RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 7/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvakanaka Zvichazombokurira Zvakaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 7/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Zvakaipa zvinokonzerwa naani?

Jesu achiramba umambo hwose hwenyika hwaari kupihwa naDhiyabhorosi

Ndiani aida kuti Jesu aite zvakaipa​—Mateu 4:8-10

Vanhu vagara vachida kuva vakatendeseka, kugarisana nevamwe zvakanaka uye kubatsira vamwe. Saka sei kakawanda tichiona vanhu vachirwisana, vachidzvinyirirana uye vachiitirana utsinye? Tinogara tichinzwa nhau dzezvinhu zvinotyisa. Pane ari kukonzera kuti vanhu vaite zvakaipa here?—Verenga 1 Johani 5:19.

Vanhu vakasikwa vachingoda kuita zvakaipa here? Kwete, Jehovha Mwari akasika vanhu nomufananidzo wake, vachikwanisa kutevedzera rudo rwaainarwo. (Genesisi 1:27; Jobho 34:10) Akavasikawo vachikwanisa kusarudza zvavanoda. Vabereki vedu vokutanga vakaramba kutevedzera Mwari pavakasarudza kuita zvakaipa, ndokuva vatadzi. Saka pfungwa dzekungoda kuita zvakaipa dzatiinadzo dzakabva kwavari.—Verenga Dheuteronomio 32:4, 5.

Zvakaipa zvichapera here?

Mwari anoda kuti tirwise pfungwa dzekuda kuita zvakaipa. (Zvirevo 27:11) Saka anotidzidzisa zvatingaita kuti tisatadza uye kuti tiwane mufaro wechokwadi. Zvisinei, panguva ino hatigoni kunyatsotevedzera Mwari zvakakwana pakuratidza rudo.—Verenga Pisarema 32:8.

Kunyange zvazvo zvakaipa zviri kwose kwose, Mwari ari kumbozvibvumira kwenguva pfupi, kuti vanhu vose vaone matambudziko anokonzerwa nezvinhu zvakaipa. (2 Petro 3:7-9) Asi pasina nguva, nyika ichange yazara nevanhu vanofara vanoteerera Mwari.—Verenga Pisarema 37:9-11.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 3 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Riripowo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe