Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
1. Ndirini patichatanga kudzidza bhurocha raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano? uye tichabatsirwa sei?
1 Kutanga nevhiki yaOctober 28, bhurocha raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano? ndiro richadzidzwa paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Bhurocha idzva iri rakabudiswa paGungano Reruwa raiti, “Chengetedza Mwoyo Wako!” rakagadzirirwa kutungamirira vadzidzi veBhaibheri kusangano. Kudzidza bhurocha iri kuchawedzera kuonga kwatinoita kuva musangano raJehovha uye kuchatibatsirawo kuti tijaire kushandisa bhurocha racho muushumiri.—Pis. 48:13.
2. Bhurocha racho richadzidzwa sei muungano?
2 Madzidzire Atichariita: Muitisi anofanira kuronga nguva yake kuitira kuti chidzidzo chimwe nechimwe chive nenguva yakakwana yokuchikurukura. Achasuma chimwe nechimwe chezvidzidzo 28 kuburikidza nokuverenga mubvunzo unenge uri musoro wechidzidzo chacho. Achabva akumbira muverengi kuti averenge ndima yokutanga inosuma chidzidzo chacho. Zvadaro, muitisi achabvunza vateereri mubvunzo waakagadzirira nokuda kwesumo yacho. Chikamu chimwe nechimwe chinotanga nemashoko matema-tema chinofanira kubva chaverengwa chokurukurwa. Kana chikamu chacho chaverengwa, muitisi achakumbira vateereri kuti vataure kuti chikamu chacho chinopindura sei mubvunzo unenge uri musoro wechidzidzo chacho. Bhurocha racho rinewo mifananidzo yakawanda inogona kushandiswa pakupindura. Magwaro anonyatsotsigira pfungwa inenge ichidiwa anofanira kuverengwa kana nguva iripo. Musati maenda pachidzidzo chinotevera, muitisi achabvunza mibvunzo iri pazasi papeji yacho kuti mudzokorore zvamunenge madzidza. Kana paine bhokisi rakanzi “Dzidza Zvimwe,” muitisi achaita kuti riverengwe obva akumbira vateereri kuti vataure kuti mudzidzi weBhaibheri achabatsirwa sei nokuita zvinenge zvichitaurwa. Kana nguva iripo pamunopedzisa chidzidzo chacho, muitisi anogona kushandisa misoro yezvidzidzo zvacho semibvunzo yokudzokorora. Yeukai kuti izvi handizvo hazvo zvinofanira kuitwa pakudzidzisa vanhu Bhaibheri.
3. Tinganyatsobatsirwa sei nekudzidza bhurocha iri?
3 Kuti munyatsobatsirwa, uyai kumusangano wacho makanyatsogadzirira. Edzai nepose pamunogona napo kuti mupindurewo. Panenge pachiitwa chidzidzo chacho, fungai nezvokuti mashoko acho anobatsira sei vadzidzi veBhaibheri. Dai kudzidza bhurocha idzva iri kukatiita kuti tibatsire vamwe kuti vabatane nesu pakuita kuda kwaMwari kuitira kuti ivowo vave netariro yokurarama nokusingaperi.—1 Joh. 2:17.