RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp16 nha. 1 pp. 11-14
  • Zvaungaita Kana Uine Zvauri Kutyira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kana Uine Zvauri Kutyira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MATAMBUDZIKO ANOVAPO KANA MWANA AKASARERWA ZVAKANAKA
  • MWARI ANOTIDA
  • ZVINHU ZVITATU ZVINGAKUBATSIRA KUTI USANETSEKA
  • MUNHU WESE HAAZOVI NECHEKUTYA
  • Upenyu—Hwakachengeteka Nekusingaperi
    Mukai!—1998
  • Zvakadini Kana Asingandidiwo?
    Mukai!—1998
  • Jehovha Anewe, Hausi Wega
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Jehovha Anokukoshesa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
wp16 nha. 1 pp. 11-14
Baba vakagumbatira mwanasikana wavo mudiki

Zvaungaita Kana Uine Zvauri Kutyira

MWANA achangobva kuzvarwa anofanira kuitirwa zvese. Patakazvarwa vabereki vedu ndivo vaitotichengetedza. Pataidzidzira kufamba, taisangana nevamwe vanhu tichivaona sevanhu vahombe hombe. Taiti tikavaona vabereki vedu vasiri pedyo taitya chaizvo. Asi tainzwa tisina chokutya pataibata ruoko rwaamai kana kuti baba vedu.

Kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka pataikura, zvaitoda kuti vabereki vedu vatiratidze rudo uye vatikurudzire. Pataiona kuti vabereki vedu vanotida, zvaiita kuti tigadzikane. Pavaitikurudzira taibva tava nechivimbo tobva tada kuramba tichiita zvakanaka.

Pataikura, shamwari dzedu dzepedyo dzaiitawo kuti tinzwe takagadzikana. Tainzwa takadekara padzainge dziri pedyo, uye dzaiita kuti tisanyanya kutya pataienda kuchikoro.

Zvinhu zvataurwa pamusoro apa zvinoratidza kunonzi kukura zvakanaka. Vamwe vana vanongova neshamwari shomanana dzepedyo uye vamwe vakawanda havaratidzwi rudo nevabereki vavo. “Pandinoona mapikicha anenge achiratidza mhuri dzakabatana dzichiita zvinhu pamwe chete, ndinobva ndati nechomumwoyo, ‘Dai ndakakurirawo mumhuri yakabatana seizvi,’” anodaro Melissa.a Pamwe ndiwo manzwiro aunoitawo.

MATAMBUDZIKO ANOVAPO KANA MWANA AKASARERWA ZVAKANAKA

Zvichida pawaiva mwana mudiki waizvitarisira pasi. Pamwe rudo rwawairatidzwa uye kukurudzirwa kwawaiitwa zvaingova zvechirango. Zvimwe uchiri kuyeuka kunetsana kwaigara kuchiita vabereki vako uko kwakazoita kuti varambane. Pamwe wainzwa sekuti ndiwe wakanga wakonzera izvi. Zvinogona kutonyanya kukurwadza ndezvokuti baba kana kuti amai vako vanogona kunge vaikutuka kana kuti kukubata zvisina kunaka.

Mwana anenge asiri kurerwa zvakanaka anowanzoita sei? Vamwe vanotanga kushandisa madhiragi kana kushapira doro pavanenge vachiri kuyaruka. Vamwe vanopinda muzvikwata zvevechidiki zvine musikanzwa kuti vangowana vekuwirirana navo. Vamwewo vanobva vatanga kudanana nemumwe munhu, vachingotsvaga anovaratidza rudo. Asi rudo rwakadaro harugari uye kazhinji kacho pavanorambana vanobva vatowedzera kuona sekuti hapana anombovada.

Kunyange vechidiki vasingaite zvinhu zvakaipa zvichangobva kutaurwa vanogona kungokura vachiona sevasingabatsiri. “Ndakatanga kuona kuti ndakanga ndisina zvandinobatsira nokuti ndizvo zvandaigara ndichiudzwa naamai vangu,” anodaro Ana. “Handiyeuki amai vangu vachindirumbidza kana kundiratidzawo rudo.”

Marererwo atakaitwa haasi iwo chete anogona kuita kuti tizvitarisire pasi. Inogona kunge iri nyaya yekurambana kwakatirwadza, matambudziko anokonzerwa nekuchembera kana kuti kuzvinetsa pamusoro pekutaridzika kwatinoita. Pasinei nekuti kunokonzerwa nei, kuzvitarisira pasi kunogona kutishayisa mufaro kana kuita kuti tisawirirane nevamwe. Tingaita sei kuti tirege kuzvitarisira pasi?

MWARI ANOTIDA

Tinofanira kuziva kuti pane kwatinogona kuwana rubatsiro. Tose zvedu tinogona kubatsirwa naMwari pachake. Iye anokwanisa uye anotoda kutibatsira.

Izvi ndizvo zvakataurwa naMwari achishandisa muprofita Isaya paakati: “Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira. Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.” (Isaya 41:10, 13) Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Mwari anoda kutibata ruoko. Saka hatifaniri kunetseka.

Bhaibheri rinotaura nezvevashumiri vaMwari vainetseka asi vakadzidza kubata ruoko rwaMwari. Amai vaSamueri vainzi Hana vainzwa sokuti vakanga vasingabatsiri nekuti vakanga vasingakwanisi kuita mwana. Izvi zvaiita kuti vagare vachitsvinyirwa, saka vaibva varega kudya uye vaigara vachichema. (1 Samueri 1:6, 8) Asi pavakaudza Mwari zvose zvaiva mumwoyo mavo, havana kuzonetseka zvekare.—1 Samueri 1:18.

Munyori wemapisarema Dhavhidhi aimbonetsekawo. Kwemakore, Mambo Sauro aimuvhima nemaziso matsvuku. Dhavhidhi akapotsa aurayiwa naye. Izvi zvakaitika kanopfuura kamwe chete uye dzimwe nguva ainzwa sokuti matambudziko ake akanga ava kumukurira. (Pisarema 55:3-5; 69:1) Pasinei neizvi, akanyora kuti: “Ndicharara pasi norugare ndobatwa nehope, nokuti imi moga, haiwa Jehovha, ndimi munoita kuti ndigare ndakachengeteka.”—Pisarema 4:8.

Hana naDhavhidhi vakaudza Jehovha zvose zvaivanetsa uye akavabatsira. (Pisarema 55:22) Tingavatevedzera sei?

ZVINHU ZVITATU ZVINGAKUBATSIRA KUTI USANETSEKA

1. Dzidza kuvimba naJehovha uchimuona saBaba vako.

Murume ari kudzamisa pfungwa pane zvaari kuverenga muBhaibheri

Jesu akatikurudzira kuti tizive Baba vake, “Mwari wechokwadi chete.” (Johani 17:3) Muapostora Pauro anotisimbisa paanoti, Mwari ‘haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’ (Mabasa 17:27) Jakobho akanyora kuti, “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.

Kuziva kuti tina Baba vekudenga vanotida, kunotibatsira chaizvo kuti tisanetseka. Zvinogona kutora nguva kuti tizosvika pakuvimba naMwari saizvozvo, asi vakawanda vakaona kuti kuita kudaro kunobatsira. “Pandakatanga kuona Jehovha saBaba vangu, ndakanga ndava newekuudza zviri pasi pemwoyo wangu,” anodaro Caroline. “Izvi zvakandizorodza chaizvo!”

“Jehovha ndiye akandibatsira kuti ndisanetseka vabereki vangu pavakandisiya ndega,” anodaro Rachel. “Ndainyengetera kwaari ndichimukumbira kuti andibatsire kukunda matambudziko angu uye akandibatsira.”b

2. Iva pakati pemhuri yevanamati vaMwari.

Vanhu Vari Kukurukura Vari muImba yeUmambo

Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vaonane sehama. Akavaudza kuti, “Imi mose muri hama.” (Mateu 23:8) Aida kuti vadzidzi vake vechokwadi vadanane vova mhuri yevanamati vaMwari yakakura.—Mateu 12:48-50; Johani 13:35.

Ungano dzeZvapupu zvaJehovha imhuri yevanamati vaMwari. Dzinoedza nemwoyo wose kunyaradza vamwe uye kuvaratidza ushamwari. (VaHebheru 10:24, 25) Vakawanda vakaona kuti misangano yeungano yakaita semushonga unovarapa marwadzo avanenge vainawo mumwoyo.

“Muungano medu maiva nemumwe munhu aiva shamwari yangu yepedyo. Ainzwisisa kurwadziwa kwandaiita,” anodaro Eva. “Aindipa nzeve pandaitaura, aindiverengera uye ainyengetera neni. Aisada kuti ndisurukirwe. Aindibatsira kuti nditaure zvaindiremera mumwoyo zvekuti ndainzwa ndarerukirwa. Kundibatsira kwaaiita kwakaita kuti ndiwedzere kunzwa zviri nani.” Rachel ambotaurwa nezvake anotiwo, “Ndakazowana vandaiita amai nababa muungano. Vaiita kuti ndisanetseke uye ndione kuti pane vanondidawo.”

3. Ratidza vamwe rudo nemutsa.

Kuratidza vamwe rudo nemutsa kunoita kuti pave neushamwari hwakasimba. Jesu akati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Saka hapana mubvunzo kuti kana tikawedzera kuda vamwe, naivowo vachawedzera kutida. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti, “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.”—Ruka 6:38.

Kuda vamwe uye kudiwa nevamwe kunoita kuti tiwedzere kunzwa zviri nani. Sezvinotaurwa neBhaibheri, “rudo harumboperi.” (1 VaKorinde 13:8) “Ndinoziva kuti pane zvimwe zvinhu zvandinoona sokuti hazvina kumira zvakanaka pandiri, asi zvisina hazvo kudaro,” anodaro María. “Kuti ndimbokanganwa izvi, ndinofunga vamwe uye ndinovabatsira. Ndinonzwa kufara pandinoitira vamwe chimwe chinhu.”

Murume akwegura ari kushandisa madondoro uye ari kubatsirwa nemumwe mukomana

MUNHU WESE HAAZOVI NECHEKUTYA

Hatitarisiri hedu kuti kana tikashandisa mazano ari pamusoro apa, kunetseka kwatinenge tichiita kunobva kwangopera zvachose. Asi mazano iwayo anobatsira chaizvo. Caroline anoti, “Ndichiri kunetseka nanhasi. Asi iye zvino handichanyanyi kuzvitarisira pasi. Ndinoziva kuti Mwari anondida, uye ndine shamwari dzakawanda dzepedyo dzinoita kuti ndisanetseka.” Ndiwo manzwiro anoitawo Rachel. Anoti, “Pano neapo ndinombosurukirwa chaizvo. Asi ndinotsvaga mazano kuvanhu vandinonamata navo, uye vanondibatsira kuti ndione zvinhu nenzira yakanaka. Uye kupfuura zvose, ndina Baba vangu vekudenga vandinotaura navo mazuva ose. Izvi zvinondibatsira chaizvo.”

Bhaibheri rinotaura kuti kuchava nenyika itsva. Munyika iyoyo tinenge tisisina kana chinotinetsa

Pane chimwe chinhu chichagadzirisa dambudziko iri zvachose. Bhaibheri rinotaura kuti kuchava nenyika itsva. Munyika iyoyo tinenge tisisina kana chinotinetsa. Shoko raMwari rinovimbisa kuti: “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa.” (Mika 4:4) Panguva iyoyo, hapana achazotityisa, kana kutikuvadza. Kunyange zvinhu zvinotirwadza zvakaitika kare “hazvizoyeukwi.” (Isaya 65:17, 25) Mwari neMwanakomana wake, Kristu Jesu, vachaita kuti pave ‘nekururama kwechokwadi.’ Izvi zvichaita kuti panyika pave ‘norunyararo uye kuchengeteka nokusingagumi.’—Isaya 32:17.

a Mazita ose ari munyaya ino akachinjwa.

b Zvapupu zvaJehovha zvinoda kudzidza Bhaibheri nevaya vanoda kuswedera pedyo naMwari.

Kubatwa Zvisina Kunaka

“Baba vangu pavaidhakwa vaiviruka nehasha, zvokuti chiso chavo chaibva chachinja. Vaibva vaita sechikara chakabudisa mazino chichida kubvambura imwe mhuka. Ndaibva ndaita segwayana ravhundutswa, ndovanda ndichiti dai vakasandiona. Ndingatoti ndaigara ndichingotya seizvi zuva rega rega.”​—Caroline achiyeuka zvaiitika achiri mudiki.

“Ndainzwa sokuti hapana munhu wandaigona kuvimba naye. Zvaiita sokuti ndakanga ndarasika ndiri pamusoro pegomo ndichishevedzera kuti ndiwane rubatsiro, asi pasina aindinzwa kana aigona kundibatsira.”​—Eva, mukadzi achangobva kurambana nemurume.

“Baba vangu vaiwanzondipopotera vachiti, ‘Wakaipa chaizvo. Hapana munhu achambofa akakufarira!’ Kwemakore akawanda ndaitofanira kuzviudza kuti handisi munhu akaipa uye kuti vamwe vanondida. Ndaiita sekambwanana kakaisa muswe pakati pemakumbo kachitsvaka kupuruzirwa, asi pasina anombokaona.”​—Mark uyo aishorwa naBaba vake.

“Dzimwe nguva ndinombotarisa mukadzi akanaka ndomufananidza neruva rinoyevedza kuva naro pamba. Asi ini ndinozviona sokuti ndingori sora zvaro risina anoyevedzwa naro.”​—María, mumwe musikana anonetseka nekuzvitarisira pasi.

“Pandaingova nemakore 12 chete, vabereki vangu vakaenda kunze kwenyika vakandisiya ndichichengeta vanun’una vangu vaviri. Ndaisurukirwa chaizvo. Ndaidawo mumwe munhu kuti andichengete achindirumbidza pandaiitawo zvakanaka. Asi ndainzwa sekuti ndainge ndarasika musango rakakura rinotyisa. Kunyange zvazvo ndaitsungirira zuva rimwe nerimwe, ndaida kuziva nzira yekubuda nayo musango iri. Ndaida kufara uye kusava nechinhu chinondinetsa.”​—Rachel, mwanasikana ane vabereki vanoshanda kunze kwenyika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe