RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 3/1 pp. 13-15
  • Zvipo Zvaikodzera Kupiwa Mambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvipo Zvaikodzera Kupiwa Mambo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUPFUURA NEMUGWENGA REARABIA
  • ‘MASHOKO AIVANZWA NEVAARABIA’
  • Zvokupoda-poda Munguva Dzinotaurwa muBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bharisamu yokuGiriyedhi—Mafuta Anorapa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 3/1 pp. 13-15
Zvinonhuwirira zvakasiyana-siyana

Zvipo Zvaikodzera Kupiwa Mambo

“Vazivi venyeredzi vokumativi okumabvazuva . . . vakasunungurawo pfuma yavo vakamupa zvipo, ndarama nezvinonhuhwirira zvichena nemura.”​—Mateu 2:1, 11.

UNGASARUDZA chipo chakaita sei kuti upe munhu anokosha chaizvo? Munguva inotaurwa muBhaibheri zvimwe zvinonhuhwirira zvaikosha segoridhe, zvokuti zvaitova zvipo zvaikodzera kupiwa mambo.a Ndosaka pazvipo zvakauya nevazivi venyeredzi vachinopa “mambo wevaJudha” paivawo zviviri zvinonhuhwirira.​—Mateu 2:1, 2, 11.

Mafuta eBharisamu

Mafuta eBharisamu

Bhaibheri rinotaurawo kuti mambokadzi weShebha akashanyira Soromoni, ndokumupa “matarenda endarama zana nemakumi maviri, nemafuta ebharisamu mazhinji kwazvo, nematombo anokosha; uye pakanga pasati pambova nemafuta ebharisamu akaita seakapiwa Mambo Soromoni namambokadzi weShebha.”b (2 Makoronike 9:9) Kwaivawo nemadzimambo aipa Soromoni mafuta ebharisamu nekuti vaimufarira.​—2 Makoronike 9:23, 24.

Munguva inotaurwa muBhaibheri, chii chaiita kuti zvinonhuhwirira izvozvo zvikoshe uye zvidhure? Zvaishandiswa pakuita zvinhu zvinokosha zvakasiyana-siyana zvakadai sepakupoda poda, pakunamata uye pakuviga mufi. (Ona bhokisi rakanzi “Kushandiswa Kwezvinonhuhwirira Munguva Inotaurwa muBhaibheri.”) Zvinonhuhwirira zvaidhura nekuti zvaidiwa nevanhu vakawanda uyewo kuzvitakura kwaidhura.

KUPFUURA NEMUGWENGA REARABIA

Kasiya

Kasiya

Munguva inotaurwa muBhaibheri mimwe miti yaigadziriswa zvinonhuhwirira yaimera muBani reJodhani. Asi zvimwe zvinonhuhwirira zvaitengwa kune dzimwe nyika. MuBhaibheri munotaurwa zvinonhuhwirira zvakasiyana-siyana. Zvainyanya kuzivikanwa zvacho zvinosanganisira, safuroni, arosi, bharisamu, sinamoni, zvinonhuhwirira zvichena uye mura. Kunewo zvimwe zvainyanya kuzivikanwa zvinoti kumini, mindi nedhiri, zvaiiswa mune zvekudya.

Zvimwe zvinonhuhwirira zvaibva kunyika dzipi? Arosi, kasiya, nesinamoni zvaibva kunyika dzava kunzi China, India uye Sri Lanka. Zvinonhuhwirira zvichena uye zvimwe zvakadai semura zvaibva pamiti uye makwenzi aimera munzvimbo dzakaita gwenga kutangira kumaodzanyemba kweArabia kusvika kuSomalia, muAfrica. Uyewo nadhi yaingowanika kuIndia chete, mumakomo eHimalaya.

Safuroni

Safuroni

Kuti zvinonhuhwirira zvakawanda zvisvike kuIsrael, zvaipfuura nemuArabia. Izvi ndizvo zvimwe zvakaita kuti mumakore ekuma2000 B.C.E. uye 1000 B.C.E., “zvinhu zvakawanda zvaitengeseranwa nevaiva kumabvazuva nevekumadokero zvigume zvava kungopfuura” nemuArabia chete, rinodaro The Book of Spices. Maguta neshongwe, uye zviteshi zvevafambi zvekare zviri mugwenga reNegev, riri nechekumaodzanyemba muIsrael, zvinoratidza maipfuura nevaitenga uye vaitengesa zvinonhuhwirira. Nzvimbo idzi “dzinoratidzawo kuti pane bhizimisi raiva nepurofiti yakakura raiitwa . . . kubva kumaodzanyemba kweArabia kusvika kuMediterranean,” inodaro UNESCO World Heritage Centre.

“Sezvo zvaitengeswa zviri zvishoma, zvichidhura, ukuwo zvichidiwa nevanhu, bhizimisi rezvinonhuhwirira raidiwa nevakawanda.”​—The Book of Spices

Mapoka evanhu vainge vakaremerwa nezvinonhuhwirira izvi vaigara vachifamba makiromita anenge 1 800 vachipfuura nemuArabia. (Jobho 6:19) Bhaibheri rinotaura nezveboka revafambi vaitengesa vechiIshmaeri vainge vakatakura zvinonhuhwirira zvinoti, “rabhudhanamu nebharisamu nemakwati anobudisa zvinonama,” kubva kuGiriyedhi vachienda nazvo kuIjipiti. (Genesisi 37:25) Vanakomana vaJakobho vakatengesa munin’ina wavo Josefa kuti ave muranda wevanhu ivavo.

‘MASHOKO AIVANZWA NEVAARABIA’

Dhiri

Dhiri

Kwemakore akawanda, vanhu vekuArabia ndivo vainyanya kutengesa zvinonhuhwirira. Ndivo chete vainge vava kutengesa zvinonhuhwirira zvaibva kuAsia zvakadai sekasiya nesinamoni. Vanhu vekuArabia vaiudza vanhu vekuMediterranean ngano dzaiita kuti vafunge kuti kuwana zvinonhuhwirira kwainge kwakaoma, nokuti vakanga vasingadi kuti vanozvitengera voga kunyika dzekumabvazuva. Saka zvinoita sekuti mashoko ekuti zvinonhuwirira zvaibva kupi “aivanzwa kupfuura zvakamboitika chero panguva ipi zvayo,” rinodaro The Book of Spices.

Kumini

Kumini

Ingano dzipi dzaiparadzirwa nevaArabia? Herodotus, muongorori wezvakaitika kare wechiGiriki akararama kuma400 B.C.E., akataura nezvengano dzeshiri dzaityisa dzaivaka matendere emakwati emusinamoni mumakomo ane mawere. Akanyora kuti vanhu vaiisa nhindi dzakakura dzenyama mujinga megomo racho kuti vawane sinamoni. Shiri idzi dzaibva dzatora nyama yakawanda dzichiisa mumatendere adzo, zvoita kuti adonhe. Varume vacho vaibva vanhonga makwati esinamoni, voatengesa. Ngano idzodzo dzakasvika kure. Saka “nhema idzi dzekuoma kwekuiwana [sinamoni] dzaiita kuti idhure zvisingaiti,” rinodaro The Book of Spices.

Mindi

Mindi

Zvaiedza kuvanzwa nevaArabia zvakazobuda pachena, bhizimisi ravo rikadonha. Pakazosvika 100 B.C.E., guta reAlexandria, riri muEgypt ndiro rakanga rava kunyanya kusvikira uye kutengeswa zvinonhuhwirira. Vafambisi vengarava pavakanga vava kuziva mafambiro emhepo yemuIndian Ocean munguva yekunaya, ngarava dzekuRome dzakatanga kufamba kubva kuEgypt dzichienda kuIndia. Izvi zvakaita kuti zvinonhuhwirira zviwande, mitengo yazvo ikaderera.

Mazuva ano zvinonhuhwirira hazvichakoshi segoridhe. Hazvichatomboiti kuti tizvione sezvipo zvinokodzera kupiwa mambo. Asi vanhu vakawanda pasi rose vachiri kuzvishandisa pakuita kuti zvokudya zvinake, pakugadzira mapefiyumu uye mishonga. Kunhuhwirira kwazvinoita ndiko kunoita kuti zvishandiswe nevakawanda sezvazvaingoitwa zviuru zvemakore zvakapfuura.

tumiti twesinamoni

Sinamoni

a Mumitauro yekutanga yeBhaibheri, kakawanda mashoko akashandurwa kuti “zvinonhuhwirira” anoreva zvinonhuhwirira zvinogadzirwa nemiti kwete zviya zvinoiswa mune zvekudya.

b “Mafuta ebharisamu” muto unonama kana kuti mafuta anonhuhwirira zvinobva pamiti nemakwenzi.

Kushandiswa Kwezvinonhuhwirira Munguva Inotaurwa muBhaibheri

Mafuta okuzodza nawo uye rusenzi tsvene. Jehovha akaudza Mosesi zvaifanira kushandiswa pakugadzira mafuta okuzodza nawo, kana kuti ekuzora, uye rusenzi tsvene. Mafuta acho uye rusenzi zvaiiswa zvinonhuhwirira zvina. (Eksodho 30:22-25, 34-38) Paiva nevapristi vaingoona nezvekugadzirwa kwemafuta ekuzodza, vova nechokwadi chekuti zvinhu izvi zviripo.​—Numeri 4:16; 1 Makoronike 9:30.

Mapefiyumu uye mafuta ekuzora. Vamwe vanhu vaitenga zvinonhuhwirira zvakakuyiwa, kuti mumba mavo, hembe dzavo, mibhedha, uye miviri yavo zvinhuhwirire. (Esteri 2:12; Zvirevo 7:17; Rwiyo rwaSoromoni 3:6, 7; 4:13, 14) Mariya hanzvadzi yaRazaro akadira mafuta anodhura chaizvo uye “anonhuhwirira, nadhi chaiyo,” mumusoro netsoka dzaJesu. Zvaitoda kushanda gore rese kuti munhu atenge kagaba ‘kenadhi chaiyo.’​—Mako 14:3-5; Johani 12:3-5.

Kugadzirira mitumbi kuti ivigwe. Nikodhimo akapa “musanganiswa wemura nearosi” wakashandiswa pakugadzirira mutumbi waJesu kuti uvigwe. (Johani 19:39, 40) Uye vamwe vadzidzi vaJesu vakagadzira mafuta nezvimwe “zvinonhuhwirira” ndokuenda nazvo kuguva racho.​—Ruka 23:56–24:1.

Kubika. VaIsraeri vanofanira kunge vaishandisa zvinonhuhwirira pakuita kuti hove nenyama zviwedzere kunaka. Zvimwe zvaiiswa muwaini kuti iwedzere kudhaka.​—Rwiyo rwaSoromoni 8:2.

Zvinonhuhwirira Zviviri Zvakapiwa Jesu

Zvinonhuhwirira zvichena uye mura zvaibva pamuto unonama unobuda panochekwa makwati emiti miduku kana kuti emakwenzi ane minzwa.

Miti yezvinonhuwirira zvichena inowanikwa kumahombekombe ekumaodzanyemba kweArabia, uye makwenzi emura aikura munharaunda dzakaita segwenga munyika dzava kunzi Somalia neYemen. Kunhuwirira kwazvaiita kwakaita kuti zvifarirwe nevanhu. Jehovha pachake akasarudza kuti zvishandiswe pakumunamata. Mura yaigadziriswa mafuta matsvene ekuzodza nawo uye zvinonhuwirira zvichena zvaishandiswa pakugadzira rusenzi tsvene. (Eksodho 30:23-25, 34-37) Mura nezvinonhuhwirira zvichena zvaishandiswa nenzira dzakasiyana.

Zvinonhuwirira zvichena, izvo zvaiwanzoshandiswa serusenzi, zvaipiswa kuti zvibudise kunhuwirira kwacho. Asi muto waibuda pamura, waingoshandiswa wakadaro. Mura inotaurwa nezvayo katatu munhoroondo dzaJesu: sepaya paakaipiwa sechipo achiri muduku (Mateu 2:11), uye vanhu pavakaedza kumupa yakavhenganiswa newaini kuti aderedze marwadzo akarovererwa padanda, (Mako 15:23), uye payakashandiswa pakugadzirira mutumbi wake kuti uzovigwa (Johani 19:39).

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe