RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 9/1 p. 7
  • Nei Tichiparidza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichiparidza?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Mamwe Mazano Ekubatsira Mhuri
    Mukai!—2018
  • Tingawanepi Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Muupenyu?
    Tingawanepi Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Muupenyu?
  • Ndekupi Kwaungawana Rubatsiro Rwekuti Unzwisise Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Mashandisiro Atingaita JW.ORG
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 9/1 p. 7
Zvapupu zviviri zviri kuparidza

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAPUPU ZVAJEHOVHA VANHU VAKAITA SEI?

Nei Tichiparidza?

Zvinoita sokuti chinhu chikuru chinotisiyanisa nevamwe vose ibasa redu guru rekuparidza paimba neimba, munzvimbo dzinowanikwa veruzhinji uye kwese kwese kunowanikwa vanhu. Sei tichidaro?

Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza kuti zvikudze Mwari uye kuti zvizivise zita rake. (VaHebheru 13:15) Tinoda kutevedzerawo Kristu Jesu uyo akatipa murayiro wokuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.

Kuwedzera pane izvozvo, tinoda vavakidzani vedu. (Mateu 22:39) Tinoziva hedu kuti vanhu vakawanda vane zvavanotenda panyaya dzechitendero uye kuti vamwe havafariri mashoko atinoparidza. Asi tinoona kuti zvinodzidziswa neBhaibheri zvinoponesa vanhu. Ndosaka tichiramba ‘tichidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu Jesu,’ sezvakaitwa nevaKristu vekutanga.—Mabasa 5:41, 42.

Antonio Cova Maduro, uyo anoongorora nezvemagariro evanhu akanyora “nezvekushanda nesimba uye matambudziko anosangana neveZvapupu zvaJehovha, kusvika pakuita zvose zvavanogona . . . , kuti mashoko matsvene asvike kurutivi rwuri kure kwazvo rwenyika.”​—Pepanhau rekuVenezuela rinonzi El Universal

Vanhu vakawanda vanoverenga mabhuku edu havasi Zvapupu zvaJehovha. Uye mamiriyoni evanhu vatinodzidza navo Bhaibheri ndevemamwe machechi. Asi vanofara pavanobatsirwa kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

Unogona kunge uine mimwe mibvunzo pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Kuti uwane mhinduro dzacho

  • Bvunza mumwe weZvapupu zvaJehovha.

  • Enda panzvimbo yedu yepaIndaneti, www.pr2711.com.

  • Pinda misangano yedu. Munhu wese akasununguka kuuya uye hapana mari yaunobhadhariswa.

Jesu ari kutuma vadzidzi vake kuti vaende kunoparidza
Gomo rine sinou nechepamusoro

Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita neZvapupu zvaJehovha, ona vhidhiyo yemaminitsi angaita 30 yakanzi Zvapupu zvaJehovha Zvinoparidza Mashoko Akanaka Munyika Yose, pawww.pr2711.com. (Enda pakanzi MABHUKU > MAVHIDHIYO)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe