RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 11/1 pp. 24-26
  • Kuenda Kurutivi Ruri Kure Kwazvo Rwenyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuenda Kurutivi Ruri Kure Kwazvo Rwenyika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • “Panjodzi Mugungwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Muenzaniso Wakafuridzirwa Webasa Roufundisi rechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • “Vakaramba Vachizadzwa Nemufaro Nemweya Mutsvene”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 11/1 pp. 24-26

Mararamiro Aiita vaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga

Kuenda Kurutivi Ruri Kure Kwazvo Rwenyika

“Pazuva rakatevera akabva naBhanabhasi vakaenda kuDhebhe. Pashure pokuzivisa mashoko akanaka muguta iroro uye vawana vadzidzi vazhinji, vakadzokera kuRistra, Ikoniyumu uye kuAndiyoki.”—MABASA 14:20, 21.

KUNE kamhepo kanofefetera. Nokuneta anozvimanikidza kupfeka hwashu dzake dzasakara. Anofanira kuzoswera achingofamba.

Sezvo ari mangwanani, mushana unomurova kumusana achifamba nomugwagwa unopfumbuka guruva uri padivi pemunda wemizambiringa, achikwidza nemukwidza uri padivi pechikomo. Ari munzira anosangana nevamwewo vari parwendo, varimi vakananga kuminda yavo, vatengesi vanenge vane mhuka dzakaremerwa nezvinhu zvokuti huya uone uye vanhu vaienda kunonamata kuJerusarema. Mufambi uyu nevamwe vake vanotaura nomunhu wose wavari kusangana naye. Vachiitirei? Kuzadzisa basa ravakapiwa naJesu rokuva zvapupu zvake kusvika “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”—Mabasa 1:8.

Murume ari kufamba uyu anogona kunge ari muapostora Pauro, Bhanabhasi kana kuti mumwe wemamishinari aishingaira chaizvo muzana remakore rokutanga. (Mabasa 14:19-26; 15:22) Varume ava vakanga vakasimba, vasingaiti zvokutamba nebasa. Mazuva iwayo kufamba kwakanga kusiri nyore. Achitsanangura nhamo yaakaona mugungwa, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndakaputsikirwa nengarava katatu, ndakapedza usiku humwe nezuva rimwe ndiri mugungwa.” Kunyange kufamba nomumugwagwa kwakanga kusiri nyore. Pauro akati aiwanzosangana ‘nengozi dzomunzizi, nengozi dzemakororo omumugwagwa.’—2 VaKorinde 11:25-27.

Dai waiva nemamishinari aya unofunga kuti waizonzwa sei? Waizofamba daro rakareba sei pazuva? Zvii zvawaizoda kutakura uye waizorarepi?

Kufamba Nomumugwagwa Pakazosvika zana remakore rokutanga, umambo hweRoma hwakanga hwagadzira mugwagwa mukuru unobatanidza mamwe maguta aitongwa neRoma. Migwagwa yacho yakanga yakagadzirwa nomazvo uye yakasimba. Yakawanda yacho yaiva yakafara mamita 4.5, yakanyatsoiswa matombo kuti mufambike zvakanaka, nechokumacheto kwaiva kwakavakirirwa uye hakuna yaiva yakambofanana nayo. Mumugwagwa wakadai ndimo maifambwa nemumishinari akadai saPauro makiromita anenge 32 pazuva.

Asi kuParestina migwagwa yakawanda yakanga isina tara, zvokuti yaitokonzera njodzi uye minda yaiva padivi pemugwagwa yakanga isina kana kumbososerwa uye parutivi paiva nemakwiringwindi. Munhu aiva parwendo aigona kusangana nezvikara, kana kuti makororo kunyange migwagwa yakavharwa.

Munhu aiva parwendo aitakurei? Zvimwe zvinokosha zvaisanganisira tsvimbo yokuzvidzivirira nayo (1), kamubhedha kaiita zvokupetwa (2), chikwama chemari (3), dzimwe hwashu (4), pokuisira zvokudya (5), hembe dzokuchinja (6), mugomo unopeteka wakagadzirwa nedehwe wokuzocheresa mvura mutsime ari munzira (7), chokunwira mvura (8) uye bhegi hombe redehwe rokuisa zvinhu zvose izvi (9).

Mamishinari aitozosangana nevatengesi vaiendesa zvinhu kumisika yaivako. Vatengesi ava vaishandisa madhongi nokuti ndiwo akanga achinyatsogona kufamba mumigwagwa yaiva nemikwidza nemateru iine matombo-matombo. Zvinonzi kana dhongi rakanyatsotakura uye rakasimba raigona kufamba makiromita anosvika 80 pazuva. Ngoro dzaikwehwa nemombe nezvingoro zvaiitwa zvokusundwa zvaipedza gore nokuti pazuva zvaingofamba makiromita 8 kusvika ku20. Asi mombe dzaiva dzakanakira kuti dzaigona kutakura zvinorema kana ari madaro mapfupi. Mufambi aigona kuona chikochikari chaikwehwa nengamera kana madhongi chizere nezvinhu zvakawanda zvaibva kwakasiyana-siyana. Munhu aitakura tsamba aiva akatasva bhiza aivapfuura achimhanya; achiendesa tsamba nemitemo yamambo kunzvimbo dzaitongwa noumambo hweRoma.

Pakwaisviba, vafambi vairara padivi pomugwagwa vari mumatende avo avaingodzika zvechimbichimbi. Vamwe vairara mudzimba dzaivakirwa vanhu vaiva parwendo dzaiva mumugwagwa uye dzisina kana midziyo. Dzimba idzi dzaiva dzakasviba, dzakashata, dzaisanyanya kuvadzivirira pachando nemvura uye kumbavha. Pose pazvaibvira mamishinari aya anenge aigara nevoukama kana kuti nevavainamata navo.—Mabasa 17:7; VaRoma 12:13.

Kufamba Nomumakungwa Zvikepe zviduku zvaitakura zvinhu nevanhu zvichitevedza mhenderekedzo yegungwa uye kutoyambuka Gungwa reGarireya. (Johani 6:1, 2, 16, 17, 22-24) Zvikepe zvihombe zvakawanda zvaiyambuka gungwa reMediterranean, zvichienda kuzviteshi zvezvikepe zvaiva kure, zvakatakura pakuenda nokudzoka. Zvikepe izvi zvaiunza zvokudya kuRoma uye zvaitakura vakuru-vakuru vehurumende kana kuti mashoko aida kuendeswa kuzviteshi zvezvikepe.

Kuti vazive kwavari kuenda, vafambisi vaishandisa zvinhu zvinooneka zvakaita semakomo pakwaiva kwakachena uye manheru vaishandisa nyeredzi. Vaida kufamba nomugungwa vaifanira kufamba kubva muna May kusvika pakati paSeptember nokuti mamiriro okunze ndipo paaiva akanaka. Zvikepe zvaiputsikira mugungwa kakawanda.—Mabasa 27:39-44; 2 VaKorinde 11:25.

Vanhu vaifarira kufamba nomumugwagwa kupfuura nomugungwa nemhaka yokuti zvikepe zvaitakura zvinhu saka nyaya yokuti munhu uti unoda pokugara pakanaka pakanga pasina. Vaifamba nechikepe vaigara uye kurara pachena pasina kana pokuvanda pokuti wairohwa nechando kana nezuva. Paiva pakanaka ndipo pairongedzerwa zvinhu zvinokosha. Munhu aitouya nembuva yake. Mvura yokunwa chete ndiyo yawaipiwa. Dzimwe nguva mamiriro okunze aiminama. Madutu uye kubvongodzwa kwaiitwa gungwa kwaiita kuti munhu upedzisire warwara, kwemazuva akatoti oo.

Pasinei nematambudziko ose omumugwagwa kana mugungwa, mamishinari akadai saPauro akaparidza “mashoko akanaka oumambo” kwose kwavaiziva. (Mateu 24:14) Pangopera makore 30 Jesu audza vadzidzi vake kuti vaparidze nezvake, Pauro akanyora kuti mashoko akanaka akanga aparidzirwa “zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe