RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 3/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Tinofanira Kuyeuka Sei Rufu rwaJesu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Kudya kwaShe Kwemanheru—Kunochengetwa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 3/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Sei tichifanira kuyeuka rufu rwaJesu?

Vanhu vari kunakidzwa neupenyu muparadhiso panyika

Kufa kwakaita Jesu kuchatibatsira sei?—Isaya 25:8; 33:24

Rufu rwaJesu rwunokosha kupfuura zvose zvakamboitika munhoroondo yevanhu. Akafa kuti vanhu vadzokere pakuva neupenyu hwavaiva nahwo pakutanga. Munhu haana kusikwa aine pfungwa dzekuda kuita zvakaipa. Aisafanira kurwara kana kufa. (Genesisi 1:31) Asi chivi chakapinda munyika nemunhu wekutanga, Adhamu. Jesu akafa kuti atinunure pachivi nerufu.—Verenga Mateu 20:28; VaRoma 6:23.

Mwari akatiratidza rudo rwakakura nekutuma Mwanakomana wake panyika kuti azotifira. (1 Johani 4:9, 10) Jesu akaudza vateveri vake kuti vaite musangano usingashamisiri wekuyeuka rufu rwake, vachishandisa chingwa newaini. Kuita izvi gore negore kunoratidza kuti tinotenda rudo rwatakaratidzwa naMwari uye naJesu.—Verenga Ruka 22:19, 20.

Ndivanaani vanofanira kudya chingwa nekunwa waini?

Jesu paakatanga kuudza vadzidzi vake kuti vayeuke rufu rwake, akataura nezvesungano kana kuti chibvumirano. (Mateu 26:26-28) Sungano iyi yaizoita kuti ivo nevamwewo vaizosarudzwa vazova madzimambo nevapristi naye kudenga. Kunyange zvazvo mamiriyoni evanhu achiyeuka rufu rwaJesu, vaya chete vari musungano iyoyo ndivo vanodya chingwa nekunwa waini.—Verenga Zvakazarurwa 5:10.

Iye zvino patova nemakore angada kusvika 2 000, Jehovha achisarudza vaya vachazova madzimambo. (Ruka 12:32) Vanhu ava vashoma kana tichienzanisa nevachararama nekusingaperi panyika.—Verenga Zvakazarurwa 7:4, 9, 17.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 5 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo! rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Riripowo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe