RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w19 April p. 31
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Mashoko Akafanana
  • “Hapana Kana Mumwe Wenyu Achaparara”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • “Panjodzi Mugungwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kuenda Kurutivi Ruri Kure Kwazvo Rwenyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Rudo Runobatanidza
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
w19 April p. 31
Muapostora Pauro achitaura nemushandi vari pedyo nengarava inotakura zvinhu

Waizviziva Here?

Kare zvaifamba sei kuti munhu aite rwendo nengarava?

MUMAZUVA aPauro, zvakanga zvisingawanzoitiki kuti pave nengarava dzinongomirira kutakura vanhu chete. Kuti vaite rwendo nengarava, vanhu vaiwanzobvunza vamwe kana paiva nengarava inotakura zvinhu yaienda kwavaienda uye yaida kutakura vanhu. (Mab. 21:2, 3) Kunyange kana munhu akakwira ngarava inenge isiri kuenda chaiko kwaanenge achienda, ngarava yacho payaimira pane zvimwe zviteshi, aigona kutsvaga imwe inozomusvitsa pedyo nekwaari kuenda.—Mab. 27:1-6.

Kufamba nengarava kwaiwanzoitwa zvichienderana nemwaka yegore, asi kana vakaona zvisingaiti kusimuka, vairamba varipo. Chimwe chaitadzisa vatyairi vengarava kutanga rwendo rwavo kwaiva kutenda mashura. Vaiti zvinoshura kunzwa gunguo richichema riri pamusoro petambo dzengarava, kana kuti kuona zvidimbu zvengarava inenge yakaita tsaona zviri pamahombekombe. Vatyairi vaishandisa mukana wekufamba kwaiita mhepo, saka pavaiona kuti mhepo iripo yakavanakira vaigona kusimuka. Munhu paaiona ngarava inokwanisa kumutakura, aibva aenda pachiteshi chengarava aine zvinhu zvake, omirira kusvikira paizopiwa chiziviso chekuti yava kuda kusimuka.

“Roma yaibatsira vanhu kuti zvivaitire nyore kuwana ngarava inovatakura pane kuti vapedze nguva vachizvitsvagira vega,” akadaro mumwe munyori wezvakaitika anonzi Lionel Casson. “Chiteshi chengarava chacho chaiva panopinda Rwizi rwaTiber mugungwa. Muguta reOstia riri pedyo nechiteshi ichi, paiva nenhandare yakakura yainge yakatenderedzwa nemahofisi. Akawanda acho aiva evaridzi vengarava dzaibva kwakasiyana-siyana. Varidzi vengarava yaibva kuNarbonne, guta riri muFrance, vaiva nehofisi imwe chete, varidzi vengarava yaibva kuCarthage iyo iri muTunisia, vaivawo neimwe hofisi, . . . uye kwaiva nemamwewo mahofisi akasiyana-siyana. Saka munhu aitsvaga ngarava aingonobvunza kumahofisi iwayo kana paine yaigona kumusvitsa pedyo nekwaari kuenda.”

Kufamba nengarava kwaiita kuti vanhu vasatora nguva yakanyanya kureba vari parwendo, asi kwaivawo nematambudziko ako. Pauro akapinda mutsaona yengarava kakawanda paaifamba nzendo dzake dzeumishinari.—2 VaK. 11:25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe