RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w19 February pp. 26-30
  • Nhaka Inokosha yechiKristu Yakaita Kuti Ndibudirire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhaka Inokosha yechiKristu Yakaita Kuti Ndibudirire
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VABEREKI VEDU VAITIDA
  • ZVATAIITA NDICHIRI MUDIKI
  • BASA RINONAKIDZA CHAIZVO MUNIGERIA
  • MABASA MATSVA
  • Kugutsikana Kunobva Kuna Mwari Kwakandisimbisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kuvimba naJehovha Kunoita Kuti Ndisava Nechandinotya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • “Rudo Harutongoperi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ndakanga Ndiri Mwanakomana Akarasika
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
w19 February pp. 26-30
Woodworth Mills

NYAYA YEUPENYU

Nhaka Inokosha yechiKristu Yakaita Kuti Ndibudirire

Yakataurwa naWoodworth Mills

PAIVA pakati peusiku uye tainge takatarisana nerwizi rwaNiger rwakafara makiromita angasvika 1,6. Hondo yevagari vemuNigeria yaipisa, saka waigona kuurayiwa kana ukayambuka rwizi rwacho. Asi taitofanira kuita ushingi hwekugara tichiyambuka. Zvakafamba sei kuti ndizoita izvi? Regai ndimbotaura zvakaitika ndisati ndaberekwa.

Muna 1913, baba vangu avo vainzi John Mills, vakabhabhatidzwa muNew York City vaine makore 25. Hama Russell ndivo vakapa hurukuro yerubhabhatidzo. Vachangobhabhatidzwa, baba vakaenda kuTrinidad, kwavakaroora Constance Farmer, uyo aiva Mudzidzi weBhaibheri aishingaira chaizvo. Baba vaibatsira shamwari yavo William R. Brown kuratidza vanhu “Photo-Drama of Creation.” Vakashanda vese kusvikira mhuri yekwaBrown yatumirwa kuWest Africa muna 1923. Baba naamai avo vaiva netariro yekudenga vakaramba vari muTrinidad.

VABEREKI VEDU VAITIDA

Mumba medu taiva vana 9, uye vabereki vedu vakatumidza dangwe ravo kuti Rutherford, iro raiva zita rapurezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society panguva iyoyo. Pandakazvarwa musi wa30 December 1922, ndakatumidzwa kuti Woodworth zvichibva pazita raClayton J. Woodworth, uyo aiva mupepeti weThe Golden Age (yava kunzi Mukai!). Vabereki vedu vakatiendesa tese kuchikoro, asi vainyanya kutikurudzira kuti tive nezvinangwa zvekunamata. Amai vainyatsogona kudzidzisa vachishandisa Bhaibheri. Baba vaifarira kutiudza nyaya dzemuBhaibheri, vachishandisa muviri wavo wese kuti vajekese nyaya dzacho.

Kudzidzisa kwavakatiita kwakabudirira. Pavakomana vashanu vemumba medu, vatatu vacho takapinda Chikoro cheGiriyedhi. Pahanzvadzi dzedu ina, nhatu dzacho dzakapayona kwemakore muTrinidad and Tobago. Vabereki vedu vakatidyara “muimba yaJehovha” kuburikidza nekutidzidzisa uye nemuenzaniso wavo wakanaka. Kutikurudzira kwavaiita kwakaita kuti tirambe tirimo uye tibudirire “muzvivanze zvaMwari wedu.”—Pis. 92:13.

Vanhu vaisangana pamba pedu vasati vaenda kunoparidza. Mapiyona aiungana ipapo uye aiwanzotaura nezvaHama George Young, mumishinari wekuCanada akanga amboshanya muTrinidad. Vabereki vangu vaitaura zvakanaka chaizvo nezvemhuri yekwaBrown yavakanga vamboshanda nayo, iyo yakanga yava kuWest Africa. Zvese izvi zvakandikurudzira kuti nditange kuita basa rekuparidza ndiine makore 10.

ZVATAIITA NDICHIRI MUDIKI

Magazini edu aiva moto moto panguva iyoyo, achifumura zvitendero zvenhema, vezvekutengeserana vane makaro, uye zvinhu zvakaipa zvaiitwa nevezvematongerwo enyika. Saka muna 1936, vafundisi vakaita kuti ainge akambobata chigaro chagavhuna weTrinidad arambidze mabhuku ese eWatch Tower. Takaviga mabhuku acho asi takaramba tichiashandisa kusvikira apera. Taifamba mumigwagwa uye pamwe pacho taichovha mabhasikoro tiine mahendibhiri nezvikwangwani zvaiva nemashoko. Taiparidza kunyange kunzvimbo dziri kure chaizvo dzemuTrinidad takabatana nevaparidzi vemuTunapuna vaiva nemotokari yaiva negudzanzwi. Zvainakidza chaizvo! Izvozvo zvakaita kuti ndibhabhatidzwe ndiine makore 16.

Vaparidzi vemuTunapuna vaiva nemotokari ine gudzanzwi

Vaparidzi vemuTunapuna vaiva nemotokari ine gudzanzwi

Zvandakadzidza mumhuri medu uye zvataiita pakunamata ndichiri mudiki zvakaita kuti ndide kuva mumishinari. Ndainge ndichiine chido ichi pandakaenda kuAruba muna 1944 ndikanobatana naHama Edmund W. Cummings. Muna 1945, takafara chaizvo kupinda Chirangaridzo nevanhu 10 vatakanga takoka. Gore rakatevera, pakaumbwa ungano yekutanga pachitsuwa ichi.

Oris naWoodworth Mills vachiri vadiki

Pandakaroora Oris, upenyu hwangu hwakatanga patsva kunakidza

Pasina nguva, ndakaparidzira mumwe musikana wandaishanda naye ainzi Oris Williams. Oris akataura zvikonzero zvakasimba achidzivirira zvaakanga adzidziswa. Asi akadzidza Bhaibheri akaziva zvarinonyatsotaura uye akazobhabhatidzwa musi wa5 January, 1947. Takazodanana tikaroorana. Akatanga kupayona muna November 1950. Pandakaroora Oris, upenyu hwangu hwakatanga patsva kunakidza.

BASA RINONAKIDZA CHAIZVO MUNIGERIA

Muna 1955, takakokwa kuti tipinde Chikoro cheGiriyedhi. Pataigadzirira kuenda, ini naOris takasiya basa, tikatengesa musha wedu nezvimwe zvinhu, tikabva tabuda muAruba. Takapedza zvidzidzo zvedu musi wa29 July, 1956, mukirasi yechi27 yeGiriyedhi, tichibva tanzi tiende kuNigeria.

Woodworth naOris Mills nemhuri yeBheteri muLagos, Nigeria, muna 1957

Tiine mhuri yeBheteri muLagos, Nigeria, 1957

Achitarisa zvakaitika muupenyu hwake, Oris akati: “Mweya waJehovha unogona kubatsira munhu kuti arambe achiita basa reumishinari pasinei nekumbooma kweupenyu. Kusiyana nemurume wangu, ini handina kumbobvira ndada kuva mumishinari. Ndaitoda kuva nevana nemusha wangu. Ndakachinja pfungwa pandakanzwisisa kuti basa rekuparidza mashoko akanaka rinofanira kukurumidza kuitwa. Patakazopedza kudzidza kuGiriyedhi, ndainge ndagadzirira kuparidza semumishinari. Pataikwira ngarava yainzi Queen Mary, hama Worth Thornton, avo vaishandira muhofisi yaHama Knorr, vakabva vationeka vakati ‘Fambai zvakanaka!’ Vakatiudza kuti tichange tichishanda paBheteri. Ndakatura befu ndikati, ‘Maiwe!’ Asi hazvina kunditorera nguva kuti ndijairane neupenyu hwepaBheteri, uye ndakashanda mabasa akasiyana-siyana ipapo. Rainyanya kundinakidza nderekushanda panosvikira vaenzi. Ndinoda vanhu, uye basa iri raiita kuti ndigare ndichionana nehama dzemuNigeria. Vakawanda vaisvika vaine guruva, vakaneta, uye vaine nzara nenyota. Zvaifadza chaizvo kuvapa zvekudya uye kuvanyaradza. Rese iri raiva basa dzvene randaiitira Jehovha, uye ndizvo zvaiita kuti ndifare.” Basa rese ratakapiwa rakaita kuti tibudirire pakunamata.

Pataiva pamwe chete semhuri muTrinidad, muna 1961, Hama Brown vakataura zvimwe zvinhu zvinokurudzira chaizvo zvavakaita muAfrica. Iniwo ndakataura nezvekuwedzera kwaiita basa redu muNigeria. Hama Brown vakandikochekera neruoko rwavo zvinyoro nyoro, vachibva vati kuna baba vangu: “Johnny, hauna kumbobvira wasvika kuAfrica, asi Woodworth akakusvika!” Baba vakabva vati: “Ramba wakadaro Worth! Ramba wakadaro!” Kukurudzirwa kwandakaitwa nevanhu ava vakanga vashumira Mwari kwemakore, kwakawedzera chido changu chekuita ushumiri zvizere.

Woodworth Mills, Antonia Brown, William “Bible” Brown, naOris Mills

William “Bible” Brown nemudzimai wake, Antonia, vakatikurudzira chaizvo

Muna 1962, ndakapiwa ropafadzo yekupinda zvakare Chikoro cheGiriyedhi kwemwedzi gumi mukirasi yechi37. Hama Wilfred Gooch, avo vaiva mutariri webazi muNigeria, vakapinda kirasi yechi38 vachibva vanzi vanoshandira kuEngland. Ndakabva ndava mutariri webazi rekuNigeria. Ndichitevedzera Hama Brown, ndakatenderera nenyika iyi kuti ndizive hama dzemuNigeria uye kuti ndiwedzere kudzida. Kunyange zvazvo dzainge dzisina zvimwe zvinhu zvine vanhu vari munyika dzakabudirira, mufaro nekugutsikana kwadzo zvinonyatsoratidza kuti mufaro wechokwadi haubvi pamari kana zvinhu zvine munhu. Tichifunga mamiriro avo ezvinhu, zvaifadza kuvaona vakachena uye vachiratidzika zvakanaka pamisangano. Pavaiuya kumagungano, vakawanda vaiuya vari mumarori uye mumabolekajaa (kureva mabhazi akavhurika kumativi anogadzirwa munyika yacho). Kazhinji kacho mabhazi aya aiva nemashoko akanyorwa. Mamwe acho ndeekuti: “Madonhwe madiki emvura anozadza gungwa guru.”

Mashoko iwayo ndeechokwadi! Kese kanoitwa nemunhu mubasa reUmambo kanokosha; isu takaitawo pedu. Pakasvika gore ra1974, Nigeria ndiyo yakava nyika yekutanga kunze kweUnited States yakava nevaparidzi 100 000. Basa rakanga rabudirira chaizvo!

Panguva iyi yaiwedzera Zvapupu, hondo yevagari vemuNigeria yakarwiwa kubva muna 1967 kusvika muna 1970. Hama dzedu dzaiva kumhiri kwerwizi rwaNiger, kuBiafran, dzakaita mwedzi yakawanda dzisingakwanisi kutaura nehofisi yebazi. Taitofanira kuvaendesera zvekudya zvekunamata. Sezvandambotaura kwekutanga, takayambuka rwizi rwacho kakawanda uye kunyengetera nekuvimba naJehovha ndizvo zvaitipa ushingi.

Ndinonyatsoyeuka nzendo idzodzo dzaityisa pataiyambuka rwizi rwaNiger, pasinei nekuti taigona kuurayiwa nemasoja, zvirwere uye dzimwewo njodzi. Kupfuura nepane masoja ehurumende ainyumwira munhu wese wese kwaityisa, asi zvaitonyanya kutyisa kuzopfuura mhiri kwerwizi rwacho kwaiva nevapanduki. Rimwe zuva huri usiku, ndakayambuka rwizi rwaNiger, ndiri muigwa raitakura vanhu kubva kuAsaba kuenda kuOnitsha, ndikanokurudzira vatariri kuEnugu. Rumwe rwendo rwandakaita rwakasimbisa vatariri vaiva muAba umo mairambidzwa kubatidza magetsi usiku. MuPort Harcourt, takaita chipatapata chekupedza musangano wedu nemunyengetero, masoja ehurumende paakapinda muBiafran.

Misangano iyi yaikosha nekuti yaiita kuti hama dzedu dzizive kuti Jehovha aidzida uye yaidzibatsira kuti dzisave nedivi radzinotsigira uye dzibatane. Hama dzemuNigeria dzakaramba dzakatendeka pairwiwa hondo iyi yaityisa. Dzaidanana pasinei nekuvengana kwaiita marudzi emo, uye dzakaramba dzakabatana. Yaiva ropafadzo kuva nadzo panguva iyoyo yekutambudzika!

Muna 1969, Hama Milton G. Henschel ndivo vaiva sachigaro wegungano renyika dzakawanda rakaitwa muYankee Stadium, New York, raiva nemusoro waiti, “Rugare Panyika,” uye ndakadzidza zvakawanda sezvo ndaiva mubatsiri wavo. Izvi zvakaitika panguva yakakodzera nekuti muna 1970 takaita gungano renyika dzakawanda muLagos, Nigeria, raiva nemusoro waiti “Vanhu Vaanofarira.” Sezvo rakaitwa hondo ichangopera, chikomborero chaJehovha ndicho chete chakaita kuti ribudirire. Raiva gungano rakakura chaizvo rakaitwa mumitauro 17, uye rakapindwa nevanhu 121 128. Hama Knorr naHama Henschel nevamwe vanhu vakauya nendege dzekuhaya vachibva kuUnited States nekuEngland vakaona vanhu 3 775 vachibhabhatidzwa sevaKristu. Uku kwaiva kumwe kwekubhabhatidzwa kwevanhu kwakakura zvikuru kubva paPendekosti. Kunenge kuti pandaibatsira kuronga nezvechiitiko ichi ndipo pandakashanda kupfuura pamwe pese muupenyu hwangu. Kuwedzera kwaiita vaparidzi kwakanga kwakakura chaizvo zvekuti vaiita sevari kudirana musangano!

Gungano renyika dzakawanda raiva nemusoro unoti: “Vanhu Vaanofarira” rakaitirwa muLagos, Nigeria, muna 1970

Gungano renyika dzakawanda raiti: “Vanhu Vaanofarira” rakapindwa nevanhu 121 128, vaitaura mitauro 17, kusanganisira Ibo

Mumakore anopfuura 30 andakagara muNigeria, ndaimboshanda semutariri anofambira uye semutariri anoshanyira mapazi kuWest Africa. Mamishinari aionga chaizvo paaikurukurwa nawo semunhu mumwe nemumwe achikurudzirwa! Zvaifadza chaizvo kuvabatsira kuti vazive kuti vachiri kukosheswa! Basa iri rakandidzidzisa kuti kufarira vanhu vese kunovabatsira pakushumira Jehovha uye kunoita kuti sangano rirambe rakasimba uye rakabatana.

Jehovha ndiye akatibatsira kuti tigone kutsungirira matambudziko aikonzerwa nehondo uye kurwara. Tairamba tichiona chikomborero chaJehovha. Oris akati:

“Tese tiri vaviri takarwara nemarariya kakawanda. Pamwe pacho Worth akaendeswa kuchipatara asingatombozivi. Ndakaudzwa kuti aigona kufa, asi ndinotenda kuti akazorarama! Paakamuka, akaudza nesi aimuchengeta nezveUmambo hwaMwari. Ndakazoenda naWorth kunoona nesi uya ainzi Nwambiwe, kuti timubatsire kuti arambe achifarira zveBhaibheri. Akagamuchira chokwadi akazova mukuru muAba. Iniwo ndakabatsira vakawanda, kunyange vaya vainge vakadzika midzi muchiMuslim, kuti vave vashumiri vaJehovha vakazvipira kwaari. Taifara chaizvo nekuti takasvika pakuziva uye pakuda vanhu vemuNigeria, tsika nemagariro avo, uye mutauro wavo.”

Chimwe chidzidzo chandakawana ndeichi: Kuti tibudirire pabasa redu kune imwe nyika, taifanira kudzidza kuda hama nehanzvadzi dzedu pasinei nekusiyana kwainge kwakaita tsika dzavo nedzedu.

MABASA MATSVA

Muna 1987, takabva paBheteri muNigeria, tikanzi tinoshanda semamishinari mundima pachitsuwa chakanaka cheSt. Lucia muCaribbean. Raiva basa raifadza chaizvo asi raivawo nematambudziko aro. Kusiyana nekuAfrica kwekuti murume airoora madzimai akawanda, kuSt. Lucia, dambudziko raiva pakuti murume nemukadzi vaigara vese vasina kuroorana zviri pamutemo. Shoko raMwari rakabatsira vakawanda vataidzidza navo Bhaibheri kuti vachinje.

Oris naWoodworth Mills vachiri vadiki

Ndaida Oris chaizvo kwemakore ese 68 atakava tese muwanano

Sezvo simba redu raipera nekukura, muna 2005 Dare Rinotungamirira rakaita kuti tiende kunoshandira kumahofisi makuru kuBrooklyn, New York, U.S.A. Zuva rega rega ndichiri kutenda Jehovha nekundipa kwaakaita Oris. Akatorwa nemuvengi wedu rufu muna 2015, uye kurasikirwa kwacho hakutauriki. Aiva shamwari yakazonaka uye mudzimai ane rudo uye anodika. Ndaimuda chaizvo kwemakore ese 68 atakagara tese. Takaona kuti mufaro unovapo muwanano nemuungano kana tikaremekedza utungamiriri hwakaiswa naMwari, tikaregererana nemwoyo wese, tikaramba tichizvininipisa uye tikaratidza zvibereko zvemweya.

Patainge takaora mwoyo, taivimba naJehovha kuti atibatsire kuti tirambe tichimushumira takatendeka. Pese patairuramiswa, taiona kuti zvinhu zvairamba zvichivandudzika, asi zvakanakisisa zvichiri mberi!​—Isa. 60:17; 2 VaK. 13:11.

MuTrinidad and Tobago, Jehovha akakomborera basa rakaitwa nevabereki vangu nevamwewo, zvekuti maererano nemishumo ichangobva kugamuchirwa, vanhu 9 892 vakabatana nesu pakunamata kwechokwadi. MuAruba, vakawanda vakashanda kuti vasimbise ungano yekutanga yandaimbopinda nayo. Pachitsuwa chacho pava neungano 14 dzakasimba. MuNigeria, vaparidzi vawedzera chaizvo kusvika ku381 398. Uye pachitsuwa cheSt. Lucia, pava nevanhu 783 vari kutsigira Umambo hwaJehovha.

Iye zvino ndava nemakore ekuma90. Pisarema 92:14 inoti nezvevaya vakadyarwa muimba yaJehovha: “Vacharamba vachibudirira munguva yokuchena musoro, vacharamba vaine simba uye vari vatsva.” Ndinoonga chaizvo upenyu hwandararama ndichishumira Jehovha. Nhaka inokosha yechiKristu yandakawana yakandibatsira kuti ndishumire Jehovha zvizere. Nerudo rwake rusingachinji, Jehovha akandibvumira kuti ‘ndibudirire muzvivanze zvaMwari wangu.’​—Pis. 92:13.

a Ona Awake! yaMarch 8, 1972, map. 24-26.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe