RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 10/8 pp. 7-10
  • Upenyu—Hwakachengeteka Nekusingaperi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu—Hwakachengeteka Nekusingaperi
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mavambo Akachengeteka Akaparadzwa
  • Isa Zvinhu Zvomudzimu Pakutanga
  • “Danai Mwari Wenyu, Jehovha”
  • Kururama, Kunyarara, uye Kuchengeteka
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
  • Chengeteko Yechokwadi Zvino Uye Nokusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kutsvaka—Upenyu Hwakachengeteka
    Mukai!—1998
  • Zvaungaita Kana Uine Zvauri Kutyira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 10/8 pp. 7-10

Upenyu—Hwakachengeteka Nekusingaperi

KANA ukavamba kupisa muviri, zvimwe ungatsvaka piritsi kuti unyevenutse kutema kwemusoro uye zvimwe zaya rechando kuti rikutonhodze. Asi kunyange zvazvo piritsi nezaya rechando zvichiita kuti zviratidzo zvacho zvitsungiririke, hazvisviki pane chinoparira fivha yako. Uye kana chinetso choutano hwako chakanyanyisa, unofanira kurapwa nachiremba agara nebasa.

Rudzi rwomunhu rwuri kutambura nekupfuurira kwefivha yokusachengeteka. Nenzira yakafanira tinoita matanho enguva pfupi okunyevenutsa zviratidzo zvisingafadzi, asi kurapa kunogona kuitwa chete nemumwe munhu anogona kunzvera zvakakwana mamiriro edu ezvinhu. Uye hapana anoziva rudzi rwomunhu zviri nani kupfuura Musiki wedu, Jehovha Mwari. Anoziva kuti upenyu hahuna kuchengeteka nemhaka yezvinetso zvakaunzwa patiri.

Mavambo Akachengeteka Akaparadzwa

Shoko raMwari rinotsanangura kuti Jehovha akasika vanhu vaviri vokutanga vakakwana ndokuvaisa mumhoteredzo yakachengeteka. Vakanga vasingafunganyi. Chinangwa chaMwari chaiva chokuti vanhu vararame nokusingaperi muparadhiso, vakachengeteka zvakakwana. Mhoteredzo yekutanga yerudzi rwemunhu yaibatanidza “miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya.” Cherekedza kuti zvinodiwa zvavo zvokunyama zvaitarisirwa; uye ndizvo zvaiitwawo zvinodiwa zvavo zvemirangariro, sezvo mhoteredzo yacho yakarondedzerwa seyai“fadza meso.” Pasina mubvunzo izvi zvaireva kuti vaviri vokutanga vakanga vaiswa mumhoteredzo yaivavimbisa upenyu hwakadzikama husina zvinetso.—Genesi 2:9.

Adhama naEvha vakaramba kutonga kweuchangamire kwerudo kwaMwari, nokudaro vachirangarira kunzwa kwokusava nechokwadi, kutya, kunyara, kuva nemhosva, uye kusachengeteka muupenyu hwavo. Pashure pekuramba Mwari, Adhama akabvuma kuti a“katya.” Vanhu vekutanga vakazvifukidza ndokuvanda Musiki wavo ane rudo, uyo kusvika panguva iyoyo vakanga vafadzwa neukama hwapedyo nehunobetsera naye.—Genesi 3:1-5, 8-10.

Chinangwa chaJehovha chekutanga hachisati chachinja. Bhaibheri rinotaura kuti Musiki wedu ndiMwari ane rudo, uyo nekukurumidza achaita kuti rudzi rwemunhu rwunoteerera rwukwanise kudzorera pasi kuti rive paradhiso ndokurarama zvakachengeteka nekusingaperi. Chipikirwa chakapiwa nokumuporofita Isaya ndechekuti: “Ndinosika denga idzva nenyika itsva; . . . farai mufarisise nokusingaperi.” (Isaya 65:17, 18) Nezveaya matenga matsva nepasi idzva, muapostora Petro anoti: “Munogara kururama mazviri.”—2 Petro 3:13.

Izvi zvichaitwa sei? Kupfurikidza nehurumende inogadzwa naJehovha. Uhwu ndihwo Umambo uhwo Jesu Kristu akaudza vateveri vake kunyengeterera kuti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:9, 10.

Umambo hwaMwari huchatsiva hurumende dzavanhu uye nerudo huchaita zvinangwa zvaMwari munyika yose. (Dhanieri 2:44) Kusava nechokwadi, kutya, kunyara, kunzwa kwekuva nemhaka uye kusachengeteka izvo zvakatambudza rudzi rwemunhu kubvira pamazuva aAdhama zvichanyangarika. Maererano neBhaibheri, Umambo ihwohwo hwava pedyo kusvika. Kunyange zvino, munyika yedu isina chokwadi, mwero wakati wekuchengeteka uri kuwanwa kune vanoshuva Umambo hwaMwari.

Isa Zvinhu Zvomudzimu Pakutanga

Dhavhidhi akanga ari mubatiri waMwari aiziva zvairehwa nekutya nekurwadziwa. Nepo Dhavhidhi akanyora, sezviri paPisarema 4:8, kuti: “Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; nokuti ndimi moga, haiwa Jehovha, munondigarisa pakasimba.” Jehovha akaita kuti Dhavhidhi anzwe akachengeteka, kunyange zvazvo Dhavhidhi pane dzimwe nguva aimomoterwa nezvinetso. Tinogona kudzidza chimwe chinhu mune izvi here? Tinogona sei kuwana mwero wakati wekuchengeteka kunyange munyika isina kuchengeteka?

Rangarira nhau yaGenesi pamusoro paAdhama naEvha. Ndirini pavakanzwa vasina kuchengeteka? Panguva yavakagumisa ukama hwavo hwemunhu oga neMusiki ndokuramba kurarama maererano nechinangwa chake cherudzi rwemunhu. Nokudaro, kana tikachinja maitiro aya kupfurikidza nekuva neukama hwemunhu oga hwapedyo naJehovha tichiedza kurarama maererano nekuda kwake, kunyange zvino tinogona kufadzwa nokuva noupenyu hwakachengeteka zvikuru kupfuura zvinobvira.

Kusvika pakuziva Jehovha kupfurikidza nekudzidza Bhaibheri kunotibetsera kunzwisisa zvinorehwa neupenyu. Ndipo bedzi zvino patinonzwisisa kuti tiri vanaani uye nei tiri pano. Upenyu hwakachengeteka hunobvira apo tinoda Mwari, tinoziva chinangwa chake nokuda kwerudzi rwemunhu, uye tinonzwisisa patinokwana. Murume anonzi Paul akawana izvozvo makore anoverengeka apfuura.

Paul akaberekwa ndokurerwa pachitsuwa chiri pedyo nemhenderekedzo yeGermany. Nemhaka yezvakanga zvaitika kune vabereki vake muHondo Yenyika II, mhuri yake yakanga isingafariri zverudzidziso. Paul anozvitaura sejaya achiti: “Ndaisadavira chinhu chipi nechipi uye ndaisaremekedza ani naani. Ndaiwanzodzinga nhamo dzangu nehwahwa, ndichidhakwa kaviri kana kuti katatu pavhiki. Upenyu hwangu hwakanga husina kuchengeteka.”

Ipapo Paul akakurukurirana nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Paul akaita nharo zvikuru, asi chinhu chimwe chete chakataurwa neChapupu chacho chakamuita kuti afunge. “Hapana chinongonyuka chisina kwachabva.” Namamwe mashoko, zvinhu zvose zvatinoona zvakatipoteredza zvakasikwa zvinofanira kuva neMusiki.

“Ndakafunga ndafungazve nezvaizvozvo, uye ndaifanira kubvuma.” Nokudaro Paul akadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokusvika pakuziva Jehovha. Anobvuma kuti: “Kunze kwevabereki vangu, Jehovha akanga ari munhu wokutanga muupenyu hwangu akanga ati ambondiitira chimwe chinhu.” Paul akabhabhatidzwa seChapupu muna 1977 ndokuti: “Zvino ndava kuziva chinangwa chaichoicho cheupenyu. Ndinofarira kurarama maererano nekuda kwaJehovha. Ndinonzwa ndakachengeteka, sezvo pasina chinogona kuitika kwandiri kana kuti kumhuri yangu icho Jehovha asingazogoni kururamisa munguva yemberi.”

Tinogona kudzidzei kubva mune zvakaitika izvi? Paul akakunda kusachengeteka kwake—mutoro mupfungwa—kwete nokuisa pfungwa dzake dzose papfuma yokunyama asi pazvinhu zvomudzimu. Akava neukama hwakasimba neMusiki. Mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha anofadzwa nokuva neukama hwakadaro. Izvi zvinovapa simba romukati rinovabetsera kurega zvimwe zvinhu mukubata kwavo nevamwe. Zvichishanyira vanhu pamisha yavo, Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa nguva yazvo kubetsera vamwe vanhu kuita kuti upenyu hwavo huwedzere kuchengeteka kupfurikidza nokuisa pfungwa dzavo dzose pazvinhu zvemudzimu. Asi Zvapupu zvinoita zvakawanda kupfuura kuparidza chete.

“Danai Mwari Wenyu, Jehovha”

Muna July 1997 apo Rwizi rweOder rwakafashamira nharaunda dzakakura dzekuchamhembe kweEurope, Zvapupu zvaJehovha zvokuGermany zvakanzwa nezvenhamo yevanhu vari muPoland yavakavakidzana nayo. Chii chavaigona kuita? Zvapupu zvomuBerlin nemakapoteredza zvakaratidza mutsa unoshamisa nokupa mari inopfuura $1 972 000 mumazuva mashomanene.

Zvapupu zvakanga zvagara nebasa rokuvaka zvakaenda nomugwagwa kwemaawa matanhatu—zvichishandisa mari yazvo—kubva kuBerlin kuenda kuruwa rwakapoteredza Wrocław, Poland. Mune rimwe guta duku, dzimba dzakawanda dzakaparadzwa zvakanyanya. Imwe imba yemhuri yeZvapupu yakanga yakanyura mumvura mamita anopfuura matanhatu. Mwanasikana wacho akanga ari kuronga kuroorwa mwedzi unotevera wacho uye kugara muimba yacho nomurume wake. Chii chaigona kuitwa kugadzira imba yacho nokubetsera mhuri yacho, yakanga yarasikirwa nezvinoda kuva zvinhu zvose?

Pakaserera mafashamo, mumwe muvakidzani achivaseka akabvunza kuti: “Nei musingadani Mwari wenyu, Jehovha, ndokuona kana achizokubetserai?” Muvakidzani wacho akashamiswa zvakadini apo zuva rakatevera motokari dzinoverengeka dzakabva kuGermany dzakasvika pamusha wemhuri yeZvapupu zvacho! Boka revanhu vavakanga vasingazivi rakaburuka mumotokari ndokutanga kugadzira imba yacho. “Ndivanaani? Ndiani ari kubhadhara zvokushandisa zvacho?” muvakidzani wacho akabvunza. Mhuri yeZvapupu yakatsanangura kuti idzi dzakanga dziri hama dzavo dzemudzimu uye kuti ava vaenzi vakanga vachibhadhara zvokushandisa zvacho. Vagari veguta racho vakacherekedza vachishamiswa sezvo imba yakanga ichigadziridzwa. Sezvineiwo, muchato wakaitwa pazuva rakanga rarongwa.

Mhuri iyi yakaona kuti kuva nehama munyika yose kweZvapupu zvaJehovha kunobetsera kwete mumudzimu chete asiwo kunounza mwero wakati wekuchengeteka munyika isina kuchengeteka. Havasi ivo voga vakaitirwa izvozvo. Munharaunda yacho yose yakaparadzwa, dzimba neHoro dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha zvakagadziridzwa. Uye vavakidzani vasiri Zvapupu havana kukanganwikwa. Basa rakawanda rakaitwawo padzimba dzavo, iro rakaongwa zvikuru.

Kururama, Kunyarara, uye Kuchengeteka

Apo fivha yakakwira inenge yapera uye utano hwenguva dzese hwadzoka, tinoonga zvakadini chiremba akatibetsera! Apo fivha yekusachengeteka iri kubata rudzi rwemunhu ichange yarapwa nekusingaperi—kupfurikidza noUmambo hwaMwari—tichaonga zvakadini Musiki wedu! Hungu, ndiye ari kutivimbisa upenyu mu“kururama kwechokwadi, kunyarara nekuchengeteka kusvikira kunguva isingazivikanwi.” Ikariro inoshamisa zvakadini!—Isaya 32:17, NW.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

Tinogona kuderedza mutoro mupfungwa kupfurikidza nekusangofunga pfuma chete asi zvinhu zvomudzimu

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Mwari anovimbisa nyika itsva umo vose vachararama vakachengeteka nekusingaperi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe