RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp16 nha. 2 pp. 8-10
  • VaKristu Vanofanira Kunamatira Munzvimbo Tsvene Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaKristu Vanofanira Kunamatira Munzvimbo Tsvene Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NAMATA “NOMUDZIMU NECHOKWADI”
  • VAKRISTU VANOFANIRA KUONA SEI NZVIMBO TSVENE?
  • Ko Mwari Anopindura Minyengetero Yako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
wp16 nha. 2 pp. 8-10

VaKristu Vanofanira Kunamatira Munzvimbo Tsvene Here?

GORE negore, vanhu vanopfuura mamiriyoni 6 vanoenda kusango riri kure kuShima Peninsula, muJapan. Vanenge vachienda kuGrand Shrine of Ise, kuna Amaterasu Omikami, mwarikadzi wezuva wechitendero chinonzi Shinto uyo ava nemakore anenge 2 000 achinamatwa. Vanamati vacho vanotanga vazvichenesa nekugeza maoko uye mukanwa. Kana vapedza, vanobva vamira muimba yavanonamatira, vokotamisa misoro, voombera uye vonamata mwarikadzi uyu.a Vanhu vechitendero chechiShinto vanobvumirwa kupinda zvimwe zvitendero. Pane vamwe vanhu vanoona pasina chakaipa nekutevedzera tsika dzechiShinto dzinoitwa panzvimbo iyi. Ava vanosanganisira vaBhudha nevamwe vanozviti vaKristu.

Zvitendero zvikuru zvakawanda zviri munyika zvine nzvimbo dzinonzi itsvene,b uye mamiriyoni evanhu anoshanyira nzvimbo idzodzo. Munyika dzinozviti ndedzechiKristu mune machechi akawanda uye nzvimbo dzinonzi itsvene dzakatsaurirwa kuna Jesu, Mariya uye vasande. Dzimwe dzacho dziri kunofungidzirwa kuti ndiko kwakaitikira zvinhu zvinotaurwa muBhaibheri, kwavanoti kwakaitikira zvishamiso zvemazuva ano, kana kuti kunochengeterwa zvinhu zvaishandiswa kare pakunamata. Vanhu vakawanda vanoenda kunzvimbo tsvene nekuti vanofunga kuti kana vakanamatira munzvimbo idzi minamato yavo ichanzwiwa. Vamwe vanoita rwendo rwakareba rwekuenda ikoko kunonamata, kuti varatidze kuzvipira kwavo.

Vanhu vari paGrand Shrine of Ise in Japan uye paGrotto of Massabielle in Lourdes, France

Vanhu vari paGrand Shrine of Ise, Japan, uye paGrotto of Massabielle, Lourdes, France

Kuti minamato inzwiwe, munhu anofanira kunge ari panzvimbo tsvene here? Mwari anofadzwa here nekuzvipira kwevanhu vanoenda kunzvimbo dzinonzi itsvene kunonamata? Mubvunzo unotokosha ndewekuti, vaKristu vanofanira kunamatira panzvimbo dzakadaro here? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichatibatsira kuona kuti kunamatira panzvimbo dzinonzi itsvene kwakanaka here uye kuti ndekupi kunamata kunofadza Mwari.

NAMATA “NOMUDZIMU NECHOKWADI”

Jesu achitaura nemukadzi muSamariya patsime

Jesu airevei paakati tinofanira kunamata “nomudzimu nechokwadi”?

Zvakataurwa naJesu paaikurukura nemumwe mukadzi muSamariya zvinoratidza kuti Mwari anoona sei nzvimbo dzinonzi itsvene. Jesu paakanga achipfuura nemuSamariya akamira pane rimwe tsime pedyo neguta reSikari. Akatanga kutaura nemukadzi ainge auya kuzochera mvura patsime iroro. Pavaikurukura, mukadzi wacho akataura kusiyana kukuru kwaivapo pamanamatiro evaJudha neevaSamariya. Mukadzi uyu akati, “Madzitateguru edu ainamatira mugomo iri; asi imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatirwa nevanhu.”—Johani 4:5-9, 20.

Gomo raitaurwa nemukadzi uyu iGomo reGerizimu, riri makiromita 50 kuchamhembe kweJerusarema. VaSamariya vaimbova netemberi ikoko uye ndiko kwavaiitira mitambo yakadai sePaseka. Zvisinei, pane kuti ati sika-sika nenyaya yekusiyana kwemaonero evaJudha nevaSamariya, Jesu akaudza mukadzi uyu kuti: “Nditende, iwe mukadzi, awa iri kuuya pamusingazonamati Baba muri mugomo iri kana muJerusarema.” (Johani 4:21) Zvaakataura izvi zvaishamisa sezvo aiva muJudha! Sei kunamatira patemberi yaMwari muJerusarema kwaizoguma?

Jesu akaenderera mberi achiti: “Awa iri kuuya, nazvino yatovapo, vanamati vechokwadi pavachanamata Baba nomudzimu nechokwadi, nokuti, chokwadi, Baba vari kutsvaka vanhu vakadaro kuti vavanamate.” (Johani 4:23) VaJudha vakaita mazana emakore vachiona temberi yemuJerusarema semuzinda wekunamatira. Temberi iyi yainge yakanaka chaizvo. Vaienda ikoko katatu pagore kunopa zvibayiro kuna Mwari wavo Jehovha. (Eksodho 23:14-17) Asi Jesu akati zvose izvi zvaizochinja uye kuti “vanamati vechokwadi” vaizonamata “nomudzimu nechokwadi.”

Temberi yevaJudha yaiva chivako chakanga chiri pane imwe nzvimbo. Asi mudzimu nechokwadi zvinhu zvisingabatiki kana kuoneka. Saka Jesu akanga achitsanangura kuti kunamata kwevaKristu vechokwadi hakunei nekuti munhu ari kunamatira pachivako kana kuti panzvimbo ipi, pangava paGomo reGerizimu, patemberi yaiva muJerusarema kana kuti imwewo nzvimbo tsvene.

Paakanga achitaura nemukadzi muSamariya, Jesu akati “awa” yaizoitika zvose izvi yakanga iri “kuuya.” Yaizosvika riini? Awa iyoyo yakasvika Jesu paakafa sechibayiro, zvichibva zvagumisa manamatiro aiita vaJudha vachitevedzera Mutemo waMosesi. (VaRoma 10:4) Asi, Jesu achitaura nezveawa iyi akatiwo: “Nazvino yatovapo.” Nei akataura izvozvo? Nekuti iye saMesiya, akanga ava kutounganidza vadzidzi vaizoteerera murayiro wekuti: “Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Saka zvinorevei kunamata nomudzimu nechokwadi?

Jesu akanga achitaura nezvekutungamirirwa nemudzimu mutsvene waMwari, uyo unotibatsirawo pakunzwisisa Magwaro. (1 VaKorinde 2:9-12) Uye chokwadi chairehwa naJesu izivo yakarurama yedzidziso dzeBhaibheri. Saka kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naMwari kunofanira kuenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri uye kuchitungamirirwa nemudzimu mutsvene. Zvekuti munhu ari kunamata ari panzvimbo yakaita sei hazvikoshi hazvo.

VAKRISTU VANOFANIRA KUONA SEI NZVIMBO TSVENE?

Saka vaKristu vanofanira kuona sei nyaya yekuenda kune dzinonzi nzvimbo tsvene uye kunamatira ikoko. Tichifunga nezvemurayiro waJesu wekuti vanamati vechokwadi vanofanira kunamata Mwari nomudzimu nechokwadi, zviri pachena kuti kunamatira panzvimbo inonzi itsvene hakusiriko kunokosheswa naBaba vedu vekudenga. Uye Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari anoona sei kunamata zvidhori. Rinoti: “Tizai kunamata zvidhori” uye “zvichenjererei pazvidhori.” (1 VaKorinde 10:14; 1 Johani 5:21) Ndokusaka muKristu wechokwadi angasada kunamata panzvimbo chero ipi zvayo inoonekwa sekuti itsvene kana kuti inoita kuti vanhu vade kunamata zvidhori. Saka, tichatarisa zvinenge zvakaita dzinonzi nzvimbo tsvene, vaKristu vechokwadi havaendi kunonamatira ikoko.

Asi izvi hazvirevi kuti Shoko raMwari rinorambidza munhu kuti ave nenzvimbo inomuitira paanenge achinyengetera, achidzidza kana kuti achidzamisa pfungwa pazvinhu zvekunamata. Nzvimbo yekunamatira yakarongeka uye inoremekedzeka inoita kuti zvive nyore kudzidza uye kukurukura zvekunamata. Uye hazvina kuipa kugadzira chinhu chinokuyeuchidza chimwe chiitiko, sedombo rinonyorwa zita remufi roiswa paguva rake. Iri rinenge richingovawo dombo rinoyeuchidza vanhu nezvemufi uye kumuda kwavaiita. Asi, kuzoona nzvimbo iyoyo setsvene kana kuti kunamata mifananidzo ipapo ndiko kunopesana zvachose nezvakataurwa naJesu.

Saka haufanire kufunga kuti kana ukanonamata uri panzvimbo tsvene ndizvo zvichaita kuti unzwiwe naMwari. Kuenda kunonamata uri kune dzinonzi nzvimbo tsvene hakusiriko kunoita kuti ufarirwe naMwari kana kuti akupe makomborero. Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha Mwari, “Ishe wedenga nenyika, haagari mutemberi dzakaitwa nemaoko.” Asi izvi hazvirevi kuti Mwari ari kure nesu. Chero kwatinenge tiri, tinogona kunyengetera kwaari otinzwa, nekuti haasi “kure nomumwe nomumwe wedu.”​—Mabasa 17:24-27.

a Zvinoitwa munzvimbo tsvene dzevaShinto zvinosiyana-siyana.

b Ona bhokisi rakanzi “Chii Chinonzi Nevanhu Nzvimbo Tsvene?”

Chii Chinonzi Nevanhu Nzvimbo Tsvene?

Dzimwe nzvimbo tsvene dzinoshandiswa pakunamata vanamwari kana kuti vanhu vanonzi vatsvene. Nzvimbo idzi dzinowanzoshandiswa pakuchengetera mifananidzo uye zvinhu zvekare zvinofungidzirwa kuti zvaiva nechekuita nezvishamiso, zviratidzo kana kuti madzangaradzimu. Mazuva ano nzvimbo tsvene inogona kuva temberi, chechi, kana kuti nzvimbo yokunamatira inenge iine chifananidzo. Vamwe vanogadzira nzvimbo idzi pamba pavo. Kunyika dziri kumabvazuva uye kumadokero, vanhu vanogadzira atari diki pamba pavo uye vanoenda ipapo kunonamata, kunofungisisa uye kunopa zvibayiro.

Hadzisi nzvimbo tsvene dzose dzinoshandiswa pakunamata. Somuenzaniso munyika dzakawanda vanhu vanenge vafirwa nehama dzavo mutsaona dzemotokari vanowanzogadzira chimwe chinhu padivi pemugwagwa kuti chivayeuchidze nezvehama dzavo. Dzimwe nzvimbo dzacho dzinogadzirwa nenyika uye dzinoshandiswa pakuyeuka hondo dzakaitika kare, pakuyeuka vakafira muhondo kana kuti mune dzimwe njodzi. Kunyange zvazvo nzvimbo idzi dzichiita kuti vanhu varangarire nekuchema hama dzavo, kazhinji kacho dzinoratidza chitendero chevanhu vakadzigadzira.

Mumwe weZvapupu zvaJehovha achidzidzisa mumwe mukadzi ane tsvimbo tsvene yaMariya mumba make
    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe