RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 4/1 pp. 3-4
  • Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Uchifanira Kufarira Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Chirongwa Chekudzidza Bhaibheri Chemunhu Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Chii Chinonzi Bhaibheri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 4/1 pp. 3-4
Murume ari kuongorora Bhaibheri ari muraibhurairi yekwaanogara

NYAYA IRI PAKAVHA | UNGADA HERE KUDZIDZA BHAIBHERI?

Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?

  • Chinangwa choupenyu chii?

  • Nei vanhu vachitambura uye vachifa?

  • Chii chichaitika mune ramangwana?

  • Mwari anondida here?

Wakambozvibvunza mibvunzo yakaita seiyi here? Kana wakadaro, hausi wega. Vanhu vakawanda pasi rose vari kunyatsotsvaka mhinduro dzemibvunzo inokosha muupenyu. Unogona kudziwana here?

Vakawanda vangati, “Dzinowanika!” Sei vachidaro? Nokuti vakawana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yavo kubva muBhaibheri. Ungada kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri here? Kana uchida, unogona kubatsirwa nepurogiramu yekudzidza Bhaibheri usingabhadhari inoitiswa neZvapupu zvaJehovha.a

Panyaya yekudzidza Bhaibheri vamwe vanoti: “Handina nguva yacho.” “Rakaoma kunzwisisa.” “Ndinotya kuzokunyeperai.” Asi vamwe havadaro. Vanobvuma kudzidza zviri muBhaibheri. Ona zvakataurwa nevamwe vacho:

  • “Ndakapinda chechi yeRoma nedzimwe dzakabuda muRoma, uyewo yechiSikh neyechiBuddha, ndikazodzidza zvechitendero kuyunivhesiti. Asi mibvunzo yangu yakawanda pamusoro paMwari haina kupindurwa. Ndakazoshanyirwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakafarira kuti mhinduro dzacho dzaibva muBhaibheri, saka ndakabvuma kudzidza Bhaibheri naye.”—Gill, England.

  • “Ndaiva nemibvunzo yakawanda asi mufundisi wekuchechi kwedu haana kuipindura zvinondigutsa. Asi mumwe weZvapupu zvaJehovha akandipindura achishandisa Bhaibheri chete. Paakandibvunza kuti ndaida kudzidza zvakawanda here, ndakabva ndangobvuma ndichifara.”—Koffi, Benin.

  • “Ndaida kuziva zvinoitika kana munhu afa. Ndaitenda kuti vakafa vanogona kukuvadza vapenyu, asi ndaidawo kuziva kuti Bhaibheri rinotii. Saka ndakatanga kudzidza Bhaibheri neshamwari yangu yaiva Chapupu.”—José, Brazil.

  • “Ndaiedza kuverenga Bhaibheri asi ndaisarinzwisisa. Zvapupu zvaJehovha zvakazouya zvikanyatsonditsanangurira uprofita hweBhaibheri hwakati kuti. Izvi zvakaita kuti ndide kudzidza zvimwe.”—Dennize, Mexico.

  • “Ndaisava nechokwadi kuti Mwari anondida here. Saka ndakanyengetera kuna Mwari anotaurwa muBhaibheri. Mangwana acho, Zvapupu zvakauya kumba kwangu, uye ndakabvuma kudzidza Bhaibheri navo.”—Anju, Nepal.

Zvakataurwa nevanhu ava zvinotiyeuchidza mashoko aJesu ekuti: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Vanhu vakasikwa vaine chido chekuziva nezvaMwari. Mwari chete ndiye anogona kuita kuti timuzive uye anozviita achishandisa Shoko rake Bhaibheri.

Saka chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei? Chingakubatsira sei? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya inotevera

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

BHAIBHERI

Bhaibheri rakavhurika
  • ZITA: Rakabva mushoko rechiGiriki rekuti bi·bliʹa, rinoreva kuti “mabhuku madiki”

  • MABHUKU ARIMO: Mabhuku 39 echiHebheru (nedzimwe ndima dzechiAramaiki) uyewo mabhuku 27 echiGiriki

  • RAKANYORWA: Nevanyori vanenge 40 mumakore anenge 1 600, kubva muna 1513 B.C.E. kusvika munenge mugore ra98 C.E.b

  • MITAURO: Rakashandurwa rose kana kuti mamwe mabhuku aro mumitauro inopfuura 2 500

  • KUPARADZIRWA KWARO: Zvinofungidzirwa kuti pane maBhaibheri anenge mabhiriyoni mashanu ane vanhu, saka hapana rimwe bhuku rinoripfuura

b B.C.E. anomiririra mashoko eChirungu okuti “Before the Common Era,” uye C.E. anomiririra “Common Era.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe