RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 12/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Tingawanepi Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Muupenyu?
    Tingawanepi Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Muupenyu?
  • Mamwe Mazano Ekubatsira Mhuri
    Mukai!—2018
  • Kutambura Kuchazombopera Here?
    Kutambura Kuchazombopera Here?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 12/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Vana vangadzidza sei kuda Mwari?

Mubereki ari kudzidzisa mwana wake achishandisa zvakasikwa

Dzidzisa mwana wako kuti azive uye ade Mwari uchishandisa zvakasikwa

Vana vako vanogona kudzidza kuda Mwari kana vaine chokwadi chekuti ariko uye kuti anovada. Kuti vade Mwari vanofanira kunge vachimuziva. (1 Johani 4:8) Somuenzaniso, vanofanira kuziva kuti: Mwari akasikirei vanhu? Nei Mwari achibvumira kutambura? Mwari achaitirei vanhu mune ramangwana?​—Verenga VaFiripi 1:9.

Kuti ubatsire vana vako kuda Mwari, iwe pachako unofanira kuratidza kuti unomuda. Pavanoona kuti unoda Mwari, vanogonawo kukutevedzera.​—Verenga Dheuteronomio 6:5-7; Zvirevo 22:6.

Ungadzidzisa sei vana vako zvinosvika pamwoyo?

Shoko raMwari rine simba. (VaHebheru 4:12) Saka batsira vana vako kuti vazive dzidziso dzeBhaibheri. Jesu paaidzidzisa vanhu aivabvunza mibvunzo, aivateerera uye aivatsanangurira Magwaro, kuti mashoko ake asvike pamwoyo yavo. Saka kuti udzidzise vana vako zvinosvika pamwoyo, tevedzera madzidzisiro aiita Jesu.​—Verenga Ruka 24:15-19, 27, 32.

Uyezve, unogona kubatsira vana kuti vazive uye vade Mwari uchishandisa nyaya dzemuBhaibheri dzinoratidza mabatiro aiita Mwari nevanhu. Mabhuku anobatsira anowanika pawww.pr2711.com.​—Verenga 2 Timoti 3:16.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 14 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Rinowanikawo pawww.pr2711.com, kana kuti kumbira bhuku racho uchishandisa kero dziri papeji 2 kuti uripiwe pachena

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe