naye, wova shamwari yake?

Kuti tipindure mubvunzo uyu, funga nezvekukura kunoita ushamwari hwevanhu. Vanowanzotanga nekuzivana mazita. Pavanoramba vachikurukura zvavanofunga, ushamwari hwavo hunokura. Uyewo pavanoramba vachiitirana zvakanaka, ushamwari hwavo hunosimba. Tingati izvi ndizvowo zvinoitika pakuva neushamwari naMwari. Ngationei kuti zvakafanana papi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe