Nharireyomurindi naMukai!—Magazini Ezvokwadi
1 Chinyorwa chaJanuary 1, 1994, cheNharireyomurindi, peji 22, chakatiyeuchidza kuti magazini edu anobudisa “nyaya dzakakodzera nguva dzakabata nezvinodikanwa chaizvoizvo zvavanhu.” Tinoda kuparadzira aya magazini zvakafara. Mukati memwedzi yaApril naMay, Nharireyomurindi pahwaro hwokuzvinyoresa ndicho chinogoverwa chinosimbiswa.
2 Basa rapaimba neimba rinotipa banza redu rakanakisisa rokugovera aya magazini. Kupupurira kwamasanga kunobudirira neshanyo dzedzokerero zvinogumawo nezvinogoverwa zvenguva dzose. Kuita basa romumugwagwa nokushanyira nzvimbo dzebhizimisi mundima yedu inzira dzinobudirirawo dzokuwedzera kuparadzira.
3 Nyaya Dzokukurukura: Chinyorwa chaApril 1 cheNharireyomurindi chinorangarira misoro inoti “Nyika Iri Nani—Chiroto Chete Here?” uye “Nyika Iri Nani—Yava Pedyo!” Ikoku zvamazvirokwazvo kunowirirana nedonzo remagazini yacho rokuzivisa Umambo hwaMwari. Nyaya yechipiri inogumisa kupfurikidza nokuratidza kuti paradhiso isingagumi ichava sei chinhu chaichoicho mukutonga kwaKristu Jesu.—Ruka 23:43.
4 “Ndokupi Kwaunogona Kuwana Nhungamiro Yakavimbika?” mubvunzo unokurukurwa muchinyorwa chaApril 15. Zvinyorwa zvaMay zvichanzverazve iyi nhau munyaya dzinoti “Rudzidziso Rwuri Kuita Zvinodikanwa Zvako Here?” uye “Kuravirei Bhaibheri?” Tinofanira kukwanisa kutanga kurukurirano zviri nyore navanhu vanonzwa kuti upenyu hwavo hahuna revo nedonzo.
5 Kuwedzera Zvinogoverwa: Nharireyomurindi yaJanuary 1 yakagovera zvikarakadzo zvina zvokuwedzera zvinogoverwa. Takakurudzirwa (1) kuziva magazini. Apo tinoarava, tinofanira kufunga pamusoro pokuti inyaya dzipi dzingava dzinofadza zvikurusa kuvanhu vari mundima yedu. Uyewo, kana tichifamba namakopi nguva dzose, tingakwanisa kuagovera vokubasa biyedu, vavakidzani, vadzidzisi, vokuchikoro biyedu, kana kuti vatengi.
6 Takayeuchidzwa (2) kuchengeta mharidzo dzedu dzakapfava. Sarudza pfundo rimwe rinofadza, uye ritaure mumashoko mashomanene. Kana uchigona kupinza magazini mumusha, inogona “kutaura” kumunhu wawakasangana naye kana kuti vamwe vari mumhuri yacho.
7 Chimwe chinodikanwa ndiko (3) kuva anochinjika. Kwakanaka kurangarira nyaya dzakasiana-siana dzokukurukura—imwe yepwere, imwe yavarume, uye chimwe chinhuzve chavakadzi.
8 Pakupedzisira, tinofanira (4) kugadza nharidzano yomunhu oga yezvinogoverwa. Nepo ungano isingagoni kugadza chitsama chakati, tinogona kuzvigadzira timene nharidzano somunhu mumwe nomumwe. Ikoku kungatipa sundo huru yokuva vane mbavarira mukugovera magazini acho. Kana tikaisa odha yechigarire yamagazini, tingasundwa kuita zvakawanda.
9 Tinoda kuti vamwe vazive pamusoro poUmambo hwaMwari. Ngatishandise zvakazara betsero yakaisvonaka iyo magazini anogovera mukuparadzira shoko roUmambo.—Mat. 10:7.