RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w16 December pp. 29-31
  • Kuva Munhu Munyoro—Kunoratidza Uchenjeri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuva Munhu Munyoro—Kunoratidza Uchenjeri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI KUVA MUNHU MUNYORO KURI KUCHENJERA?
  • Vanyoro Vanofara Sei!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Unyoro—Hunotibatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Pfekai Unyoro!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Ndiani Akachenjera uye Anonzwisisa Pakati Penyu?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
w16 December pp. 29-31
Anoita basa rekubatsira vakwegura ari kutaura nemukadzi akatsamwa

Kuva Munhu Munyoro Kunoratidza Uchenjeri

Toñi, uyo anoita basa rekubatsira vakwegura, akasvika pamwe pamba ndokubva pabuda mukadzi ane makore ekuma50. Mukadzi wacho akatanga kupopotera Toñi kuti akanga anonoka kuuya kuzobatsira amai vake. Toñi akanga asina kunonoka. Kunyange zvakadaro, akakumbira ruregerero kumukadzi wacho.

PAAKADZOKA zvakare, mukadzi uya akamupopoterazve. Toñi akaita sei? Anoti, “Zvakanga zvakaoma. Pakanga pasina chikonzero chekuti andipopotere.” Asi kunyange zvakadaro, Toñi akakumbira ruregerero zvakare, ndokuudza mukadzi wacho kuti ainzwisisa dambudziko raaiva naro.

Kudai uriwe Toñi, unofunga kuti ungadai wakaita sei? Ungadai wakaedza kuratidza unyoro here? Zvaizokuomera here kudzora hasha dzako? Kutaura chokwadi, zvakaoma chaizvo kuramba wakadzikama mumamiriro ezvinhu akaita seabva kutaurwa. Patinenge takagumbuka kana kuti zvinhu zvisiri kutifambira zvakanaka, zvakaoma chaizvo kuramba takadzikama.

Zvisinei, Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti varatidze unyoro. Shoko raMwari rinototi kuva neunhu hwakadaro kunoratidza uchenjeri. “Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu?” anobvunza kudaro Jakobho. “Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri.” (Jak. 3:13) Kuva munhu munyoro kunoratidza uchenjeri hunobva kumusoro pakudini? Uye chii chingatibatsira kuva neunhu uhwu hwakanaka hwechiKristu?

NEI KUVA MUNHU MUNYORO KURI KUCHENJERA?

Kuva munhu munyoro kunogona kudzikamisa zvinhu. “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.”​—Zvir. 15:1.

Kupindura nehasha kunogona kuita kuti zvinhu zvitowedzera kuipa nekuti unenge uchidira parafini mumoto. (Zvir. 26:21) Asi mhinduro nyoro inodzikamisa zvinhu. Inogona kutodzora hasha dzemunhu ane mwoyo wakaoma.

Toñi akaona izvozvo zvichiitika. Mukadzi uya paakaona kuti Toñi aimupindura neunyoro, akatanga kusvimha misodzi. Akatsanangura kuti akanga akamomoterwa nematambudziko aimushungurudza. Toñi akabva amuparidzira uye mukadzi wacho akatanga kudzidza Bhaibheri. Zvese izvi zvakaitika nekuti Toñi akaramba akadzikama.

Kuva munhu munyoro kunogona kuita kuti tifare. “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.”​—Mat. 5:5.

Nei vanhu vanyoro vachifara? Kuburikidza nekupfeka unyoro, vakawanda vaimbova nehasha vava vanhu vanofara. Upenyu hwavo hwachinja uye vanoziva kuti vane ramangwana rakanaka. (VaK. 3:12) Mumwe mutariri wedunhu wekuSpain anonzi Adolfo anotaura mararamiro aaiita asati ava Chapupu.

“Upenyu hwangu hwaisava nechinangwa,” anodaro Adolfo. “Hasha dzaindikunda, zvekuti kunyange dzimwe shamwari dzangu dzaitonditya nekuti ndaisada kuudzwa zvekuita uye ndaikurumidza kuita zvezvibhakera. Asi pane zvakazoita kuti ndichinje. Pandairwa nevamwe vanhu, ndakabayiwa nebanga ka6 ndikabuda ropa rakawanda zvekuti ndakapotsa ndafa.”

Asi iye zvino Adolfo anodzidzisa vamwe kuti vave vanhu vanyoro kuburikidza nezvaanotaura uye zvaanoita. Vakawanda vanofarira unhu hwake hwakanaka. Adolfo anoti anofara nekuchinja kwaakaita. Uye anotenda Jehovha kuti akamubatsira kuti ave munhu munyoro.

Kuva munhu munyoro kunoita kuti Jehovha afare. “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.”​—Zvir. 27:11.

Jehovha ari kushorwa nemuvengi wake mukuru, Dhiyabhorosi. Mwari ane chikonzero chekuti agumbuke, asi Bhaibheri rinoti Jehovha “anononoka kutsamwa.” (Eks. 34:6) Patinoedza kutevedzera kunonoka kutsamwa kwaJehovha uye unyoro hwake, tinenge tichiratidza kuti takachenjera uye izvozvo zvinomufadza kwazvo.​—VaEf. 5:1.

Nyika yaipa zvikuru. Tinogona kusangana nevanhu “vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, . . . vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa.” (2 Tim. 3:2, 3) Asi izvozvo hazvifaniri kutadzisa muKristu kuva munyoro. Shoko raMwari rinotiyeuchidza kuti “uchenjeri hunobva kumusoro . . . hune rugare, hunonzwisisa.” (Jak. 3:17) Patinova vanhu vane rugare uye vanonzwisisa, tinenge tichiratidza kuti tine uchenjeri hunobva kuna Mwari. Uchenjeri ihwohwo hunoita kuti tive vanhu vanyoro patinoitirwa zvinotsamwisa uye huchaita kuti tiswedere pedyo naJehovha uyo anopa uchenjeri husingaperi.

Zvaungaita Kuti Uve Munhu Munyoro

Kana mumwe munhu akakubata zvisina kunaka kana kukupopotera, ungaita sei kuti urambe wakadzikama uye kuti uite zvinhu nenzira inoita kuti Jehovha afare? Zvingabatsira kana ukafungisisa nezvemazano anotevera.

  1. 1 DZIVISA “MUDZIMU WENYIKA.”​—1 VaK. 2:12. Vanhu vakawanda vanofunga kuti kuva munhu munyoro kunoratidza kuti hauna simba. Vanoti munhu akasimba anofanira kuita zvembabvu. Mafungiro akadaro anoratidza mudzimu wenyika, kwete uchenjeri hunobva kumusoro. Bhaibheri rinototaura zvakajeka kuti munhu munyoro ane simba rakakura. “Mutungamiriri anonyengetedzwa nokushivirira, uye rurimi runyoro runogona kutyora pfupa.”​—Zvir. 25:15.

    Mibvunzo yekufunga nezvayo:

    Ndinoona sekuti kuva munyoro kunoratidza kuva nesimba here kana kuti kusava nesimba?

    Ndiri kuedza kudzivisa here “mabasa enyama,” akadai sekufufutirwa nehasha uye kupopotedzana?​—VaG. 5:19, 20.

  2. 2 ZVIPE NGUVA YEKUFUNGISISA. “Mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure, asi miromo yevakaipa inobudisa zvinhu zvakaipa.” (Zvir. 15:28) Kana tikakurumidza kutaura tichakatsamwa, tinogona kutaura mashoko atinozodemba kuti dai tisina kuataura. Asi kufungisisa tisati tataura kunotibatsira kuti tidzikamise pfungwa, topindura neunyoro, uye izvi zvinoita kuti zvinhu zvidzikame.

    Mibvunzo yekufunga nezvayo:

    Kutaura ndisina kufungisisa kunondibatsira here?

    Hazviiti here kuti ndingosiyana nenyaya yacho kuti ndichengetedze rugare?​—Zvir. 19:11.

  3. 3 GARA UCHINYENGETERA. Nyengeterera mudzimu mutsvene, simba rinopfuura mamwe ose. (Ruka 11:13) Yeuka kuti chibereko chemudzimu mutsvene waMwari chinosanganisira kuzvidzora. “Kugara ndichinyengetera kuna Jehovha kuri kundibatsira chaizvo, kunyanya zvinhu pazvinenge zvisina kumira zvakanaka,” anodaro Adolfo. Jehovha achapindurawo minyengetero yedu yekukumbira mudzimu mutsvene kana ‘tikaramba tichinyengetera.’​—VaR. 12:12.

    Mibvunzo yekufunga nezvayo:

    Ndinogara ndichinyengetera kuna Jehovha kuti aongorore mwoyo wangu nevavariro dzangu here?

    Ndinokumbira mudzimu wake mutsvene uye uchenjeri hwekuita zvinhu nenzira yaanoda here?​—Pis. 139:23, 24; Jak. 1:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe