RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 5 pp. 4-5
  • Chokwadi Nezvengirozi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chokwadi Nezvengirozi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonzi Ngirozi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ngirozi—Kutibatsira Kwadzinoita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ngirozi—Ko Dzinotapura Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 5 pp. 4-5
Ngirozi huru uye makumi ezviuru emakumi ezviru edzimwe ngirozi

NYAYA IRI PAKAVHA | NGIROZI​—DZIRIKO HERE? KUZVIZIVA KUNOBATSIREI?

Chokwadi Nezvengirozi

Unoda here kuziva kuti ngirozi dzakamboita sei, dzakabvepi uye kuti dzinoita basa rei? Hakuna kumwe kwaungawana mhinduro dzechokwadi kunze kwemuShoko raMwari Bhaibheri. (2 Timoti 3:16) Bhaibheri rinoti kudii?

  • Mwari Mweya uye ndizvo zvakaitawo ngirozi, hadzina muviri ‘wenyama nemapfupa.’ Ngirozi dzakanaka dzinogara kudenga uye dzinotosvika kunogara Mwari.​—Ruka 24:39; Mateu 18:10; Johani 4:24.

  • Dzimwe nguva dzaimbouya panyika kuzoita basa radzainge dzatumwa naMwari. Saka dzaibva dzachinja miviri dzoita sevanhu uye padzainge dzapedza basa radzo dzaibva dzachinja zvekare miviri yadzo dzodzokera kudenga.​—Vatongi 6:11-23; 13:15-20.

  • MuBhaibheri, ngirozi dzinotaurwa sevarume uye padzaiuya panyika dzaichinja miviri yadzo dzooneka sevarume. Asi ngirozi pachadzo hakuna dzinonzi idzi varume idzi vakadzi. Hadziroori uye hadzikwanisi kubereka dzimwe ngirozi. Ngirozi hadzina kutanga dziri vanhu. Dzakasikwa naJehovha dzingori ngirozi uye ndosaka Bhaibheri richidziti “vanakomana vaMwari wechokwadi.”​—Jobho 1:6; Pisarema 148:2, 5.

  • Bhaibheri rinoti kune “ndimi dzevanhu nedzengirozi,” kuratidza kuti ngirozi dzine mutauro wadzinoshandisa pakutaurirana. Kunyange zvazvo Mwari akashandisa ngirozi kuti dzitaure nevanhu, haadi kuti tidzinamate kana kuti tinyengetere kwadziri.​—1 VaKorinde 13:1; Zvakazarurwa 22:8, 9.

  • Kune makumi ezviuru emakumi ezviuru zvengirozi, uye dzinogona kutosvika kumabhiriyoni.​—Dhanieri 7:10; Zvakazarurwa 5:11.

  • Ngirozi dzine “simba guru” uye dzakachenjera kupfuura vanhu. Dzinokwanisa kumhanya zvakanyanya zvatisingakwanisi kufungidzira.​—Pisarema 103:20; Dhanieri 9:20-23.

  • Kunyange zvazvo dziine simba rakakura uye dzakachenjera kutipfuura, dzine zvimwe zvadzisingakwanisi kuita uye zvadzisingazivi.​—Mateu 24:36; 1 Petro 1:12.

  • Ngirozi dzine unhu hwakanaka hwakasiyana-siyana uye dzine rusununguko rwekusarudza. Saka kungofanana nesu, dzinokwanisa kusarudza kuita zvakanaka kana kuti zvakaipa. Chinosuwisa ndechekuti dzimwe ngirozi dzakasarudza kupandukira Mwari.​—Judha 6.

Ngirozi dzaMwari Dzakarongwa Sei?

Ngirozi huru, Mikaeri ndiyo ngirozi ine simba guru kudarika dzese uye ine chinzvimbo chepamusoro. Magwaro anoratidza kuti Mikaeri nderimwe zita raJesu Kristu.​—1 VaTesaronika 4:16; Judha 9.

Maserafi ndiwo ane nzvimbo nebasa repamusoro kupfuura dzimwe ngirozi, uye anogara ari pedyo nechigaro chaMwari.​—Isaya 6:1-3.

Makerubhi anewo nzvimbo yepamusoro uye anoshanda ari pedyo neWemasimbaose. Kakawanda kacho anenge achishumira Mwari.​—Genesisi 3:24; Ezekieri 9:3; 11:22.

Makumi ezviuru emakumi ezviuru edzimwe ngirozi ndiwo anotumwa naMwari kuita mabasa akasiyana siyana.a​—VaHebheru 1:7, 14.

a Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvengirozi, verenga chitsauko 10 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? uye nyaya iri mubhuku iroro yakanzi “Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?” rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Riripowo pawebsite yedu inonzi www.pr2711.com.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe