RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp16 nha. 2 pp. 3-4
  • Zvakanyatsoitika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakanyatsoitika Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHOKWADI PANYAYA IYI
  • JESU AKAMUTSWA HERE?
  • Kumutswa kwaJesu Kunotibatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Evhangeri—Inhau Kana Kuti Ingano Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Jesu Akamutswa Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kumutswa Kwevakafa—Kuchatoitika!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
wp16 nha. 2 pp. 3-4
Mutumbi waJesu uchibviswa padanda rekutambudzikira vadzidzi vake vachitarisa vari nechekure

NYAYA IRI PAKAVHA | NEI JESU AKATAMBURA NDOKUFA?

Zvakanyatsoitika Here?

Muchirimo cha33 C.E., Jesu wekuNazareta akaurayiwa. Ainge apomerwa mhosva yekupandukira hurumende, ndokurohwa zveutsinye, achibva azorovererwa padanda. Akafa achirwadziwa chaizvo. Asi Mwari akamumutsa kuti ararame zvekare uye akaenda kudenga pashure pemazuva 40.

Nyaya iyi inowanika mumabhuku mana eEvhangeri ari muMagwaro echiKristu echiGiriki, anonyanya kuzivikanwa seTestamende Itsva. Zvinhu izvi zvakanyatsoitika here? Uyu mubvunzo une musoro uye unokosha. Kana zvisina kuitika, kunamata kwevaKristu kunenge kusina zvakunobatsira uye kufunga nezvekurarama muParadhiso kunenge kuri kungorotawo zvako. (1 VaKorinde 15:14) Asi kana zvinhu izvi zvakanyatsoitika, remangwana revanhu vose kusanganisira rako, rinenge rakajeka. Saka zvinotaurwa nemabhuku eEvhangeri zvakaitika here kana kuti ndezvekunyepa?

CHOKWADI PANYAYA IYI

Nyaya dziri mumabhuku eEvhangeri hadzisi ngano. Dzakarurama uye dzinonyatsoratidza zvakaitika. Somuenzaniso, mabhuku acho ane mazita akawanda enzvimbo dzinotozivikanwa kuti dziriko uye munhu anogona kutodzishanyira mazuva ano. Anotaura nezvevanhu chaivo vakamborarama. Vanonyora zvakaitika kare vanoratidzawo kuti vanhu ava vakambovako.—Ruka 3:1, 2, 23.

Vanonyora zvakaitika kare vakararama makore ari pakati pa1 C.E.-200 C.E. vakanyorawo nezvaJesu.a Nzira yaakaurayiwa nayo iyo inotaurwa mumabhuku eEvhangeri inoenderana nenzira dzaishandiswa nevaRoma pakuuraya vanhu mazuva iwayo. Uyewo, nyaya dzirimo dzinotaurwa sezvadziri pasina kuvanza zvimwe, dzichitoratidza zvimwe zvaikanganiswa nevadzidzi vaJesu. (Mateu 26:56; Ruka 22:24-26; Johani 18:10, 11) Zvose izvi zvinonyatsoratidza kuti vanyori veEvhangeri pavainyora nezvaJesu vainyora zvinhu zvakarurama.

JESU AKAMUTSWA HERE?

Vakawanda vanobvuma kuti Jesu akamborarama akazofa, asi vamwe vavo havana chokwadi kuti akamutswa. Kunyange vaapostora vake chaivo havana kubvuma pavakatanga kunzwa kuti akanga amutswa. (Ruka 24:11) Ivo pamwe chete nevamwe vadzidzi vakazobvuma pavakaona Jesu panguva dzakasiyana-siyana pashure pekunge amutswa. Pamwe pacho akaonekwa nevanhu vanopfuura 500.—1 VaKorinde 15:6.

Vadzidzi vakaparidza neushingi nezvekumutswa kwaJesu kuvanhu vose kunyange kune vaya vakanga vamuuraya, pasinei nekuti izvi zvaigona kuita kuti vasungwe uye vaurayiwe. (Mabasa 4:1-3, 10, 19, 20; 5:27-32) Vadzidzi vese ivavo vangadai vakava neushingi hwakadaro here kudai vainge vasina chokwadi chekuti Jesu ainge amutswa? Kuziva kuti Jesu akamutswa zvechokwadi ndiko kwaiita kuti vanhu vade kuva vaKristu kare uye iye zvino.

Manyorerwo akaitwa nhoroondo dziri mumabhuku eEvhangeri idzo dzinotaura nezvekufa uye kumutswa kwaJesu, anonyatsoratidza kuti ndedzechokwadi. Ukanyatsoverenga nhoroondo idzi uchaona kuti zvinhu izvi zvakanyatsoitika. Uchanyatsova nechokwadi nazvo kana ukanzwisisa zvikonzero zvakaita kuti zvinhu izvozvo zviitike. Izvozvo zvichataurwa munyaya inotevera.

a Tacitus, uyo akaberekwa munenge muna 55 C.E., akanyora kuti “Kristu, pakabva zita rokuti [vaKristu], akatongerwa rufu nemumwe wemagavhuna edu, Pondiyo Pirato, Tibheriyo paaiva mambo.” Vamwewo vanotaura nezvaJesu ndevanotevera: Suetonius (akararama makore ari pakati pa1 C.E.-100 C.E.); munyori wezvakaitika kare wechiJudha ainzi Josephus (akararama makore ekuma100 C.E.); nagavhuna weBhitiniya ainzi Pliny the Younger (akararama kutanga kwemakore ekuma100 C.E.).

Nei Pasina Zvinyorwa Zvakawanda Zvenyika Zvinotaura NezvaJesu?

Tinoziva kuti zvakaitwa naJesu zvakachinja upenyu hwevakawanda, asi tinofanira here kutarisira kuwana mamwe mabhuku emunguva yakararama Jesu asiri Bhaibheri, kuti atiudze kuti Jesu munhu chaiye uye kuti akamborarama pano panyika? Kwete hazvo. Chimwe chikonzero ndechekuti, mabhuku eEvhangeri akanyorwa makore anenge 2 000 akapfuura. Kwangosara zvinyorwa zvishoma zvepanguva iyoyo zvinotaura zvakaitika kare. (1 Petro 1:​24, 25) Uyewo sezvo vanhu vakawanda vaivenga Jesu, hatingatarisiri kuti vaizonyora chero chinhu chakanaka chaizoita kuti vanhu vatende maari.

Mumwe wevaapostora vaJesu ainzi Petro achitaura nezvekumutswa kwaJesu akati: “Mwari akamutsa Iyeyu pazuva rechitatu akamubvumira kuti aonekwe, kwete nevanhu vose, asi nezvapupu zvakafanogadzwa naMwari, isu vacho, takadya nokunwa naye pashure pokunge amutswa kubva kuvakafa.” (Mabasa 10:​40, 41) Nei asina kuzviratidza kuvanhu vose? Evhangeri yaMateu inotiudza kuti vavengi vaJesu pavakanzwa nezvekumutswa kwake, vakaedza kuita kuti nyaya yacho isazivikanwa.​—⁠Mateu 28:​11-⁠15.

Izvi zvinoreva here kuti Jesu aida kuti vanhu vasaziva nezvekumutswa kwake? Kwete, nokuti Petro anoenderera mberi achiti: “Akatirayira kuparidzira vanhu nokupupura kwazvo kuti Uyu ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wevapenyu nevakafa.” Nanhasi vaKristu vechokwadi vachiri kuparidza.​—⁠Mabasa 10:​42.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe