Kufunda Munhu Mukurusa Ati Amborarama
1 Mukati mevhiki yaMay 16, tichavamba kufunda Munhu Mukurusa Ati Amborarama muFundo dzedu dzeBhuku dzeUngano. Uchava mufaro wakadini kuhwirudzura upenyu noushumiri zvaJesu Kristu! Sezvo bhuku racho rakagadzirwa nomutoo wakati siyanei namamwe mabhuku ayo takafunda, nhungamiro shomanene dzichava dzinobetsera.
2 Bhuku racho harina nhamba dzamapeji naizvozvo rudungwe runobudiswa muHushumiri Hwedu hwoUmambo rucharonga maganhuro anofanira kufundwa, kazhinji kazhinji matatu kana kuti mana vhiki imwe neimwe. Maganhuro 35, 111, uye 116 akareba zvikuru uye achakamurwa kuva fundo mbiri rimwe nerimwe. Pashure pokuita kuti hama yakakwaniriswa irave ganhuro rose (kana kuti musoro muduku wose, somuchinoitika chamaganhuro 35, 111, uye 116), muitisi wefundo achabvunza mibvunzo iri pamugumo weganhuro iyo inowirirana neganhuro kana kuti chikamu chichangobva kuraviwa. Mhinduro dzacho hadzisati dzichitevera nguva dzose nomutoo unofambira mberi muganhuro racho. Tsinhiro pfupi nedzakananga dzinofanira kuva dzakavakirwa pamashoko ari muchidzidzo.
3 Pashure paikoko, kana nguva ichibvumira, magwaro ose akarongwa pamugumo weganhuro anofanira kuraviwa. Magwaro akareba zvikuru akarongwa angakamurwa kuva zvikamu zviduku zvikuru kuti mugobvumira vaparidzi vakasiyana-siyana kugoverana mukurava, uye ipapo tsinhiro dzinogona kupiwa paizvo zvaraviwa. Mibvunzo yakananga yakagadzirirwa nomuitisi ichabetsera kuwana tsinhiro dzine revo dzinoratidza kuti magwaro araviwa anobatana sei neizvo zvasimbiswa mubhuku. Mibvunzo yose netsinhiro zvinofanira kubetsera avo vanopinda kunangidzira ngwariro pana Jesu Kristu, upenyu hwake, uye dzidziso dzake.
4 Bhuku raMunhu Mukurusa rinorangarira upenyu hwaJesu munhevedzano yenguva. Kuisa muchiono zvinoitika nokuroverera mundangariro uko zvakaitika zvinogona kuva betsero chaiyoiyo kukuzviyeuka. Naizvozvo, iva nechokwadi chokurangarira mifanikiso yakaisvonaka ndokuita nongedzero kazhinji kazhinji kumapu inowanika kumavambo kwebhuku racho, pashure pesumo.
5 Sumo yebhuku racho icharangarirwa vhiki yokutanga. Pashure pokurava ndima dzose dziri pasi pomusoro muduku, muitisi achabvunza mibvunzo yakakodzera iyo akagadzirira. Uku kurangarira kwokutanga kuchagadzirira fundo dzinotevera mukati megore riri kutevera. Mwero webudiriro mukufukidza mashoko acho uchatsamira kutambanuko huru pakugadzirira kwavose vanopinda. Muitisi zvikurukuru anofanira kuva akasanogadzirira vhiki imwe neimwe kuti abetsere boka kuva rakasanorovedzana nomunhu mukurusa ati amborarama, Ishe wedu noMuponesi, Jesu Kristu.