RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 6/1 pp. 4-6
  • Zviri Kuitwa Kupedza Urombo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviri Kuitwa Kupedza Urombo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvainzi Zvikaitwa Munhu Wose Achabudirira
  • Chirongwa cheMarshall Plan Chaizogumisa Urombo Here?
  • Chinoita Kuti Rubatsiro Rwedzimwe Nyika Rusanyatsobudirira
  • Chinokonzera Urombo
  • Vasungwa Veurombo
    Mukai!—1998
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kuguma Kweurombo Kuri Kuswedera Pedyo
    Mukai!—1998
  • Zvakadiniko Kana Mhuri Yedu Iri Yourombo?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 6/1 pp. 4-6

Zviri Kuitwa Kupedza Urombo

VAPFUMI vakatorova nhamo netsvimbo. Asi zvanga zvichiitwa kuedza kupedza urombo pasi rose hazvina kumbobvira zvabudirira. Nei? Nokuti kazhinji vapfumi havadi kuti chero munhu upi zvake kana kuti chinhu chipi zvacho chivakanganisire upfumi hwavo. Soromoni, mambo weIsraeri yekare akanyora kuti: ‘Tarira! misodzi yevaya vaidzvinyirirwa, asi vakanga vasina munyaradzi; uye vadzvinyiriri vavo vaiva nesimba.’—Muparidzi 4:1.

Vanhu vane mukurumbira uye vane zvinzvimbo vanogona here kupedza urombo munyika yose? Soromoni akafuridzirwa kunyora kuti: “Tarira! zvose zvakanga zvisina zvazvinobatsira uye kuri kudzingana nemhepo. Chakakombama hachigoni kururamiswa.” (Muparidzi 1:14, 15) Pfungwa iyi tinonyatsoinzwisisa kana tikaongorora zvanga zvichiitwa nechinangwa chokupedza urombo.

Zvinhu Zvainzi Zvikaitwa Munhu Wose Achabudirira

Muzana remakore rechi19, nyika shomanana padzaiunganidza mazakwatira emari nokuita zvokutengeserana uye kugadzira zvinhu, vamwe vanhu vane mukurumbira vakafunga zvokugadzirisa dambudziko rourombo. Zvingaita here kuti zviwanikwa zviri munyika zvinyatsogovanwa zvakaenzana?

Vamwe vaifunga kuti gwara regutsaruzhinji raizoita kuti panyika vanhu vose vaenzane pasina anonzi mupfumi kana murombo, zviwanikwa zviri munyika zvichinyatsogovanwa zvakaenzana. Vapfumi havana kufarira pfungwa iyi. Asi sirogani yakagamuchirwa nevakawanda ndeyokuti, “Mumwe nomumwe ngaashandire nyika nesimba ozopiwa zvinoenderana nokushaiwa kwake.” Vakawanda vaingoti dai nyika dzose dzikatevera gwara regutsaruzhinji kuitira kuti vanhu vagare zvakanaka. Nyika shomanana dzakapfuma dzakatevedzera gwara regutsaruzhinji uye dzakaita kuti pave nemawerufeya aiti aizotarisira vanhu vose “kubva vachiberekwa kusvikira vafa.” Vanoti munyika dzavo hapana achiri kudya nhoko dzezvironda.

Pfungwa yegutsaruzhinji haina kubudirira pakuita kuti vanhu vasave noudyire. Chinangwa chokuti munhu ashandire nyika asingazvishandiri iye, chakatadza kubudirira. Vamwe vakaramba nyaya yokubatsira varombo vachiti zvaizoita kuti vagarire maoko vachingomirira kupiwa. Mashoko eBhaibheri aya aratidza kuti ndeechokwadi, okuti: “Hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asingatadzi. . . . Mwari wechokwadi akaita vanhu vakarurama, asi ivo vakatsvaka mazano mazhinji.”—Muparidzi 7:20, 29.

Chimwe chainzi chinogona kuunza budiriro chirongwa cheAmerican Dream, iyo yaiti munhu wose anenge achida kushanda nesimba aizova mupfumi. Pasi rose nyika dzakawanda dzakatanga kushandisa nzira dzakasiyana-siyana dzakadai seyegutsaruzhinji, kutenga nokutengesa wakasununguka hurumende isingapindiri, nedzimwewo nzira zvinofungidzirwa kuti ndizvo zvinonzi zvakaita kuti United States ipfume. Hadzisi nyika dzose dzakakwanisa kutevedzera chirongwa cheAmerican Dream nokuti upfumi hweNorth America hwakanga husingangobvi mune zvematongerwo enyika chete. Zviwanikwa zvayo uye kuita zvokutengeserana nedzimwe nyika ndizvo zvakanyanya kuita kuti ipfume. Uyewo, kukwikwidzana mune zvoupfumi munyika yose kwakaita kuti vamwe vabudirire asi vamwe vachitsikirirwa pasi. Pane zvingaitwa here kuti nyika dzakapfuma dzinzwe dzichida kubatsira nyika dzine urombo?

Chirongwa cheMarshall Plan Chaizogumisa Urombo Here?

Pakapera Hondo yeNyika II nyika dziri kuEurope dzakanga dzasakadzwa nehondo uye vanhu vakawanda veko vaityira kuti vachafa nenzara. Hurumende yeUnited States yakanga yava kutyira kupararira kwepfungwa yegutsaruzhinji munyika dziri muEurope. Saka yakaumba chirongwa cheEuropean Recovery Program, kana kuti Marshall Plan chainzi chaizobudirira. Kwemakore mana hurumende yeUnited States yakapa mazakwatira emari kunyika dzose dzakabvuma zvayaitaura kuitira kuti nyika idzodzo dzisimudzire zvokurima uye kugadzira zvinhu. Nyika dziri kuMadokero kweEurope dzakagamuchira pfungwa yeUnited States uye urombo huya hwokudya nhoko dzezvironda hwakadzikira. Izvi ndizvo zvaizopedza urombo munyika yose here?

Kubudirira kwakaita chirongwa cheMarshall Plan kwakaita kuti hurumende yeUnited States ibatsire nyika dzose dzine urombo kuti dzivandudze zvokurima, zvoutano, zvedzidzo uye zvifambiso. United States yakabvuma kuti kubatsira kwayaiita dzimwe nyika kwaitoita kuti iyo inyanye kubatsirwa. Dzimwe nyika dzakaedzawo kuwedzera simba radzo nokupa rubatsiro kune dzimwe nyika. Nyika idzodzo dzakashandisa mari inopfuura nokure yakashandiswa pachirongwa cheMarshall Plan uye papera makore 60 dzakaodzwa mwoyo nezvakaitika. Ndizvo hazvo kuti dzimwe nyika dzaimbova neurombo, kunyanya dziri kuEast Asia, dzakatanga kupfuma zvinoshamisa. Asi nyika dzakawanda dzakanga dzichiri muurombo kunyange zvazvo rubatsiro rwadzakapiwa rwakaderedza chaizvo nhamba yevana vaifa uye vakawanda vavo vakakwanisa kuenda kuchikoro.

Chinoita Kuti Rubatsiro Rwedzimwe Nyika Rusanyatsobudirira

Zvaiva nyore kubatsira nyika dzakasakadzwa nehondo pane kubatsira nyika dzisina kupfuma kuti dzibve muurombo. Nyika dzekuEurope dzakagara dzichiita zvokugadzirwa kwezvinhu, zvokutengeserana uye dziine zvifambiso. Chaingodiwa chete kuvandudza upfumi hwadzo. Asi kunyange kana nyika dzine urombo dzikabatsirwa kuvaka migwagwa, zvikoro uye makiriniki, vanhu vanenge vachiri kudya nhoko dzezvironda nokuti nyika idzodzo hadzina chokutengesa nekwokutengesera uye hadzinawo zviwanikwa.

Nhamo dzinokonzera urombo uye zvinhu zvinoparamurwa nourombo hazviperi. Somuenzaniso, zvirwere zvinokonzera urombo ukuwo urombo huchikonzera zvirwere. Vana vasingawani zvokudya zvakakwana vanokura vasina utano hwakanaka zvokuti pavanozovawo nemhuri dzavo havazokwanisi kudziriritira. Uyezve, nyika dzakapfuma padzinopa rubatsiro rwezvokudya kunyika dzine urombo, varimi uye vemabhizimisi vanoshaya kwokutengesera zvinhu zvavo zvoita kuti urombo huwedzere. Kupa rubatsiro rwemari kunyika dzisina kupfuma kunogona kuita kuti urombo hutange zvekare. Zviri nyore kuba mari yerubatsiro, saka zvinoita kuti pave nouori zvozoita kuti pave neurombo. Saka kupiwa rubatsiro nedzimwe nyika hakunyatsobudirira nokuti hakugadzirisi mudzi wedambudziko rourombo.

Chinokonzera Urombo

Kuti vanhu vasvike pakudya nhoko dzezvironda, nyika, hurumende nevamwewo vanhu vanenge vachingozvifunga ivo. Somuenzaniso, hurumende dzenyika dzakapfuma hadzinei nokupedza urombo, chadzo kuda kufadza vatsigiri vadzo vakadzisarudza. Saka vanorambidza varimi vokunyika dzine urombo kuti vatengese zvinhu zvavo kunyika dzakabudirira kuitira kuti varimi vari munyika dzakapfuma vasashaya kwokutengesera zvinhu zvavo. Uyewo, vatungamiriri venyika dzakapfuma vanotsigira varimi vavo nezvinhu zvokushandisa kuitira kuti vakwanise kutengesa zvinhu zvavo kupfuura varimi vokunyika dzisina kupfuma.

Vamwe vanhu nehurumende ndivo vanokonzera kuti pave nourombo pamusana pokungozvifunga ivo vasingafungi vamwe. Munyori weBhaibheri Soromoni akazvitsanangura seizvi: “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.”—Muparidzi 8:9.

Saka pane tarisiro here yokuti urombo huchapera? Pane here hurumende ingakwanisa kuchinja mafungiro oudyire ane vanhu?

[Bhokisi riri papeji 6]

Mutemo Waigadzirisa Dambudziko Reurombo

Jehovha Mwari akapa vaIsraeri vekare mitemo yaizoita kuti pasava neanodya nhoko dzezvironda kana vaizoteerera. Mitemo yacho yaiita kuti mhuri yoga-yoga ive nemunda wayo, kunze kwerudzi rwevapristi rwevaRevhi. Nhaka yemhuri yakanga isingatengeswi zvachose, saka pakanga pasina chokutyira. Asi kana munhu aizotengesa munda wake nemhaka yokurwara, kana kuti paitika rimwe dambudziko kana kuti munhu wacho iri simbe, aizoudzorerwa pasina chaanobhadhara pagore rainzi Jubheri raiitwa pashure pemakore 50 oga oga. Saka hapana mhuri yaizoramba yakanyura muurombo kwezvizvarwa nezvizvarwa.––Revhitiko 25:10, 23.

Mumwe Mutemo waMwari wairatidza ngoni dzake waibvumidza munhu ainge asangana nedambudziko kuti azvitengese kuva muranda. Aitanga apiwa mari yake kuitira kuti abhadhare zvikwereti zvake. Kana gore rechinomwe rikasvika asati akwanisa kuzvidzikinura, aifanira kusunungurwa opiwa mbeu nezvipfuwo kuti akwanise kunotangazve kurima. Uyezve, kana murombo akakwereta mari, Mutemo wairambidza kuti anenge akweretwa areve mubereko. Mutemo wairayirawo vanhu kuti vasiye micheto yeminda yavo isina kukohwewa kuitira kuti varombo vazonhongeredza. Saka hapana muIsraeri aizoita zvokupemha.—Dheuteronomio 15:1-14; Revhitiko 23:22.

Asi vamwe vaIsraeri vaiva varombo. Zvakafamba sei? Havana kuteerera Mutemo waJehovha. Saka sezvinongoitikawo munyika dzakawanda, vamwe vanhu vakava vapfumi uye vaine minda asi vamwe vaiva varombo vasina minda. MuIsraeri makava nourombo nemhaka yokuti vamwe vanhu havana kuteerera Mutemo waMwari uye vakanga vasina basa nemumwe munhu.—Mateu 22:37-40.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe