RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp19 nha. 1 pp. 13-14
  • Mwari Achaitei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Achaitei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ACHABVISA ZVAKAIPA ZVESE
  • ACHAITA KUTI NYIKA IVE PARADHISO
  • ACHABVISA URWERE UYE RUFU
  • ACHAITA KUTI PAVE NEHURUMENDE YAKANAKA
  • Umambo hwaMwari Huchaitei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Umambo hwaMwari​—Kukosha Kwahunoita Kuna Jesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
wp19 nha. 1 pp. 13-14
Vanhu vaMwari vachishanda kuti nyika ive paradhiso

Mwari Achaitei?

Kana uri panguva yakaoma, unotarisira kuti shamwari yako ikubatsire. Saka vamwe pavanoona sekuti Mwari haasi kuvabatsira pamatambudziko avo vanobva vafunga kuti haana hanya navo. Asi kutaura chokwadi, Mwari ane zvakawanda zvaakatiitira uye ari kuronga kuzobvisa matambudziko ese atinosangana nawo. Zvii zvaachaita?

ACHABVISA ZVAKAIPA ZVESE

Mwari achaita izvi nekubvisa wacho anozvikonzera. Bhaibheri rinoratidza kuti honzeri yacho ndiani parinoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) “Akaipa” uyu ndiSatani Dhiyabhorosi uyo akanzi naJesu ndiye “mutongi wenyika ino.” (Johani 12:31) Satani ndiye ari kukonzera matambudziko ari kushungurudza vanhu. Saka Mwari achaitei?

Achashandisa Mwanakomana wake Jesu Kristu kuti “aparadze uyo ane simba rokukonzera rufu, iye Dhiyabhorosi.” (VaHebheru 2:14; 1 Johani 3:8) Bhaibheri rinoratidza kuti Satani pachake anozviziva kuti asara nenguva pfupi kuti aparadzwe. (Zvakazarurwa 12:12) Mwari achaparadzawo vese vanoita zvinhu zvakaipa.—Pisarema 37:9; Zvirevo 2:22.

ACHAITA KUTI NYIKA IVE PARADHISO

Pashure pekunge Mwari abvisa zvakaipa zvese panyika, achabva azadzisa chinangwa chake chaakasikira vanhu. Inzwa zvimwe zvatinotarisira.

Rugare. “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

Zvekudya zvakawanda. “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”—Pisarema 72:16.

Pekugara pakanaka uye basa rinogutsa. “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. . . . Vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere.”—Isaya 65:21, 22.

Unoda here kuzorarama upenyu uhwu? Ndihwo upenyu hwatichange tava kurarama mazuva ese.

ACHABVISA URWERE UYE RUFU

Tese tinorwara uye pane imwe nguva tichafa, asi hazvisi kuzoramba zvakadaro. Mwari achaita kuti “munhu wose anotenda [muna Jesu] arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Ndezvipi zvimwe zvaachatiitira nemhaka yekufirwa kwatakaitwa naJesu?

Achabvisa zvirwere. “Hapana mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’ Vanhu vachagara munyika yacho vachava vaya vakaregererwa kukanganisa kwavo.”—Isaya 33:24.

Achabvisa rufu. “Achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:8.

Vanhu vachararama nekusingaperi. “Chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.”—VaRoma 6:23.

Achamutsa vakafa. “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Kufirwa kwatakaitwa naJesu ndiko kuchaita kuti vakafa vazomutswa.

Mwari achazviita sei zvese izvi?

ACHAITA KUTI PAVE NEHURUMENDE YAKANAKA

Mwari achazadzisa chinangwa chake chaakasikira vanhu achishandisa hurumende yekudenga iyo inotungamirirwa naJesu Kristu waakagadza. (Pisarema 110:1, 2) Hurumende iyi ndiyo yairehwa naJesu paakati vateveri vake vanyengetere nezvayo vachiti: “Baba vedu vari kumatenga, . . . Umambo hwenyu ngahuuye.”—Mateu 6:9, 10.

Umambo hwaMwari huchatonga pasi rese uye huchabvisa zvese zviri kutambudza vanhu. Hakuna hurumende yakanaka kudarika iyi! Ndosaka Jesu aishingaira kuparidza ‘nezvemashoko akanaka eumambo’ uye akakurudzira vateveri vake kuti vaitewo izvozvo.—Mateu 4:23; 24:14.

Nemhaka yekuda kwaanoita vanhu, Jehovha Mwari akavimbisa kuti achavaitira zvinhu zvese izvi zvakanaka. Unoda here kuziva zvakawanda nezvake uye kuva pedyo naye? Kana ukava shamwari yake zvichakubatsirei? Nyaya inotevera ichatsanangura izvozvo.

MWARI ACHAITEI?

Mwari achabvisa urwere nerufu, achaita kuti vanhu vagarisane murunyararo uye achaita kuti nyika ive paradhiso

CHII CHINONZI UMAMBO HWAMWARI?

  • Ihurumende yaMwari yekudenga yaachashandisa kuzadzisa zvinangwa zvake.— Genesisi 1:28; Mateu 6:9, 10.

  • Mambo wacho akagadzwa naMwari uye achatonga kudenga nepanyika.—Isaya 9:6, 7; 11:2-4; Mateu 28:18.

  • Mitemo inoshandiswa nehurumende iyi inobva pane zvaidzidziswa naJesu izvo zvaaitora pamirayiro yaMwari.—Mateu 22:37-39; Jakobho 2:8.

  • Hurumende iyi iri kutotonga uye mamiriyoni evanhu pasi rese ari kuudzawo vamwe nezvayo.—Mateu 24:14; 28:19, 20.a

a Kana uchida kuziva zvakawanda nezveUmambo hwaMwari verenga chidzidzo 32 uye 33 chebhuku rinonzi, Rarama Nekusingaperi Uchifara! rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye rinowanikwa pawebsite yedu inonzi www.pr2711.com.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe