RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 10/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Vasungwa Veurombo
    Mukai!—1998
  • Zviri Kuitwa Kupedza Urombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kuguma Kweurombo Kuri Kuswedera Pedyo
    Mukai!—1998
  • Mashoko Akanaka Kuvarombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 10/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Urombo huchazombopera here panyika?

Mukadzi akabata ndiro isina chinhu uye akambundirwa nekamusikana

Mwari achaita sei kuti urombo hupere panyika?—Mateu 6:9, 10.

Gore negore, urombo huri kuita kuti mamiriyoni evanhu afe nezvirwere uye kushaya zvokudya zvinovaka muviri. Kunyange zvazvo dzimwe nyika dziine upfumi, vanhu vakawanda vachiri muurombo husingatauriki. Bhaibheri rinoratidza kuti urombo hwakabvira kare.—Verenga Johani 12:8.

Kuti urombo hupere, panodiwa hurumende inotonga pasi rose. Inofanira kuva nesimba rekuti vanhu vawane zvinhu zvakaenzana uyewo inofanira kupedza hondo, sezvo dziridzo dzinowanzokonzera urombo. Mwari akavimbisa kuti kuchava nehurumende yakadaro inotonga pasi rose.—Verenga Dhanieri 2:44.

Ndiani anogona kupedza urombo?

Mwari akagadza Mwanakomana wake, Jesu, kuti atonge vanhu vose. (Pisarema 2:4-8) Jesu achaponesa varombo oita kuti udzvinyiriri uye chisimba zvipere.—Verenga Pisarema 72:8, 12-14.

Sezvakagara zvataurwa, Jesu, “Muchinda woRugare,” achaita kuti panyika pave nerunyararo, pasina kana chekutya. Munhu wese anenge ari panyika achava nemusha wake, basa rinogutsa, uye zvekudya zvakawanda.—Verenga Isaya 9:6, 7; 65:21-23.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 8 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Riripowo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe