Sumo
MWARI ANOKUDA HERE?
Panoitika njodzi kana kuti vanhu pavanotambura uye pavanofa, tinogona kunetseka kuti Mwari ari kuzviona here kana kuti ane hanya here. Bhaibheri rinoti:
“Nokuti maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo; asi chiso chaJehovha chinovenga vaya vanoita zvinhu zvakaipa.”—1 Petro 3:12.
Magazini ino inoratidza kuti Mwari anotibatsira sei uye zvaari kuita kuti abvise matambudziko ese atiri kusangana nawo.