RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 6/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 2
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 6/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Chii chinoita kuti munhu ave mubereki akanaka?

Baba nemwanakomana wavo vakatarisa mukonikoni

Uri kudzidzisa mwana wako kuti ade Mwari here?

Mwana anokura zvakanaka kana mumba muine vabereki vanodanana uye vanoremekedzana. (VaKorose 3:14, 19) Vabereki vakanaka ndevaya vanoda vana vavo, uye vanovarumbidza sezvakaitwa naJehovha Mwari paakarumbidza Mwanakomana wake.​—Verenga Mateu 3:17.

Baba vedu vekudenga vanoteerera vashumiri vavo, uye vanofungawo zvavanofarira. Zvakanaka kuti vabereki vaitewo saizvozvo. Vanofanira kuteerera vana vavo pavanenge vachitaura. (Jakobho 1:19) Vanofanira kuratidza kuti vari kunzwisisa zviri kufungwa nevana vavo, kunyange kana zvichiita sezvisina musoro.​—Verenga Numeri 11:11, 15.

Ungabatsira sei vana vako kuti vazogona kuzvisarudzira voga?

Somubereki, une simba rekupa vana vako mitemo. (VaEfeso 6:1) Tevedzera zvinoitwa naMwari. Anoratidza kuti anoda vana vake nekuti anovatsanangurira mitemo yake uye zvinoitika kana vakasateerera. (Genesisi 3:3) Haamanikidzi vanhu kuti vamuteerere, asi anovadzidzisa kuti vazive kuti kuteerera kwakanakirei.​—Verenga Isaya 48:18, 19.

Iva nechinangwa chekubatsira vana vako kuti vade Mwari. Izvi zvichavabatsira kuti vaite zvinhu nekuchenjera kunyange paunenge usipo. Mwari anoratidza vanhu kuti zvaanovadzidzisa zvinoitwa sei. Saka paunodzidzisa vana vako kuti vade Mwari, ita kuti vaone kuti newewo unomuda.​—Verenga Dheuteronomio 6:5-7; VaEfeso 4:32; 5:1.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 14 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Riripowo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe