RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 3/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Nei Jesu Akatambura Ndokufa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Mubvunzo 2: Chii Chichaitika Kwandiri Kana Ndafa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kufa Uye Kumuka kwaJesu—Kunoita Kuti Uwanei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 3/1 p. 16
Vanhu vari kufara pamhenderekedzo yegungwa uye vana vari kushambira

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Rufu rwaJesu runotibatsira sei?

Mwari paakasika vanhu, aida kuti vararame panyika nokusingaperi vasingamborwari kana kufa. Zvisinei, munhu wokutanga Adhamu haana kuteerera Musiki uye akarasikirwa netariro yokurarama nokusingaperi. Sezvo tiri vazukuru vaAdhamu, takagara nhaka yerufu kubva kwaari. (VaRoma 5:8, 12; 6:23) Mwari wechokwadi, Jehovha, akatuma Mwanakomana wake Jesu panyika kuti azofa, obhadhara zvakaraswa naAdhamu.—Verenga Johani 3:16.

Jesu akafira kuti vanhu vakwanise kurarama nokusingaperi. Unofunga kuti upenyu husingaperi panyika huchange hwakaita sei?

Rufu rwaJesu runoita kuti tikanganwirwe zvivi zvedu uye tikwanise kurarama nokusingaperi. Bhaibheri rinotitsanangurira zvichange zvakaita upenyu panyika patinenge tisisatamburi nekuchembera, zvirwere, uye rufu.—Verenga Isaya 25:8; 33:24; Zvakazarurwa 21:4, 5.

Tinofanira kuyeuka sei rufu rwaJesu?

Usiku hwokupedzisira asati afa, Jesu akaudza vateveri vake kuti vayeuke rufu rwake nenzira isingashamisiri. Kuyeuka rufu rwaJesu nenzira iyoyo gore negore kunotibatsira kufunga nezvokuti Jehovha naJesu vanoda vanhu zvakadini.—Verenga Ruka 22:19, 20; 1 Johani 4:9, 10.

Gore rino, Chirangaridzo cherufu rwaJesu chichaitwa musi weMuvhuro, April 14, zuva ranyura. Unokokwa kuti uvewo pachiitiko ichi pamwe chete neZvapupu zvaJehovha zvomunzvimbo yenyu.—Verenga VaRoma 1:11, 12.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona zvitsauko 4 ne5 zvebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Unogona kuritora pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe