RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w18 July pp. 30-31
  • Zvaungaita Kuti Kudzidza Bhaibheri Kukubatsire Uye Kukunakidze

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Kudzidza Bhaibheri Kukubatsire Uye Kukunakidze
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Anoda Kuti Tibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Joshua 1:9—“Shinga, Usimbe”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Kudzidza—Kune Mubayiro uye Kunonakidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa neBhaibheri?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
w18 July pp. 30-31
Joshua ari kuverenga Mutemo achishandisa rambi

Zvaungaita Kuti Kudzidza Bhaibheri Kukubatsire Uye Kukunakidze

Joshua ari kuverenga Mutemo; masvingo eJeriko ari kukoromoka uye imba yaRakabhi haidonhi; Joshua anosimudza maoko mudenga achinyengetera

JOSHUA ane basa rakakura. Anofanira kutungamirira vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa, asi izvi hazvisi nyore. Zvisinei, Jehovha anomuvimbisa kuti achabudirira uye anomukurudzira achiti: ‘Shinga, usimbe. Ita maererano nemutemo wangu. Uverenge masikati nousiku, kuti uchenjerere kuita maererano nezvese zvakanyorwa mauri. Ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire, wobva waita nekuchenjera.’​—Josh. 1:7, 8.

‘Munguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,’ isuwo tinosangana nematambudziko akakura. (2 Tim. 3:1) Kungofanana naJoshua, tinogona kubudirira kana tikateerera mazano aakapiwa naJehovha. Tinofanira kugara tichiverenga Bhaibheri toshandisa mazano aro patinosangana nemiedzo.

Vamwe vedu tingasaziva kuti tinodzidza sei kana kuti tingasanakidzwa nekudzidza. Asi, sezvo kudzidza Bhaibheri kuchikosha chaizvo, ona bhokisi rakanzi “Edza Kushandisa Mazano Aya” kuti uone zvimwe zvinogona kuita kuti unakidzwe uye ubatsirwe nekudzidza.

Munyori wepisarema akaimba kuti, “Ndifambisei mugwara remirayiro yenyu, nokuti ndakarifarira.” (Pis. 119:35) Kudzidza Shoko raMwari kunogona kuita kuti ufare. Paunenge uchitsvaga pfuma iri muShoko raMwari uchawana pfungwa dzinokosha.

Kunyange zvazvo usina rudzi rwaunofanira kutungamirira sezvakaitwa naJoshua, une matambudziko aunosangana nawo. Saka sezvakaitwa naJoshua, dzidza uye shandisa zvaunenge wadzidza kuti zvikubatsire. Kana ukadaro, newewo uchabudirira uye uchaita nekuchenjera.

EDZA KUSHANDISA MAZANO AYA

  • Murume akabatanidza maoko ake achinyengetera

    Nyengetera usati watanga kudzidza. Bhaibheri rine pfungwa dzaJehovha uye dzakanyorwa kuti dzikubatsire. Saka paunoverenga Bhaibheri, mukumbire kuti akubatsire kuti unzwisise zvarinotaura, urambe uchizviyeuka, uye uzvishandise muupenyu hwako.​—Ezra 7:10.

  • Murume ari kuzvibvunza mubvunzo

    Zvibvunze mibvunzo paunenge uchiverenga Bhaibheri kana kuti mabhuku anoritsanangura. ‘Zvandaverenga zvinondiudzei nezvaJehovha? Zvinobatana sei nezvimwe zvese zvinotaurwa muShoko rake? Ndingashandisa sei pfungwa idzi kuti ndibatsire vamwe?’

  • Murume ari kufungisisa

    Fungisisa zvaunenge uchidzidza. Mira kuverenga, wozvibvunza kuti: ‘Izvi zvinoita kuti ndinzwe sei? Nei zvichiita kuti ndinzwe saizvozvo? Zvinoenderana sei nezvakamboitika kwandiri, zviri kutoitika kana kuti zvingazoitika mune ramangwana? Ndingashandisa sei mazano aya eBhaibheri muupenyu hwangu?’ (Job. 23:5; Pis. 49:3) Ona kuti unokwanisa here kutsanangura kuti nei Jehovha akakurudzira vanhu vake kuti varege mamwe maitiro. Kana kuti funga kuti dai munhu wauchangobva kuverenga nezvake akaita zvinhu neimwe nzira zvaizoguma nei.​—Dheut. 32:28, 29.

  • Murume ari kufungidzira zvaaverenga muBhaibheri

    Fungidzira paunenge uchiverenga chikamu chinenge chichitsanangura zvimwe zvinhu. Unogona here kufungidzira zvaiitika paitengeswa Josefa nevakoma vake kuvaIshmaeri? (Gen. 37:18-28) Zvii zvauri kuona, kunzwa uye kunhuhwidza? Ona urimowo munyaya yacho. Vari kufungei uye vari kunzwa sei? Kufunga seizvi paunenge uchidzidza kuchaita kuti uone sekuti nyaya yacho iri kutoitika uye kunoita kuti unyatsoinzwisisa.

  • Murume ari kushandisa zvinobatsira pakudzidza Bhaibheri

    Shandisa zvinhu zvinobatsira pakudzidza Bhaibheri zvakabudiswa nesangano paunenge uchitsvakurudza. Jairana nezvinhu zviri mumutauro wako zviri paIndaneti uye zvakaprindwa. Usazeza kukumbira vamwe kuti vakubatsire kuzvishandisa neunyanzvi. Semuenzaniso, unogona kuwana tsanangudzo dzedzimwe nyaya uye dzemamwe mavhesi emuBhaibheri kana ukatarisa muWatch Tower Publications Index kana kuti muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Shandisa maapendikisi eShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene kana achiwanikwa mumutauro waunonzwisisa. Anokubatsira kuti uzive nezvenzvimbo, madzinza evanhu, uremu hwezvinhu, kuyerwa kwaiitwa zvinhu, nezvimwewo.

  • Murume ari kudzokorora pfungwa dzinokosha

    Dzokorora pfungwa dzinokosha dziri pawanga uchiverenga kuti uzoramba uchiyeuka zvawanga uchidzidza. Udza vamwe zvaunenge waverenga. Pane chaunogona kushandisa muushumiri here? Kana ukaita izvi uchayeuka pfungwa dzinokosha uye vamwe vachabatsirwa nekudzidza kwaunenge uchiita.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe